English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Kusumudza Mawoko Kuna Tenzi

Chishanu, 31 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Munamato wangu ngawuwuye pamberi panu tsezvingonhuwira, kusumudzwa kwemawoko angu tseshipiriso shemanheru.(Mapisarema 141 ndima 2).

Apo wanhu wangonzi wasumudze mawoko pakunamata muchechi, wena wangondoyitawo kana kutorekera kusumudza kwasho, wadowanda hindawa yekuti wangonga wasati wafundiswa muzviro zvemwiyaba. Wakanzwisisa kukosha mumwiya kudoyita kusumudzwa kwemawoko kuna Mwari, hawashupiki kana kuramba kuzviyitaba.

Mune una musongano makore adarika,ndidowona shiro shidokosha: Wanhu wadowanda wadoporeswa mutsi uyu wadonga wasirukwanisa kusumudza mawoko awoba ngekukonziwa. Izvi zvidoyita kuti nditi fungenyi ndiyibva ndabvunza Mwiya waMwari kuti ngenyi wadowanda wadonga wane dzmbudziko iri. Wadoti, ndidowatawurira kuti wandishumire mawoko awo adosumudzwa; ndidorayira kuti wanhu wetse wanamate wayisumudza mawoko awo angoyera, asi hawasharoba. Mumasure memakore akati kuti, watuwona wasishakwanisi kusumudza mawoko awo, atuwakonza, wangotoyita kushinga kwako.

Shidzidzo shidobuda apa ngeishi: dayi wanhu wadonga warunamata wayisumudza mawoko awo nguwa dzetse, tsekurayira kwaMwari, kukonzwa kwetse uku kungodayi kusidowuyaba. Asi tingotenda Mwari ngekuti nyasha dzawo dzidowawunzira kupora. Utsazombofunge kuti kusumudza mawoko ako pakunamata kana kushumira Tenzi hakusenzi shiroba kana kunyara ndizvo. Rutendo, kudayira kwemumwiya ngekuzvipa kuna Mwiya Mutsvene.
Kana wayimbokonziwa ngekusumudza mawoko usati wati muKristoba, ramba uyifundira kuwasumudza kuna Tenzi mukuwashumira. Ukasharo, ungonga uruyita zvingotawurwa ngeSoko raMwari. Pasina nguwaba , mawoko amwe iwayo angoramba ayiwedzera kusumuka pasina pangokonzaba. WaHebheru 12 ndima 12 kusvika 13 ingoti, Sumudza mawoko ako angorembera patsi, ngemabvi adoneta, unatse nzira dzemakumbo ako kuti shingodzomhina shirekere kuminyuka, asi shiporeswe.

Wapwere waMwari wadowanda wangokonziwa panyama yawo hayikona ngekuti pane shidonyangara umo wariba, asi ngekuti wangorekera kuyita zvingotawurwa ngeSoko raMwari, Satani shingobva shawabatira ipapo. Saka funda kuyita zvingotawurwa ngeSoko raMwari. Ita kuti mwiya wako ufundise mwiri wako pakunamata Mwari. Sumudza mawoko ako pakukudza Mwari uwone kupenya uko usingambofungidziriba kuyiyitika muhupenyu hwako.

Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngemukana ngeshikomborero shekukunamatani mawoko angu adosumudzwa mudenga, kukukudzani ngerudo. Hakuna udoyita tsemweba; muri mukuru mune simba hombe, Tenzi wewetse naMwari wenyama yetse. Ndimwi mega musingapfiba mungokara mushayedza shisingasvikikiba. Hapana munhu adokuwonani kana angokuwonaniba, rukudzo ngesimba risingaperiba ngazvipiwe kunemwe narini narini. Ameni.


Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Mapisarema 134 ndima 1 kusvika 2
Mariro 3 ndima 41
1 Timoti 2 ndima 8 NIV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church