7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please bookmark or save the new site for quick access.

English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 


China, 30 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvino kana mava Muponesi. Ndimi mwana uya. Wedzinza raAbhurahama. Kureva kuti ndimi varidzi vefuma iya. Yakavimbiswa naMwari (Vagaratiya 3 ndima 29).

Iwe wava muna Muponesi. Wakazvarwa kechipiri. Apa ndipo pawakazvarwa wava muridzi wefuma yaMwari. Fuma yaMwari yose ndeyako. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yesere ndima yegumi nenomwe. Inoti, Zvino kana tiri vana vavo, tiri varidzi vefuma yaMwari. Fuma iyi iri muzita redu. NaMuponesi. Tiri pamwe chete. Mwari ndivo muridzi wendarama yose. Ndivo muridzi wematombo ose anokosha. Ndivo muridzi wenyika yose. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Hagai yepiri ndima yesere. Inoti, Mari ndeyangu, nendarama ndeyangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.

Ivo vanotaura zvekare muna Mapisarema yemakumi mashanu ndima yegumi kusvikira gumi nembiri. Inoti, Nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru. Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu. nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi. Zvino iwe ndiwe muridzi wefuma yaMwari. Kureva kuti mari yose yava yako. Ndarama yose yava yako. Mombe dzose dzava dzako. Idzodzo dziri pachiuru chemakomo. Nyika yose yava yako. Zviri munyika zvose zvava zvako. Zvinhu zvose izvi zvava muzita rako naJesu pamwe chete.

Chizviona semuridzi wefuma yose iyi. Kureva kuti unotova mufumi iwe. Kururama kwakaiswa mumweya wako. Kwakaiswamo paya pawakazvarwa kechipiri. Hufumi hwakabva hwaiswavo mumweya wako. Hukuru hwakaiswavo mumweya wako ipapo. Tsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chesere ndima yepfumbamwe inoti, Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu. Jesu Muponesi. Kuti kunyangwe vakanga vakafuma. Asi vakava varombo pachinhambo chenyu. Kuti imi muve vafumi vacho. Ndima iyi inorevei?

Jesu havana kumbova murombo pamweya. Izvi ndizvo zvaunofanira kutanga wanzwisisa. Saka ndima iyi haisi kutaura nezvefuma yepamweya. Iri kutaura nezvefuma yepanyika pano. Iri kutaura pamusoro pemari yenyika ino. Jesu vakava varombo pazvinhu zvenyika ino. Vachida kuti iwe uwane fuma iyi. Asi usavona sekuti mabasa ako ndiwo achakufumisa. Rarama wakafara. Uchibudirira pane zvose zvaunoita.

Mauri ndimo munogara maropafadzo aMwari. Ndimo maanogara ose. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso yekutanga ndima yatatu. Inoti, Mwari ngavaropafadzwe. Ivo Baba vaIshe Jesu Muponesi. Ivo vakatipa maropafadzo ose epamweya. Ari kumatenga. Nokuti tava muna Muponesi. Rangarira zvakambotaurwa naMwari. Apa vakanga vari kutaura kuna Abhurahama. Tinoverenga mashoko avo aya muna Genesi yegumi nembiri ndima yepiri. Inoti, ... Ndigokuropafadza. Nekuita kuti zita rako rive guru. Ugova chiropafadzo. Mwari vakatozoropafadza Abhurahama uyu. Vakamuropafadza zvikuru.

Mwari vakaropafadza havo Abhurahama. Asi chiropafadzo chacho chakanga chisiri chake oga. Chakanga chiri kuuyavo pamwana wake. Mwana wacho ndiMuponesi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naPauro. Tinoverenga mashoko ake aya muna Vagaratiya yetatu ndima yegumi netanhatu. Zvino ndima yatavhura nayo yati, Zvino kana mava Muponesi. Ndimi mwana uya. Wedzinza raAbhurahama. Kureva kuti ndimi varidzi vefuma iya. Yakavimbiswa naMwari. Saka iwe ndiwe muridzi wemaropafadzo aAbhurahama. Unofamba wakatakura maropafadzo. Saka ungasvika panzvimbo. Maropafadzo anobva atosvika panzvimbo iyi. Hareruya!

Pupura Uchiti
Ini ndiri mwana waAbhurahama. Saka ndini muridzi wemaropafadzo aMwari. Ndini ndinosvitsa maropafadzo aya kuvanhu. Vanhu vanowana ruponeso pandiri. Vanowana kururama. Vanowana hufumi. Vanopora. Vanowana fuma yaMwari. Vanowana tsitsi dzaMwari. Vanowana nyasha dzaMwari pandiri. Ndine fuma zhinji. Ndiri mutano. Ndinobudirira pane zvose zvandinoita. Ndakaropafadzwa muzvinhu zvose. Ndakaropafadzwa pazvinhu zvose. Mwari ngavaropafadzwe!

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vaefeso 1 ndima 11
Vakorose 1 ndima 12
VaGaratia 3 ndima 16 na 29

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church