English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Hupenyu MuZita RaYeso
Chipiri, 10 Zvita 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Zvino Yeso wadoyita minana idowanda pamberi pewadzidzi wawo isidonyorwa mubhuku rinoriba. Wadoyiyita wadzidzi wawo wayiwona . Minana iyi idowanda. Izvi zvidondonyora basi kuti mugashire kuti Yeso ndiwo Muponisi, Murumbwana waMwari. Ngekuti mukutendera ngehupenyu kuburikidza ngeZita rawo. (Yohane 20 ndima 30 kusvika 31).
Yeso pawadotawura kuti ndiwo Kristo, waJudha wadomupomera mhosva yekumhura Mwari ngekuti wayiziwa kuti inzwi rekuti Kristo ringotawura kutinyi. Kristo zvingotawura ?Murumbwana waMwari,". Izvi zvingotawura ?Mwari wari mumunhu wenyama.? Tondera kuti muna Yohane 10 ndima 33 waJudha wadovhunza Yeso wayiti, "Ndiwe Kristo yere?? Yeso wadoti, ?Ehunde.? Wadobva wadayidzira ??kumhura, iwewe undori munhuwo hashe, uruzviti uri Mwari. (TLB).
WaJudha wayinzwisisa zvayizokonzerwa ngekutawura kwaYeso kuti ndiye adonga ari Kristo bvawamupikisa zvisingayitiba ngekutawura kusharo. Asi Yeso wadonga wasirunyepaba. Ndiwo Kristo, Murumbwana waMwari. Wani nawani ungotendera maari ane hupenyu. Hareruya! Makore adarika ayo ndirufambisa vhangeri kunzvimbo dzidosiyana siyana, ndayidayidzira kuwanhu kuti shinangwa shasu shekuwuya kwawari shidonga shiri shekuti wagashire kuti Yeso ndiwo Kristo, Murumbwana waMwari, ngekutenda mawari wawone hupenyu kuburikidza ngeZita rawo.
Ndayizodayidzira kune wangoda kupa hupenyu hwawo kuna Kristo, wadowanda wayisumuka kugqashira hupenyu husingaperiba pawadondogashira Yeso ipapo. Ngekuti wadoti muna Yohane 6 ndima 47, ?Zvirokwazvo zvirokwazvo ndingoti kwamuri, uyo ungotenda kwandiri ane hupenyu husingaperiba. Muna WaRoma 6 ndima 11, Pauro angotitawurira madayirire tingoyita apa,angoti, "Ngekusharo nemwewo zviyiteni kuti diko mudopfa kurutadzo, asi muri wapenyu kuna Mwari kuburikidza ndiYeso Kristo Tenzi wasu."
Saka nyamusi kana udogashira Yeso, zvirutawura kuti udopfa kurutadzo, uri mupenyu kuna Mwari. Une hupenyu husingaperiba. Bhayibheri ringoti kuburikidza ngevhangeri, wadowunza hupenyu ngekusapfaba. Izvi tingozviwona muna 2 Timoti 1 ndima 10. Wabva kurufu kuyenda kuhupenyu tsematawurirwo ari muna Yohane 5 ndima 24 ekuti, ?Zvirokwazvo zvirokwazvo ndingoti kwamuri, uyo angonzwa soko rangu, ngekutendera kune uyo udondituma, ane hupenyu husingaperiba, haasviki pakutongwaba, asi abviswa kurufu kuyenda kuhupenyu."
Namata Uyiti
Baba wandingoda, ndingokutendani ngekundipa hupenyu husingaperiba! Ndingofamba mumakomborero adozara ngekuziwa kuti ndine hupenyu hwaMwari hudozara ngekupenya kwanu,simba ngerudo. Nyika ngewanhu wadonditenderedza wangowona ngekutsandurwa ngehupenyu hwanu huri mandiri ndiyirarama mukubudirira mazuwa etse, ngekuburitsa michero yekururama. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Johane 6 ndima 47
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 12
Johane 20 ndima 30 kusvika 31 NKJV
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church