English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Jesu Ndivo Vakatakura Vamwari Vose
Chishanu, 27 Zvita 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti zvakafadza Baba. Kuti maari muve imo munogara zvinhu zvose " (Vakorose 1 ndima 19).
Kuna Mwari Baba. NaMwari Mwanakomana. NaMwari Mweya Mutsvene. Vatatu ava vakagara varipo. Uye vachagara varipo. Asi vose vanovonekwa pana Jesu. Mumwe nemumwe wavo ane basa rake. Ane mashandiro ake. Asi vose vanovonekwa pana Jesu. Pana Jesu ndipo pavanovonekwa vaine muviri wemunhu wenyama. Saka Mwari Baba vanogara muna Jesu. Mwari Mwanakomana vanogara muna Jesu. Mwari Mweya Mutsvene vanogara muna Jesu. Vakorose 1 ndima 19 inoti, Nokuti zvakafadza Baba. Kuti maari muve imo munogara zvinhu zvose.
Saka Vamwari vose vanogara muna Jesu. Pana Jesu ndipo pavanovonekwa vari munhu wenyama. Saka iwe ungada kuvona Mwari Baba. Ungada kuvona Mwanakomana. Ungada kuvona Mweya Mutsvene. Unovavona pana Jesu. Vahebheru 1 ndima 1 kusvika 3 inotsinhiravo izvi. Inoti, Mwari. Ivo vakataura kumadzibaba edu munguva dzekare. Panguva dzakasiyana siyana. Nenzira dzakasiyana siyana. Vachishandisa vavoni. Vakazotaura zvekare mumazuva ano. Anova ndiwo ekupedzisira. Vachishandisa Mwanakomana wavo. Iye wavakagadza kuti ave muridzi wezvinhu zvose. Anova ndiye zvekare wavakashandisa kusika dzinyika. Paari ndipo panovonekwa kubwinya kweHumwari hwavo. Ndipo patinovonera Mwari. .
Saka pana Jesu ndipo patinovonera Mwari. Ivo Jesu vane mashoko avakambotaura. Tinoverenga mashoko acho muna Johane 14 ndima 10. Inoti, Ini ndiri muna Baba. Ivo Baba vari mandiri. . Izvi zvinoreva kuti pana Jesu ndipo patinovonera Mwari Baba. Saka iwe ungavona Jesu. Unenge watovona Mwari Baba. Jesu ndivo vakamiririra Mwari Baba. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane 14 ndima 9. Ndima iyi inoti, Munhu angandivona ini. Munhu uyu anenge atovona Baba .
1 Timoti 3 ndima 16 inojekesa izvi. Inoti, Uye zviri pachena kuti Mwari vanoshamisa. Zvavari hazvinzwisisiwi nevakawanda. Nokuti vakauya panyika vari munhu wenyama. Vakaruramiswa mumweya. Ngirozi dzikavavona. Vakaparidzwa kuvanhu vasiri Vajudha. Vakagamuchirwa munyika. Vakazogamuchirwa kudenga. Kunzvimbo yeVamwari. Ndima iyi inoti ngirozi dzakavavona. Ngirozi idzi dzakanga dzisati dzakambovona Mwari Baba. Dzakatozovavona pakauya Jesu. Mwari havavonekwi nemeso enyama. Kunyangwe zvisikwa zviri kudenga hazvigoni kuvavona. Pana Jesu ndipo pavanovonekwa. Jesu ava ndivo vakatitaridza Mwari. Izvi ndizvo zvinotaridza kushamisa kweVamwari. Zvinotaridza hukuru hweVamwari. Mwari ngavarumbidzwe!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mandibatsira kunzwisisa Jesu. Pana Jesu ava ndipo patinovonera Vamwari vose. Mavari ndimo munogara Humwari hwose. Ndimo munogara masimba eVamwari ose. Jesu ava ndivo Mwari vanovonekwa nemeso enyama. Ndivo Mwari vakaropafadzwa. Mwari vakuru kudarika zvimwe zvose. Ndivo mambo wemadzimambo. Ivo Mwari vakuru. Ndivo Muponesi vedu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 2 ndima 9
Vahebheru 1 ndima 3
Johane 14 ndima 5 kusvika 11
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu ndima
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
You can get other teachings on: https://bit.ly/Shona_Church