English Manyika Ndau Ndebele Shona 


Bata Vamwe Zvakanaka

China, 26 Zvita 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Dananai sehama. Muchikudzana. Muchitsvaka kuti zvitange zvanakira vamwe. Kwete imi moga (Varoma 12 ndima 10).

Iwe une zvinhu zvaunoitira vanhu. Mwari ndivo vaunenge uri kutoitira zvinhu izvi. Wanga uchizviziva here? Ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinoverenga mashoko aro muna Zvirevo 19 ndima 17. Inoti, Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita. Saka ungaitira vamwe zvakanaka. Usazvidemba hako. Itofara.

Usagunununa. Zvakanaka zvaunenge waita izvi zvingasazokubatsira. Rangarira zvinotaura Bhaibheri. Rinoti itai zvinhu zvose musingagunununi. Munenge muri kutaridza kuti muri vana vaMwari kana muchidai. Ivo vana vaya vasina chavangapomerwa. Vanovonekwa chiedza chaMwari pavari. Vachipenya vari pakati perudzi rwakakombama. Tinoverenga mashoko aya muna Vafiripi 2 ndima 14 kusvika 15.

Iwe ungafarira vanhu. Ungavanzwira tsitsi. Haufaniri kubva watarisira kuti vakufarirevo. Mwari ndivo vanokuripira. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinoverenga mashoko aro muna Vakorose 3 ndima 23 kusvika 24. Inoti, Nezvose zvamunoita. Zviitei nemoyo wose. Semunoitira Ishe. Kwete vanhu. Muchirangarira kuti Ishe ndivo vachakupai mibairo yenyu. Iyo mibairo iya yamakagadzirirwa nokuti munoshumira Ishe Muponesi.

Munhu angabata vamwe zvakanaka. Munhu uyu anotozobudirira chete. Nemhaka yei? Nokuti Mwari vanobata vanhu zvakanaka. Saka vanogara vachitsvaka vanhu vane hunhu hwavo. Ivo Mwari vakatifarira. Ndiko kusaka vakazotuma Mwanakomana wavo. Vakavatuma kuti vazotifira. Zvichizoita kuti tiponeswe. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane 3 ndima 16. Saka Mwari vanovona vaya vane hunhu hwavo. Ivo vaya vanoshingaira kuponesa vamwe. Vanoshingaira kuropafadza vamwe. Vachifarira vamwe. Mwari vanobva vawedzera vanhu ava nyasha. Simba ravo rinozobatsira vanhu ava. Vanozoitavo kuti vanhu ava vagone kushandisa simba ravo.

Saka farira vanhu. Ngazvisakunetsa kufarira vanhu. Vanhu vanofanira kukufadza. Gara uchitsvaka kuvabatsira. Usapotswa nemikana yekuvabatsira. Vabvunze. Uti, Ndingakubatsirai here? Iwe wobva wavabatsira. Wovabvunza zvekare. Woti, Pane chimwe chandingakubatsirai nacho here? Asi vanhu ava vangasakubatsiravo. Unoita sei pakadai? Izvozvo hazvina basa!

1 Pita 3 ndima 9 inoti, Mukaitirwa chakaipa musatsiva. Mukapopoterwa musadavira. Asi taurai kumunhu iyeye. Muchimuropafadza. Muchirangarira kuti imi ndimi makapiwa maropafadzo. Saka farira vanhu. Ita zvinhu zvinopa vanhu hupenyu. Vanhu ngavabve pauri vakafara. Ikoko ndiko kupemberera kuzvarwa kwaJesu kwakanaka. Vandudza hupenyu hwevose vaunosangana navo.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Rudo rwenyu ruzere mumoyo mangu. Rwakaiswamo naMweya Mutsvene. Ini ndinoita kuti vanhu vavone rudo urwu. Makandiita mudziyo. Iwo mudziyo unosvitsa maropafadzo enyu kuvanhu. Saka vanhu vanobva pandiri vakafara. Ndinounza rugare kose kwandinoenda. Ndinofarira vanhu vose vandinosangana navo. Vandinosangana navo vanovona kunaka kwenyu. Vanovona rudo rwenyu. Vanovona nyasha dzenyu. Vanowana maropafadzo enyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vaefeso 4 ndima 32
Ruka 6 ndima 27 kusvika 36
Vagaratiya 6 ndima 10
Matiyo 5 ndima 44 kusvika 45

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church