English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Wangokuchenesa Kubva Kuzvitadzo Zvetse
Muvhuro, 9 Zvita 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Uyo maari tine rudzikinuro kuburikidza ngeropa rashe, kana ngekurekererwa kwezvitadzo. (WaKorose 1 ndima 14).
Ndima yatavhura ndiyo iruti muna Yeso Kristo tine rudzikinuro kuburikidza ngeropa rashe. Kwekugumisira kwendima iyi kungoti, ??kana ngekurekererwa kwezvitadzo.? Inzwi riripo rekuti "kana" iro ridoyiswapo ngewaturikiri, tsandirepoba kana tikaringa magwaro ayiturikirwa acho. Apa waturikiri wadotoriyisa pasiripoba.
Payifanira kunga pane inzwi ringobatanidza kuti pamwepo, 'nge'. Ndima iyi ingofanira kuti, ?Uyo maari tine rudzikinuro kuburikidza ngeropa rashe, ngekurekererwa kwezvitadzo.? Kuti, ?Uyo maari tine rudzikinuro kuburikidza ngeropa rashe,kutawura kurekererwa kwezvitadzo? kungoburitsa pfungwa yekuti tine kudzikinurwa kwezvitadzo kuburikidza ngeropa rashe, kutawura kurekererwa kwezvitadzo . Asi izvi tsandizvoba ngekuti zviro zviyiri izvi zvidosiyana. Shekutanga, muna Kristo tine kubviswa kana kudzikinurwa kwasu. Sheshipiri, tine rusununguko rwasu kubva kuzvitadzo,kutawura kurekererwa kwezvitadzo. Tidosununguka kubva kuzvitadzo.
Zvirutawura kuti hawurufanira kutadzaba. Hawufaniri kukara udoringa kuti uwone kuti utsatadzeba. Asi ramba uyifamba mukururama; ramba uyifamba mushiyedza, muSoko rashe. Soko rashe shiyedza tsezvingotawurwa ndiMapisarema 119 ndima 105). 1 Yohane 1 ndima 7 ingoti , ?Asi kana tiyifamba mushiyedza tsezvo ari mushiyedza, tingohidzana tetse, ropa raYeso Kristo Murumbwana washe ringotichenetsa tetse kubva kurutadzo.? Izvi zvingondoyitika.
Pawurufamba mushiyedza sheSoko raMwari ngemukuhidzana ngewena waKristo, ungochenetswa kubva kuzvitadzo zvetse. Rutadzo ruri petse petse ngekuti nyika dzidosvipiswa. Asi Tenzi wangokuchenesa kubva kuzvitadzo zvetse, kusanganisira zvawusina kutadzaba iwewe wacho asi zvidondobatirawo pawuri. Ndiyo ndawa muSungano yeKara wadonga wane zvawayiyita zvidosiyana siyana "zvekuchenesa". Petse pawayida kuyenda pamberi paMwari, wayigeza mawoko ngemakumbo awo. Hazvishasharoba nyamusi, ropa raYeso Kristo pashawo ringotichenesa kubva kuzvitadzo zvetse. Wangogadziritsa zvitadzo zvetse,zvabva kune wina munhu,zvandobvawo mumhepo kana kunganyi hako. Wangosharo kuyitira kuti urarame hupenyu hwekukunda basi basi,uyibva pakupenya kuyenda pane kuna kupenya. Hareruya!
Muna Yohane 15 ndima 3, Yeso wangoti, ? Zvino imwemwe macheneswa ngemasoko andidotawura kwamuri." Hibasa reSoko kukuchenesa kubva kurutadzo, mhosva ngekusarurama kwetse kuyitira kuti ufambe mukunaka ngekubudirira uyiburitsa mabasa ngezvibarwa zvekururama.
Namata Uyiti
Baba wandingoda, ndingokutendani ngehupenyu hwangu hutsva muna Kristo. Hupenyu hwekururama husina shitadzona. Ndingokutendani ngekucheneswa ndingokara ndiyiyitwa uko kungobva mukufamba kwangu mushiyedza sheSoko ranu. Ndingofamba mukunaka ngekubudirira, mabasa ngezvibarwa zvekururama zviyibuda mandiri. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
1 Johane 1 ndima 9
Varoma 3 ndima 24 kusvika 26
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church