7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Ramba Zvipomerwa ZvaSatani

Chipiri, 3 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Ndidonzwa inzwi hombe kudenga riyiti, Zvino ruponiso rwawuya, ngesimba, ngehumambo hwaMwari wasu, ngesimba raKristo washe: ngekuti mupomeri wehama dzasu adokanzwa patsi, iyeye ayiwapomera kuna Mwari masikati ngehusiku” (Zvidozarurwa 12 ndima 10).

Ringa zvirutawurwa pamutsoro paSatani ngendima iyo tawamba ndiyo: mhupomeri wewanhu, angokara ayindopomera wapwere waMwari mhosva. Angokupomera pamberi paMwari kana kune wena wanhu. Angotokupomerawo kunewe wacho. Angorarama ngemhosva, kutukwa kana ngekuzvipa mhosva kwako, ayikuzewezera manyepo angoyita tsearubva munzero dzako.

Angokwanisa kukuyita kuti uwambe kubvunza kumira kwako naMwari kudonaka ikoyiko pamwepo ngekururama kwako muna Kristo. Pena wanga urunamata pamutsoro peshina shiro asi hashisati shayitikaba. Ipapo inzwi rashe ringowuya riyiti, “Hazvinoyitikeba ngendawa yekuti hawurutsanya zvidokwanaba, Mwari hawarufara ndiweba.” Ipapo ipapo, iwewe ungobva watowamba kunzwa tseune mhosva kwaturewurura ngekuzvipa mhosva. Utsasharoba!
Bhayibheri ringoti hatiri wanhu wasingaziwi nzero dzaSataniba (2 WaKorinde 2 ndima 11). Satani angonyepa, ndiye bambo kwemanyepo. Kana Mwari waruda kutawura newe pamutsoro pekutsanya, hawambodi rubatsiro rwaSataniba kusharo. Pamutsoro pezvo, Mwari hawambopomeri kana kupa mhosva wapwere wawoba. Wangotigadzirisa, wangotirayira ngekutitungamirira kuburikidza ngeSoko rawo naMwiya Mutsvene asi hawambotongi kana kunyadzisa wawoba. Ndiro zano raSatani irero; kukuisa mutoro wemhosva ngekuyita kuti utsagutsikaneba ngekururama kwako.

Dzina nguwa, pane apo ungowona watupa una munhu mhosva yeizvo asidomboyitaba kana kupara. Ungonga une diko rekuti ane mhosva ngekuti Satani adomupomera kunewe. Angomutsa kufungirana, kuwengana ngekuparadzana. Utsamupe mukana wekusharoba. WaEfeso 4 ndima 27 ingoti, “Mutsape dhiyabhorosi nzvimboba." Utsamupe mukana wekufambisa manyepo asheba, kupfunzira ngezvipomerwa zvashe paneweba. Tendera kuSoko raMwari basi uyiwona zviro zvetse mudiko ngekururama kwaMwari. Ramba uyiziwa kururama kwako ufambe murudo. Kuziwa kururama kwako kungobvisa mhosva, kuzvitongesa ngekuzviwonera patsi. Kungokuyisa pamutsoro paSatani ngezvipomerwa zvashe. Kungokupawo hushingi ngekugwinya pakunamata uyiringira mhinduro. Hawushashiba kana kunyara pamberi paMwari, ngekuti watine rugare nawo kuburikidza ndiTenzi Yeso Kristo (WaRoma 5 ndima 1). Hareruya!


Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundisunungura kubva mukutongeswa muna Yeso Kristo. Nzero dzangu dzazazwa ngeSoko ranu. Ndingoramba kupa dhiyabhorosi mukana. Zvipomerwa zvashe hazvina simba pamutsoro panguba. Ndidomira ndidorurama, ndiri mutsvene ngekukunda muna Yeso Kristo. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
VaRoma 8:33-34; Johane 8:44 AMPC; 1 Johane 3:20

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church