English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 


Kururama KwaMwari Mauri


Muvhuro, 13 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Mupfeke munhu mutsva. Akasikwa akafanana naMwari. Akarurama. Aine hutsvene hwechokwadi (Vaefeso 4 ndima 24)

Munhu angava akarurama. Munhu uyu anenge aine runako rwaMwari maari. Runako urwu ndirwo runenge ruri kushanda maari. Mwari ndivo vanenge vari kushanda mumunhu uyu. Moyo waMwari ndiwo unenge uri kuvonekwa pamunhu uyu. Rudo rwaMwari ndirwo runenge ruri kushanda maari. Achivonekwa kuti ndeweropa raMwari. Munhu akadai ndiye anogona kurarama nomazvo. Mwari vakarurama. Ivo ndivo kururama kwako zvekare. Vane kururama kwavakakupa. Kururama uku ndiko kwaMuponesi Jesu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chekutanga ndima yemakumi matatu. Inoti, Asi Mwari ava. Ndivo vakaita kuti muve muna Muponesi Jesu. Iye Muponesi Jesu vaya. Vakaitwa naMwari kuti vave zano redu. Kururama kwedu. Kuereswa kwedu. Nerudzikinuro rwedu.

Kururama uku ndiko kunoita kuti ugamuchirwe naMwari. Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti wava kugara pana Mwari Baba. Unogarapo usinganzwi semunhu ane mhosva yaakapara. Unogarapo usinganzwi semunhu akaraswa. Kana asina kukodzera kuva pana Mwari. Izvi ndizvo zvatakaita isu. Tinoshinga kugara pana Mwari. Tinogarisana zvakanaka naMwari. Tichirarama muchiedza cheShoko ravo. Isu tinoziva Mwari ava. Ivo vanotizivavo. Tava vanhu verudzi rwavo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yeshanu ndima yekutanga. Inoti, Saka kuvimba naMwari ndiko kunotichenura. Ndiko kunoita kuti titorwe sevanhu vasina mhosva yavakapara. Kureva kuti Ishe Jesu Muponesi ndivo vakatiyananisa naMwari. Tsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chetanhatu ndima yegumi nenomwe inotivo, Asi anenge abatanidzwa naIshe. Anenge ava mweya mumwe navo.

Kururama ndihwo hwava hupenyu hwako. Ndihwo hwava hunhu hwako. Wakatora nyasha dzakawanda. Uye wakapiwa chipo chekururama. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yeshanu ndima yegumi nenomwe. Inoti, Nokuti kana nokutadza kwemunhu mumwe chete. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Mumwe chete iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vakatora nyasha dzakawanda. Vakapiwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwi. Vachatongavo muhupenyu huno. Vachishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi. Saka wava kugona kurarama uri mavari. Wakachenurwa. Uine rugare naMwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa kururama kwenyu pachenyu. Kureva kuti ndava kugona kurarama nomazvo. Ndava kugona kufunga zvinhu zvakachena. Ndichirarama hupenyu hwamakandirongera chaihwo. Ndinorarama semunhu anoziva kuti ava werudzi rwenyu. Ndisinganzwi semunhu ane mhosva. Kana kuti akarasiwa. Ndava weropa renyu. Rudo rwenyu rwava kuvonekwa pandiri. Saka ndinobereka michero yekururama. Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Ndinozvitonga ndakamira saMuponesi Jesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 5 ndima 17
2 Vakorinde 5 ndima 21
Vafiripi 3 ndima 7 kusvika 9

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church