English
Shona
Nyasha
Mugovera, 1 Mbudzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Wedzerai kuziva Mwari. Wedzerai kuziva Jesu Ishe vedu. Ndiko kuti muve nenyasha dzakawanda. Nerugare rwakawanda (2 Pita 1 ndima 2).
Ungava hako nenjere dzakawanda. Ungashanda hako nesimba. Asi izvozvo hazviiti kuti ubudirire zvakanyanya. Nyasha ndidzo dzaunofanira kuva nadzo. Ndidzo dzinoita kuti unatse kubudirira pachokwadi. Nyasha dzinoronga zvinhu zvehupenyu hwako. Dzichiita kuti zvinhu izvi zvikufambire zvakanaka.
Nyasha dzinokuunzira vanhu kwavo. Dzichiita kuti vakubatsire muhupenyu. Dzichibvisa vanhu vasina kunaka muhupenyu hwako. Nyasha dzinokuunzira fuma. Dzinokuvhurira mikana. Dzichiita kuti zvinhu zvingokufambira zvakanaka. Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Izvozvo zvinozoita kuti uve munhu akazvininipisa. Unozonzwisisa kuti kumhanya hakusi iko kusvika. Kuva nesimba hakusi iko kunoita kuti ukunde pakurwa. Vakangwara havasi ivo vakafuma. Vakadzidza havasi ivo vanorangarirwa. Asi kuti munhu mumwe nemumwe ane nguva yake. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Muparidzi yepfumbamwe ndima yegumi neimwe.
Nhume dzaJesu dzainzwisisa izvi. Ndiko kusaka dzaitaura nezvenyasha. Pauro aitaura nezve nyasha. Johane aitaura nezve nyasha. NaPita aitauravo nezve nyasha. Matsamba avo aitanga nekutaura nezve nyasha. Tinovona izvi mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chekutanga ndima yepiri. Inoti, Nyasha ngadzive kwamuri. . Tinozvivonavo mutsamba yechipiri yaJohane chitsauko chekutanga ndima yetatu. Inoti, Nyasha. Tsitsi. Nerugare. Zvinobva kuna Mwari Baba. . Tsamba yekutanga yaPita chitsauko chekutanga ndima yechipiri inotauravo nezve nyasha. Inoti, Nyasha ngadzive nemi. Muwedzerwe rugare.
Iwe une nyasha dzaMwari. Unofanira kugara uchiziva izvozvo. Dzidza kushandisa nyasha idzi pakurarama kwako. Ita kuti nyasha dzacho dzigare dzichiwedzera. Asi unodziwedzera sei? Dzinowedzera paunenge uri kuwedzera kunzwisisa Mwari. Dzinowedzera paunenge uri kuwedzera kunzwisisa Jesu Ishe wedu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naPita. Tinozviverenga mutsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yechipiri. Saka gara pfungwa dzako dziri paShoko raMwari. Gara Shoko iri riri mupfungwa dzako. Uchiridzeya mumoyo mako. Uchirishandisavo pakurarama kwako. Nyasha dzaMwari dzinozowedzera muhupenyu hwako. Uye dzinozoshanda zvinovonekwa muhupenyu hwako. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndiri muna Muponesi Jesu. Saka ndine nyasha zhinji. Ndinogara ndichiwedzera kuziva Shoko raMwari. Saka nyasha idzi dzinogara dzichiwedzera muhupenyu hwangu. Ndichirangarirwa naMwari. Rugare ruchiwedzeravo muhupenyu hwangu. Nyasha idzi dziri kushanda muhupenyu hwangu. Dziri kundibatsira kurarama hupenyu hweVamwari. Dzichiita kuti zvinhu zvose zvingondinakira. Ndinoita zvinhu nomazvo. Ndinobudirira pane zvose zvandinoita. Ndinobudirira saMwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jemusi 4 ndima 6
Varoma 5 ndima 17
2 Vakorinde 9 ndima 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/YMycCQ1KN9c6YxRuxfyuGJbxB?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/vuQXCRgKM3irxVOuNhYu1SQcW?domain=bit.ly