7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Akatora ndaa Dzako Dzese

Svondo, 8 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Kunyangwe nemiwo makanga makagurwa kubva kwaari. Muchiita mabasa akashata. Mabasa aya achiita kuti muzvione seawengi aMwari. Asi makapetudzwawo. Kuti muyanane naMwari. Rufu rwawo ndirwo rwakakusanganisai pamwepo nawo. Rwakakusanganisai mumwiri wawo wenyama. Kuti muzomiswa pamberi paMwari. Muri vatsvene. Anoyera. Asina ndaa yaangapomerwa" (Vakorose 1 v 21 kusvika 22).

Ishe ane nyasha zhinji. anotifarira. Isu tisu takashaisha. Asi iwo akatora zvitadzo izvozvo. Akachuza kutorwa sandiwo akazviita. Kuda une ndaa dzawakapara. Saka wanga uri kuzvidemba. Wanga usiriba kufanira kuzvidemba kudai. Mwari haachakuoni sewe wakapara ndaa idzi. Akuona sedzakaparwa naIshe Jesu.

Saka Mwari akakanganwa zviwi zvako zvese. Zvingaa zvawakapara kare. Kanahe zvauri kutopara izvozvi. Kana zvaungapara mangwana. Mwari haarangariri zviwi zvese izvozvo. Zvakasara paMuchinjikwa. Saka Satani angatsvake hake kushambadza ndaa dzako. Anhu angada kukuona sewakatadza. Newewo ungatozviona sewakatadza. Asi izvozvo zvese hazvichina basaba. Hapachinaba achakurangira zvitadzo izvi. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa ngeBhaibheri. Tinoerenga masoko aro muna Varoma 8 v 1. Inoti, "Ngekuti anhu aya. Ari muna Muponesi Jesu. Iwawo asingatungamirirwiba ngemwiri yawo yenyama pakurarama kwawo. Asi anotungamirirwa naMweya Mutsvene. Haachinaba ndaa yaachapuwa".

Amweni anhu angatadza. Anobva atokorerwa kuzvirekerera. Anobva azviona seanhu akashata maningi. Iwe haufaniriba kuita izvi. Gamuchira Ishe Jesu. Gamuchire zvaakakuitira. Chirekera kuramba uchizviona seune ndaa. Vakorose 1 v 21 kusvika 22 yati, "Kunyangwe nemiwo makanga makagurwa kubva kwaari. Muchiita mabasa akashata. Mabasa aya achiita kuti muzvione seawengi aMwari. Asi makapetudzwawo. Kuti muyanane naMwari. Rufu rwawo ndirwo rwakakusanganisai pamwepo nawo. Rwakakusanganisai mumwiri wawo wenyama. Kuti muzomiswa pamberi paMwari. Muri vatsvene. Anoyera. Asina ndaa yaangapomerwa".

Iwo haanaba kuti hauna zvakashata zvawakaita. Akangoti haana kukutsamwira. Haasiba kuzokupanichira zviro izvi. Iwe wawa wawo. Akakuita munhu akarurama. Akakushandura rudzi. Akakuita munhu werudzi rweVamwari. Akasanangurwa. Akachenurwa. Izvozvo ndizvo zvinotaure Soko reRuponeso. Ndiro soko raakatituma kunoziyisa anhu. Mwari haachisiriba kuerengera anhu zviwi zvawo. Ndizvo zvatinofanire kuudza anhu izvozvo. Tsamba yechipiri kuVakorinde chapta 5 v 19 inoti, "Kureketa kuti Mwari akanga ari muna Muponesi. Achipetudza anhu kwaari. asingaakomereriba zviwi zvawo. Akabva aisa soko mumaoko edu. Soko iri ndiro ratinoshandisa kupetudza anhu kwaari".

Mwari akatobhadhara muripo waidiwa. Haachisiriba kukuona semunhu ane ndaa yaakapara. Munhu angagamuchira Jesu. Munhu uyu anenge awa kukona kurarama mukururama kwaMwari. Anenge awa kukona kurarama murugare rwaMwari. Anenge awa kukona kurarama mumufaro waMwari. Varoma 5 v 8 kusvika 10 inoti, "Asi Mwari akapangidza kuti anotifarira. Pakuti Muponesi akatifira. Akatifira tichiri atadzi. ... Nekuti takapetudzwa. Taa pana Mwari. Rufu rwaMuponesi ndirwo rwakatipetudza. Rwakatipetudza patakanga tichiri awengi aMwari. Kurewa kuti kumuka kwawo ndiko kunotiraramisa. Ndiko kunotipa hupenyu". Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Soko renyu rinotaure shuwa. Ishe Jesu akatora zviwi zvangu. Saka ndinofara maningi. Handichazwiba semunhu ane ndaa yaakapara. Ndaa Mumwari. Handichinaba chitema. Imi hamuchandioniba semutadzi. Ndaa kugara nemi. Ndakachenurwa. Ndakasanangurwa. Ndaa Mumwari. Nyasha dzenyu dzakandisungunura. Saka ndinofara maningi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Isaya 43:25; VaEfeso 1:7; VaHeberu 10:14

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church