7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please bookmark or save the new site for quick access.

English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Kusimudza Mavoko Kuna Ishe

Chishanu, 31 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana (Mapisarema 141 ndima 2).

Vanhu vangava mumunamato. Vachinamata Mwari. Vanganzi vasimudze mavoko avo. Vamwe vavo vanosimudza vasingadi. Vamwevo havatosimudzi zvachose. Iyi imhaka yekuti vanenge vasina kudzidziswa zvinhu zvemweya. Isu tinofanira kusimudza mavoko kuna Mwari. Izvi zvinhu zvakakosha. Zvine zvazvinoita mumweya. Vanhu ava vanofanira kunzwisisa izvi. Havazonetseki kusimudza mavoko avo.

Ini ndakanga ndiri pane rimwe vhuserere. Izvi zvakaitika makore akawanda apfuura. Pane chandakavona pavhuserere iri. Pakaita vanhu vakaporeswa. Vazhinji vacho vakanga vasingagoni kusimudza mavoko avo. Mavoko avo aivarwadza. Izvi zvakandishamisa chose. Saka ndakavhunza Mweya Mutsvene. Ivo vakandipindura. Vakati, Ndakaudza vanhu ava kuti vandinamate vakasimudza mavoko avo. Ndakaraira kuti varume vanamate vakasimudza mavoko avo. Vanofanira kuita izvi kose kose. Asi ivo havana kuita izvi. Pakazopera makore akawanda. Mavoko evanhu ava akatanga kurwadza. Vakatanga kusagona kuasimudza nyore.

Vanhu ava vaingofanira kupota vachinamata Mwari vakasimudza mavoko avo. Mavoko avo haaizorwadza kudai. Asi tinotenda Mwari. Ivo vakazovaitira nyasha. Vakavaporesa. Nyengetera wakasimudza mavoko ako. Namata Mwari wakasimudza mavoko ako. Ichi chinhu chakakosha zvikuru. Usambofunga kuti hachina basa. Usafunga kuti chinonyadzisa. Unenge uri kutotaridza kuti unovimba naMwari kana uchisimudza mavoko ako. Mweya wako unenge uri kutodavira kuna Mwari. Unenge uri kutobvuma kutongwa naMweya Mutsvene.

Kusimudza mavoko kunogona hako kunge kuchikurwadza. Kunogona kunge kwaikurwadza usati waponeswa. Asi chizvijaidza kuasimudza. Uchiasimudza kuna Ishe. Uchivanamata. Unenge uri kutoita zvinotaura Shoko raMwari kana uchidai. Mavoko ako aya anozosungunuka. Iwe uchizogona kuasimudza nyore. Asingakurwadzi. Vahebheru yegumi nembiri ndima yegumi nembiri kusvika gumi nenhatu inoti, Saka zvigwinyisei. Murege kuramba makaneta. Ruramisai nzira yamunofamba nayo. Kuti akaremara asagumburwa. Achitsauswa. Asi aporeswe.

Kune vana vaMwari vanorwadziwa. Vana vakadai vakatowanda. Chinovarwadza hazvisi zvirwere. Kungosaita zvinotaura Shoko raMwari. Zvino Satani anobva avateya naizvozvo. Saka iwe dzidza kuita zvinotaura Shoko raMwari. Mweya wako ngaudzidzise muviri wako wenyama kunamata. Ungava uri kunamata Mwari. Simudza mavoko ako. Uchirumbidza Mwari. Simba raMwari rinozoshanda muhupenyu hwako. Rinozoshanda nenzira yausati wakambofungira.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Munondipa mikana yekukunamatai. Ndichikunamatai kudai ndakasimudza mavoko angu. Ndichakukudzai. Ndichikudai. Ichi chinotova chiropafadzo. Hapana akaita semi. Muri mukuru chose. Ndimi Mambo wezvose. Ndimi Mwari wenyama yose. Ndimi moga musingafi. Munogara muchiedza. Hapana angaswedera pachiedza ichi. Hapana munhu angakuvonai. Saka kudzwai. Ndimi muchagara muine masimba ose. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mapisarema 134 ndima 1 kusvika 2
Mariro 3 ndima 41
1 Timoti 2 ndima 8 NIV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church