7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Usabvume Kupuwa ndaa NdiSatani
Chipiri, 3 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Ndakabva ndazwa izwi. Izwi iri raireketa riri kudenga. Richidaidzira. Richiti, "Ruponeso rwauya! Simba rauya! Humambo hwaMwari hwauya! Nesimba raMuponesi wawo rauya. Ngekuti munhu uya aipomere hama ndaa. Akandirwe kubanzi. Iye uya aiende kuna Mwari masikati nehusiku. Achipomere hama ndaa dzekunyepa" (Zvakazarurwa 12 v 10).
Vhesi yatabeura nayo inoreketa pamusoro paSatani. Inoti Satani ndiye anopomere atsvene ndaa. Ndiyehe anogare achishambadze ndaa dzeana aMwari. Iye anoshambadza ndaa dzako kuna Mwari. Anodzishambadza kuanhu. Achitodzishambadzawo kwauri iwe wacho. Anode kuti uzwe semunhu ane ndaa chaizvo. Ndiko kuti akone kukukanganisa. Saka anozewezera mupfungwa dzako. Achikuudze kuti une ndaa. Iwe wobva wafunga kuti pfungwa dzako ndidzo dziri kukutaurire izvi.
Anokonahe kuite kuti ufunge kuti Mwari haasiba kufara ndiwe. Achiitahe kuti ufunge kuti hauchisinaba kururama. Kuda wanga uri kunyengeterera chimweni chiro. Asi kuda wononoka kuona chiro chiya. Iye anobva arekete kwauri. Achiti, "Hausi kunyanya kutsanyaba. Saka Mwari haasiba kufadzwa ngezvauri kuita. Ndiko kusaka usiri kuona chiro ichi". Iwe unokona kutobva wazwa seune ndaa maningi. Wototange kureurura. Izvi hazvisizvoba zvaunofanira kuita.
Isu tinozwisisa masenzero aSatani. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa ngeBhaibheri. Tinozvierenga mutsamba yechipiri kuVakorinde chapta 2 v 11. Satani mureketi wemanyepo. Ndiyehe baba emanyepo ese. Manyepo ese anobva kweari. Mwari angade kureketa newe nezvekutsanya. Haazotumi Satani kuti akureketereba. Mwari anondokupangidza pawakashaisha. Anondokupangira zvekuita. Anondokutungamirira kuite zvaanoda iwo. Anosenzese Soko rawo kuita izvi. Anoshandisawo Mweya Mutsvene kukutungamirira kudai. Haambokusiyiba uchiizwa semunhu ane ndaa. Satani ndiye anokusiye uchizwa seune ndaa. Ndiye anokusiya wawa kufunge kuti hauna kururama zvakakwanaba.
Dzimweni nguwa unokona kutotange kufungire amweni anhu. Satani ndiye anenge ari kukutume kuafungira kudai. Ndiye anenge akuudze kuti ane ndaa. Ndiye anopomere anhu ndaa. Ndiye anotsvake kuwenganise anhu. Ndiye anoite kuti anhu afungirane. Iwe usamurekera achiita izvi. Izvi ndizvo zvatinoyambirwa muna Vaefeso 4 v 27. Inoti, "Musapaba dhiyabhori chanzi yekuita zvaanoda pamuri". Usatambiraba manyepo ake. Usamurekeraba achikunyengedza. Usamurekeraba achikuudze makuhwa. Soko raMwari ndiro rega raunofanire kutambira. Ndiro raunofanire kushandise kuongorora nyaya dzese. Mwari ane maonero aanoita zviro. Maonero aya ndiwo aunofanire kuitawo iwe. Zvione semunhu akarurama nguwa dzese. Farire anhu.
Ndiko kuti usazwaba semunhu ane ndaa. Ndiko kuti usazviona semunhu asina kukodzeraba. Ndiko kuti Satani asakonaba kukupomera ndaa. Zvinozoitawo kuti unamate wakashinga. Uchiziya kuti Mwari anokudayira. Wawa kukona kundyidzana naMwari. Ishe Jesu ndiwo akaita kuti ukone kundyidzana nawo kudai. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Varoma 5 v 1. Saka hauchatyiba kumira pamberi pawo. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Ini ndaa muna Muponesi Jesu. Saka handichazwiba semunhu ane ndaa. Pfungwa dzangu dzakazare Soko renyu. Handipiba Satani mukana wekuita zvaanoda pandiri. Haachakoniba kuita kuti ndizwe semunhu ane ndaa. Ndaa muna Muponesi Jesu. Saka ndakakwana. Ndakaruramiswa. Ndinokurira zvese zvandinosangana nazvo. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaRoma 8:33-34; Johane 8:44 AMPC; 1 Johane 3:20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church