English Manyika Ndau Ndebele Shona 



Vanokusuka Zvivi Zvose

Muvhuro, 9 Zvita 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Iye anogara achitidzikinura neropa rake. Kudzikinurwa uku kuri kukanganwira zvivi zvedu (Vakorose 1 ndima 14).

Mwari vanogara vachitidzikinura. Vachititakanura kubva pazvivi. Ropa raMuponesi Jesu ndiro rinotitakanura kudai. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mundima yatavhura nayo. Ndima iyi inozopera ichiti, Kudzikinurwa uku kuri kukanganwira zvivi zvedu. Ndima iyi haina kuturikirwa nomazvo.

Ndima iyi ingadero yakati, Iye anogara achitidzikinura neropa rake. Nekutikanganwira zvivi zvedu. Isu tava muna Muponesi Jesu. Tine zvinhu zviviri zvatakawana mavari. Takadzikinurwa. Ichi ndicho chekutanga. Zvekare, takakanganwirwa zvivi zvedu. Saka hatichatongwi nezvivi.

Saka iwe hauchafaniri kutadza. Hauchafaniri kutyira kuti ungatadza. Wava kungofanira kurarama semunhu akarurama. Gara uri muchiedza chaMwari. Shoko ravo ndicho chiedza ichi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Mapisarema 119 ndima 105. 1 Johane 1 ndima 7 inoti, Asi kana tichirarama muchiedza. Saivo vari muchiedza. Zvinova pachena kuti tiri verudzi rwavo. Uye ropa raJesu Muponesi. Iye Mwanakomana wavo. Rinozogara richitisuka. Richitibvisa zvivi zvose. Saka zvivi zvedu zvinongosukwa. Hatifaniri kutanga takumbira kuti zvibviswe. Ndokunge tichirarama tiri muchiedza chaMwari.

Saka iwe ungava uri kurarama muchiedza cheShoko raMwari. Uchiwadzana nevamwe Vatsvene. Mwari vanobva vangosuka zvivi zvako. Nyika ino izere zvivi. Yakasvibiswa. Saka zvivi zviri pose pose. Zvimwe zvivi zvacho zvinongobatira pauri. Zvinobatira usingatombozivi. Asi Ishe vanokusuka zvivi zvose izvi. Pamwe nezviya zvaunenge wapara woga.

Ndiko kusaka veSungano yeKare vaigara vachisukwa. Vaifanira kugeza vasati vaenda kunonamata Mwari. Vaigeza makumbo. Vaigezavo mavoko avo. Vaigara vachingogeza nenzira iyi. Izvi hazvisi izvo zvatava kuita nhasi. Tava neropa raMuponesi Jesu. Ropa iri ndiro rinosuka zvivi zvose. Rinongotisuka tisina kana kumbokumbira. Zvivi zvingabatira pauri. Zvivi izvi zvingava zvabva munzvimbo yaunogara. Zvingava zvabva pane mumwe munhu. Mwari vanozvisuka. Vanozvisuka kuti ugone kukurira zvinhu zvenyika ino. Uye kuti humwari hugare huchiwedzera kuvonekwa pauri. Hareruya!

Ishe vakazotaura zvekare muna Johane 15 ndima 3. Vakati, Zvino, imi makatonatswa. Nokuda kwemashoko andakataura kwamuri. Shoko raMwari rinosuka zvivi. Rinoita kuti usanzwa seune mhosva yawakapara. Rinobvisa kusarurama kose. Richiita kuti unge wakakwana. Uine runako rwaMwari. Uchiita mabasa ekururama. Uchibereka zvibereko zvekururama. Iri ndiro basa reShoko ravo. Ndiro basa rarinoita muhupenyu hwako.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndava muna Muponesi. Saka ndakashanduka rudzi. Ndava weropa renyu. Ndava munhu akarurama. Ndakasungunurwa kubva kuzvivi. Ndinokutendai. Shoko renyu rinogara richindisuka zvivi. Rinondisuka kudai pandinenge ndiri kurarama muchiedza charo. Ndinorarama semunhu akakwana. Ane runako rwaMuponesi. Anoita mabasa ekururama. Achibereka zvibereko zvekururama. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Johane 1 ndima 9
Varoma 3 ndima 24 kusvika 26
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church