7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Usabvuma Kupiwa Mhosva NaSatani

Chipiri, 3 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Ndakabva ndanzwa inzwi. Inzwi iri raitaura riri kudenga. Richidanidzira. Richiti, "Ruponeso rwauya! Simba rauya! Humambo hwaMwari hwauya! Nesimba raMuponesi wavo rauya. Nokuti munhu uya aipomera hama mhosva. Akandirwa kunze. Iye uya aienda kuna Mwari masikati nehusiku. Achipomera hama mhosva dzenhema" (Zvakazarurwa 12 ndima 10).

Ndima yatavhura nayo inotaura pamusoro paSatani. Inoti Satani ndiye anopomera vatsvene mhosva. Ndiye anogara achishambadza mhosho dzevana vaMwari. Iye anoshambadza mhosva dzako kuna Mwari. Anodzishambadza kuvanhu. Achitodzishambadzavo kwauri iwe wacho. Anoda kuti unzwe semunhu ane mhosva chaizvo. Ndiko kuti agone kukukanganisa. Saka anozevezera mupfungwa dzako. Achikuudza kuti une mhosva. Iwe wobva wafunga kuti pfungwa dzako ndidzo dziri kukuudza izvi.

Anogona kuita kufi ufunge kuti Mwari havasi kufara newe. Achiitazve kuti ufunge kuti hauchisina kururama. Kuda wanga uri kunyengeterera chimwe chinhu. Asi kuda wononoka kuwana chinhu chiya. Iye anobva ataura kwauri. Achiti, "Hausi kunyanya kutsanya. Saka Mwari havasi kufadzwa nezvauri kuita. Ndiko kusaka usiri kuwana chinhu ichi". Iwe unogona kutobva wanzwa seune mhosva chaizvo. Wototanga kurevurura. Izvi hazvisi izvo zvaunofanira kuita.

Isu tinonzwisisa mashandiro aSatani. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tinozviverenga mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chechipiri ndima yegumi neimwe. Satani murevi wenhema. Ndiye baba venhema dzose. Nhema dzose dzinobva kwaari. Mwari vangada kutaura newe nezvekutsanya. Havazotumi Satani kuti akuudze. Mwari vanongokutaridza pawakanganisa. Vanongokuraira zvekuita. Vanongokutungamirira kuita zvavanoda ivo. Vanoshandisa Shoko ravo kuita izvi. Vanoshandisavo Mweya Mutsvene kukutungamirira kudai. Havambokusiyi uchinzwa semunhu ane mhosva. Satani ndiye anokusiya uchinzwa seune mhosva. Ndiye anokusiya wava kufunga kuti hauna kururama zvakakwana.

Dzimwe nguva unogona kutotanga kufungira vamwe vanhu. Satani ndiye anenge ari kukutuma kuvafungira kudai. Ndiye anenge akuudza kuti vane mhosva. Ndiye anopomera vanhu mhosva. Ndiye anotsvaka kuvenganisa vanhu. Ndiye anoita kuti vanhu vafungirane. Iwe usamurega achiita izvi. Izvi ndizvo zvatinoyambirwa muna Vaefeso yechina ndima yemakumi maviri nenomwe. Inoti, "Musapa dhiyabhori mukana wekuita zvaanoda pamuri". Usagamuchira nhema dzake. Usamurega achikunyengera. Usamurega achikuudza makuhwa. Shoko raMwari ndiro roga raunofanira kugamuchira. Ndiro raunofanira kushandisa kuongorora nyaya dzose. Mwari vane mavonero avanoita zvinhu. Mavonero aya ndiwo aunofanira kuitavo iwe. Zvivone semunhu akarurama nguva dzose. Farira vanhu.

Ndiko kuti usanzwa semunhu ane mhosva. Ndiko kuti usazvivona semunhu asina kukodzera. Ndiko kuti Satani asagona kukupomera mhosva. Zvinozoitavo kuti unamate wakashinga. Uchiziva kuti Mwari vanokudavira. Wava kugona kudyidzana naMwari. Ishe Jesu ndivo vakaita kuti ugone kudyidzana navo kudai. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yeshanu ndima yekutanga. Saka hauchatyi kumira pamberi pavo. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndava muna Muponesi Jesu. Saka handichanzwi semunhu ane mhosva. Pfungwa dzangu dzizere Shoko renyu. Handipi Satani mukana wekuita zvaanoda pandiri. Haachagoni kuita kuti ndinzwe semunhu ane mhosva. Ndava muna Muponesi Jesu. Saka ndakakwana. Ndakaruramiswa. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaRoma 8:33-34; Johane 8:44 AMPC; 1 Johane 3:20

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church