7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Wadotora Mhosva Yako

Soto, 8 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Nemwewo, kara mudonga muri kura naMwari, muri wawengi munzero dzanu ngemabasa adonyangara, asi zvinozvi wakuyananisani mumwiri wenyama yawo kuburikidza ngerufu, kuti wakuyiseni pamberi pawo muri watsvene wangoyera, wasina mhosvaba kana shipomerwa mumadziso awo.” (WaKorose 1 ndima 21-22).

Tenzi wane nyasha ngerudo zvidodini. Kufunga kuti wadozvitakurira wega mutoro wezvitadzo zvasu! Wadotora mhosva yezvitadzo zvako. Petse apo wanga uruzvipa mhosva ngekuda kweshiro shidonyangara maningi isho udoyita, hawurufanira kunetseka kusharoba ngekuti Mwari wadoyisa mhosva yetse pana Tenzi Yeso.
Apo wadonga wadorembera pashipiyaniso, zvitadzo zvako zvetse ngekunyangadza, kwekara, kwenyamusi ngekwemangwani kudobviswa kwetse. Saka nyamusi, Satani kana wena wakakupomera mhosva, kana iwewe kuzvipa mhosva, hazvina musiyanoba. Hakuna kutongwa ungoyitaba ngekuti Bhayibheri ringoti muna WaRoma 8 ndima 1,"Zvino hakushana kutongwaba kune awo wari muna Yeso Kristo, wasingafambi panyamaba asi paMwiya.”

Kune wanhu wangoti kana wakakanganisa kana kuyita shiro shidonyangara, zvingonetsa kuti wazvirekerere, wayispinda mukuzvipa mhosva ngekutsumba. Hawufaniri kusharoba! Tendera muna Tenzi Yeso ngeizvo wadokuyitira. Rekera kuzvipa mhosva. Bhayibheri ringoti, "Nemwewo, kara mudonga muri kura naMwari, muri wawengi munzero dzanu ngemabasa adonyangara, asi zvinozvi wakuyananisani, mumwiri wenyama yawo kuburikidza ngerufu, kuti wakuyiseni pamberi pawo muri watsvene wangoyera, wasina mhosvaba kana shipomerwa mumadziso awo” (WaKorose 1 ndima 21-22).

Funga ngezvazvo! Hawadoti hauna isho udonyangadzaba, asi kuti zvisinenyi ngezvetse izvo udonyangadza, hawana kukutsamwiraba. Wadokuyananitsa iyo wari. Wadokuyita adorurama, mutsvene, wadokutsawura, wadokukudza ngekukuchenura. Ndisho shiKristo shacho. Ndiro Vhangeri. Ndiro soko wadotituma kuti titawurire nyika, kuti hawaruwerengera zvitadzo zvewanhu iyo wariba. “Kuti Mwari wadonga wari muna Kristo, waruyananitsa nyika iyo wari, wasingawawerengeri zvitadzo zvawoba.” (2 WaKorinde 5 ndima 19).

Mutengo wacho udotobhadharwa kara. Mhosva idobviswa. Munhu wetse angotendera adosununguka kurarama mukururama kwaMwari, rugare ngemufaro ngekusingaperiba. WaRoma 5 ndima 8-10 ingoti, “Asi Mwari wadopangidza rudo rwawo kunefe pakuti tishari watadzi, Kristo wadotipfira..... Ngekuti kana tishari wawengi tidoyananitswa naMwari ngerufu rweMurumbwana wawo kunyanyanyanya zvinozvi tayananitswa kusharezvi, tishaponeswa ngeupenyu hwawo.” Hareruya!

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngediko ranu reSoko ringoshamisa. Ndingofara ngekuti Yeso wadotora mhosva yangu, zvinozvi ndaturarama ndidosununguka, ndisina kutongwaba kana kupiwa mhosva. Mumadziso anu ndingoyera, Handina mhosvaba, ndidotsawurwa, ndidokudzwa ngekufara murusununguko rwenyasha dzanu, MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Isaya 43:25; VaEfeso 1:7; VaHeberu 10:14

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church