7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Gara Uchidyidzana NaMweya Mutsvene

China, 19 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Nokuti pfungwa dziya. Dzinokoshesa zvinhu zvenyika ino. Dzinounza rufu. Asi pfungwa dziya. Dzinokoshesa zvinhu zvemweya. Dzinounza hupenyu. Nerugare" (Varoma 8 ndima 6).

Vanhu vanombokoniwa kutandara naMweya Mutsvene. Izvi zvinoitika kakawanda. Vanhu ava vanenge vari kutungamirirwa nepfungwa dzavo pakurarama kwavo. Ndiko kusaka vachikoniwa kutandara naMweya Mutsvene kudai. Vanenge vachirarama sevanhu venyika ino. Vachingokoshesa zvinhu zvenyika ino. Vachifunga sevanhu venyika ino. Asi ndima yatavhura nayo yati, "Nokuti pfungwa dziya. Dzinokoshesa zvinhu zvenyika ino. Dzinounza rufu. Asi pfungwa dziya. Dzinokoshesa zvinhu zvemweya. Dzinounza hupenyu. Nerugare".

Iwe unofanira kugara uchidyidzana naMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene munhu. Saka gara uchitaura navo. Uchifamba navo zuva rimwe nerimwe. Tsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chegumi nenhatu ndima yegumi nena inoti, "Garai munyasha dzaIshe Jesu Muponesi. Garai murudo rwaMwari. Mufambidzane naMweya Mutsvene. Muchidyidzana navo nguva dzose. Zvigoramba zvakadero".

Gara uchitaura naIshe. Usangonamata chete kana paine zvaunoda kuti vakupe. Mweya wako ngaugare uchitandara nemweya vaMwari. Mwari vanoshuvira kudyidzana newe nenzira yakadai. Tsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chekutanga ndima yepfumbamwe inoti, "Mwari ndivo vakatendeka. Ivo vakatisarudza. Kuti tive verudzi rweMwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Ishe wedu. Tidyidzane navo". Vanhu vanodyidzana vanotaurirana. Vanotandara pamwe chete.

Mwari vanotaura. Izvi ndizvo zvatinovona muBhaibheri rose. Vakasika zvinhu nemashoko avo. Vaitaura naAdhamu. Vaitaura naNowa. Vaitaura naAbhurahama. Vaitaura naMosesi. Vaitaura kuvavoni. Vakazotauravo vari muMwanakomana wavo. Mwanakomana uyu ndiye Muponesi Jesu. Vachiri kutaura nazvino. Inzwi ravo tinorinzwa muShoko ravo. Mweya Mutsvene vanotauravo nesu. Kureva kuti Mwari ndivo vanenge vari kutotaura nesu. Dzidza kuteerera kumashoko avo. Uchivadaviravo. Ndiko kudyidzana kwaunenge uri kuita naMwari ikoko. Unenge uri kutorarama hupenyu hwemumweya uchidai. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita werudzi rwenyu. Saka ndava kudyidzana nemi. Ndinoziva kuti imi muneni. Ndinofara kugona kutaurirana nemi. Icho chinotova chiropafadzo chikuru. Saka ndinotungamirirwa. Ndinosimbiswa. Ndichikurudzirwa kurarama muna Muponesi. Ndichiita chaizvo zvavakandirongera kuti ndiite muhupenyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 13 ndima 14
Johane 16 ndima 13
1 Vatesaronika 5 ndima 17

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church