7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please bookmark or save the new site for quick access.


Wakakunda Nyika Ino

Chipiri, 28 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti chinhu chinozvarwa naMwari. Chose zvacho. Chinokunda nyika ino. Uye ruvimbo rwedu muna Mwari ndiro simba rinokunda nyika ino (1 Johane 5 ndima 4).

Johane ndiye akanyora ndima yatavhura nayo. Mwari ndivo vakajekesera mashoko acho kumweya wake. Iye akanga asiri kungotaura zvaaivona mumweya. Akanga ari kutotsanangura hupenyu hwatinahwo. Ihwohwu huri muna Muponesi. Ihwo hwairaramiwavo nedzimwe nhume dzose dzaJesu. Aya ndiwo aivavo mafungiro enhume dzose idzi. Dzaingoziva zvekukunda chete.

Nhume idzi dzakanga dzambofamba naJesu. Saka dzakanga dzava kunzwisisa hupenyu hweVamwari. Vamwari vanhu vakazvarwa naMwari. Vanhu ava vakakurira nyika ino. Vanokurira zvinhu zvenyika ino. Saka newevo wakakurira nyika ino. Nokuti wakazvarwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tinozviverenga muna Jemusi yekutanga ndima yegumi nesere. Inoti, Ndivo vakasarudza voga kutizvara. Vachishandisa Shoko ravo rechokwadi. Vachitsvaka kuti tive zvibereko zvavo. Zvekutanga. Zvavanokoshesa kudarika zvimwe zvisikwa zvavo zvose.

Johane yekutanga ndima yegumi nembiri kusvika gumi nenhatu inoti, Asi kune vamwe vakarigamuchira. Vakagamuchira zita rake. Vanhu ava vakabva vapiwa simba. Nemvumo. Yekuti vave vanakomana vaMwari. Vanhu ava vakabva vazvarwa kechipiri. Kwete neropa. Kana nekuda kwenyama. Kana nekuronga kwemurume. Asi vakazvarwa naMwari pachavo. Iwe ungava wakazvarwa naMwari. Izvi zvinoreva kuti wakakurira nyika ino. Hauna kutamburira kukurira nyika iyi. Wakaikunda nekuti wakazvarwa naMwari. Hareruya!

Iwe wakakurira nyika ino. Wakakuriravo zvinhu zvenyika ino. Wakakurira zvose zvinoparadza. Hapana chiri munyika chingakukanganisa. Aya ndiwo anofanira kuva mafungiro ako. Unofanira kuzvirovedzera kuzvivona nenzira iyi. Saka zvinhu zvingawoma hazvo. Rangarira kuti uri werudzi rupi. Wotaura kuti une simba rakawanda kudarika renyika ino. Unotonga zvinhu zvenyika ino. Unotonga zvose zvingatsvaka kukurwisa. Une simba rinodarika raSatani. Unokurira zvirwere. Unovimba naMuponesi. Ndiko kusaka wakakurira nyika ino. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndinovimba nemi. Saka ndakakurira nyika ino. Handivhunduswi nezvinhu zvenyika ino. Ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Ndakakurira nhamo dzenyika ino. Ndakakurira vavengi vari munyika ino. Ndakakurira njodzi dzenyika ino. Ndakashandisa simba raMweya Mutsvene kuzvikurira. Uye ndinoshandisa Shoko raMwari kuzvikurira. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 35 kusvika 37
Johane 16 ndima 33
1 Vakorinde 15 ndima 57
1 Johane 4 ndima 4

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church