English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Mazano EVakarurama
Svondo, 26 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Achararama pamberi paMwari. Mweya waiva muna Eriya ndiye achange ari maari. Saka simba raiva naEriya ndiro richavonekwa paari. Achadzorera moyo yemadzibaba kuvana vavo. Achadzosa vasingateereri kumazano evakarurama. Saka ane vanhu vaachagadzirira Ishe. Vanhu ava vachange vakagadzirira kugamuchira Ishe (Ruka 1 ndima 17).
Mundima iyi mune shoko rinoti, kusateerera. Shoko iri rinotaura pamusoro pemunhu. Munhu wacho ndeuya ane nharo. Akawoma musoro. Munhu uyu anogona kunge achiziva gwara rakanaka. Asi iye anosarudza rakashata racho. Vanhu vakadai vanotovako.
Vanhu vakadai vane nharo. Vangaziva havo chokwadi. Asi havadi kuchigamuchira. Havadi kugamuchira Shoko raMwari. Shoko raMwari ndiwo mazano aMwari. Moyo yevanhu ava inofanira kutendeuswa. Igamuchire mazano aMwari. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Saka munhu angava nemazano aMwari. Munhu uyu anozogamuchira Shoko raMwari. Anozogona kugamuchira mazano akanaka.
Mwari vane zvavakambotaura. Apa vakanga vari kutaura pamusoro pevana vaIsiraeri. Tinoverenga mashoko avo aya muSungano yeKare. Vanoti vana ava vakanga vakawoma misoro. Ndiko kusaka vasina kugona kupinda muzororo raMwari. Vane mazano aMwari havadero. Vanokasira kugamuchira Shoko raMwari. Havanonoki kurigamuchira. Vanorigamuchira vakafara. Vachitora zvinotaura Shoko iri. Vachisiya zvinopesana naro.
Moyo yevasingateereri inofanira kutendeuswa. Inofanira kugamuchira mazano evakarurama. Izvi ndizvo zvinodiwa naMwari. Mazano aMwari ndiwo akanyanya kunaka. Iwe ungava nemazano aya. Unozogona kushandurwa neShoko raMwari. Richiumba hupenyu hwako. Richikubatsira kuronga zvinhu zvako. Usinganyengerwi nezvaunovona nemeso. Uchingogamuchira zvinotaura Shoko raMwari chete. Uchirarama zvinowirirana neShoko raMwari. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa mazano evakarurama. Mazano aya ndiwo andinoshandisa pakurarama kwangu. Moyo wangu unogara wakavhurika. Uchigamuchira Shoko raMwari. Uchiita zvarinotaura. Ini ndinogamuchira chokwadi chenyu. Rudo ndirwo runotungamirira zvandinoita. Mazano enyu ndiwo anoita kuti ndirarame mukururama. Ndichirarama nenzira yamunoda imi nguva dzose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jemusi 3 ndima 17
Ruka 1 ndima 17 NIV
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church