English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Wakari Wenhaka Yeshipikirwa

China, 30 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Kana muri waKristo, saka muri wapwere waAbhurahama, ngewakari wenhaka tsezvidopikirwa. (WaGaratiya 3 ndima 29).

Muna Kristo, udobarwa uri mukari wenhaka yaMwari. Hupfumi ngezviro zvawo zvetse ngezvako. WaRoma 8 ndima 17 ingoti, Zvino kana tiri wapwere, tiri wakari wenhaka, wakari wenhaka yaMwari, wakari wenhaka pamwepo naKristo. Bhayibheri ringotawura kuti ndarama, goridhe, mabwe etse angokosha ngenyika yetse ngezvawo, tsekunyorwa zvidoyitwa muna Hagayi 2 ndima 8: "Ndarama ngeyangu, goridhe ngerangu, ndizvo zvingotawura Jehovha wehondo.

Muna Mapisarema 50 ndima 10 kusvika 12, wadoti, "Ngekuti mhuka dzetse dziri musango ngedzangu, ngemombe dziri mumakomo zvuru. Ndingoziwa chiri dzetse dziri mumakomo: ngemhuka dzetse dzemusango ngedzangu?ngekuti nyika ngeyangu ngezvetse zviri umo iri. Saka tsemupwere waMwari, ngemukari wenhaka pamwepo naKristo,ndarama,goridhe,mombe dziri muzvuru zvemakomo, nyika ngezvetse zviri umo iri,ngezvako tsekuwa zvawowo zvidoyita..

Zviwone mushiyedza ishi, ngekuti ndiro diko pamutsoro pekupfuma kwako. Ngenzira imwe iyeyo idoyiswa kururama kwaMwari mumwiya mako apo udobarwa patsva, hupfumi ngehukuru zvidoyiswawo mumwiya mako. 2 WaKorinde 8 ndima 9 ingoti, Ngekuti mungoziwa nyasha dzaTenzi wasu Yeso Kristo, kuti kana dayi hashe adonga adopfuma, adowa murombo pashinzvimbo shanu kuti kuburikidza ngehurombo hwashe, muwe wapfumi. Zvingotawura kutinyi izvi?

Shekutanga, ungofanira kunzwisisa kuti Yeso hawadombowa murombo mumwiyaba. Saka ndima iyo tabva kuwerenga irutawura pamutsoro pezvepanyika, zvingobatika pamwepo ngehupfumi hwemare. Yeso wadoyita murombo kuyitira iwewe, kuti kubva muhupfumi uhwo wadosiya ihwohwo, uyite mupfumi wezvidowanda. Utsawone basa kana bhizimisi rako tseko kungobva hupfumi hwakoba. Rarama hupenyu hwemufaro ngekupfuma mazuwa etse.

Munewe ndimo mungokara makomborero aMwari etse. Ngawaropafadzwe Mwari waTenzi wasu Yeso Kristo, awo wadotikomborera ngemakomborero etse eMwiya munzvimbo dzekumatenga muna Kristo (WaEfeso 1 ndima 3). Tondera zvidotawurwa ndiMwari kuna Abhurahama muna Genesisi 12 ndima 2, ?Ndishakukomborera, ndishayita kuti zita rako riyite hombe; ushayita shikomborero. Wadokomborera Abhurahama diko.
Pauro angotipangidza muna WaGaratiya 3 ndima 16 kuti shikomborero shidotsidzirwa ishi shidonga shisiri kuna Abhurahama egaba, asi ngekumbewu yashe. Mbewu yasho ndiKristo. Mundima iyo tawamba ndiyo tawerenga kuti ?Kana muri waKristo, saka muri wapwere waAbhurahama, ngewakari wenhaka tsezvidopikirwa. Uri mukari wenhaka wemakomborero aAbhurahama. Kwetse iyo ungoyenda ungonga udotakura makomborero. Ukasvika panzvimbo, makomborero angonga asvikawo. Ndiwe mukari wenhaka wemakomborero aAbhurahama. Hareruya!

Pupura Uyiti

Ndiri mupwere waAbhurahama, ndiri muridzi ngemupi wemakomborero aMwari. Ruponiso, kururama,kupfuma, kuporeswa,kunaka kwaMwari, tsitsi ngenyasha dzawo dzingowerera ngemunene kukomborera nyika yangu! Ndingorarama ndine zvidokwana zvidowanda, muhutano ngekubudirira mazuwa angu etse. Ndidokomborerwa muzviro zvetse ngenzira dzetse. Mwari ngawakomborerwe!

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vaefeso 1 ndima 11
Vakorose 1 ndima 12
VaGaratia 3 ndima 16 na 29

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church