7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Vakatora Mhosva Dzako Dzose
Svondo, 8 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Kunyangwe nemivo makanga makagurwa kubva kwavari. Muchiita mabasa akashata. Mabasa aya achiita kuti muzvivone sevavengi vaMwari. Asi makadzoswavo. Kuti muyanane naMwari. Rufu rwavo ndirwo rwakakusanganisai pamwe navo. Rwakakusanganisai mumuviri wavo wenyama. Kuti mugomiswa pamberi paMwari. Muri vatsvene. Vanoera. Vasina mhosva yavangapomerwa" (Vakorose 1 ndima 21 kusvika 22).
Ishe vane nyasha zhinji. Vanotifarira. Isu tisu takatadza. Asi ivo vakatora zvitadzo izvozvo. Vakasarudza kutorwa sandivo vakazviita. Kuda une mhosva dzawakapara. Saka wanga uri kuzvidemba. Wanga usiri kufanira kuzvidemba kudai. Mwari havachakuvoni sewe wakapara mhosva idzi. Vava kuvona sedzakaparwa naIshe Jesu.
Saka Mwari vakakanganwa zvivi zvako zvose. Zvingava zvawakapara kare. Kana zvauri kutopara ikozvino. Kana zvaungapara mangwana. Mwari havarangariri zvivi zvose izvozvo. Zvakasara paMuchinjikwa. Saka Satani angatsvaka hake kushambadza mhosva dzako. Vanhu vangada kukuvona sewakatadza. Newevo ungatozvivona sewakatadza. Asi izvozvo zvose hazvichina basa. Hapachina achakurangira zvitadzo izvi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tinoverenga mashoko aro muna Varoma yesere ndima yekutanga. Inoti, "Nokuti vanhu vaya. Vari muna Muponesi Jesu. Ivavo vasingatungamirirwi nemiviri yavo yenyama pakurarama kwavo. Asi vanotungamirirwa naMweya Mutsvene. Havachina mhosva yavachapiwa".
Vamwe vanhu vangatadza. Vanobva vatokoniwa kuzviregerera. Vanobva vazvivona sevanhu vakashata chaizvo. Iwe haufaniri kuita izvi. Gamuchira Ishe Jesu. Gamuchira zvavakakuitira. Chirega kuramba uchizvivona seune mhosva. Vakorose yekutanga ndima yemakumi maviri neimwe kusvika makumi maviri nembiri yati, "Kunyangwe nemivo makanga makagurwa kubva kwavari. Muchiita mabasa akashata. Mabasa aya achiita kuti muzvivone sevavengi vaMwari. Asi makadzoswavo. Kuti muyanane naMwari. Rufu rwavo ndirwo rwakakusanganisai pamwe navo. Rwakakusanganisai mumuviri wavo wenyama. Kuti mugomiswa pamberi paMwari. Muri vatsvene. Vanoera. Vasina mhosva yavangapomerwa".
Ivo havana kuti hauna zvakashata zvawakaita. Vakangoti havana kukutsamwira. Havasi kuzokurangira zvinhu izvi. Iwe wava wavo. Vakakuita munhu akarurama. Vakakushandura rudzi. Vakakuita munhu werudzi rweVamwari. Akasanangurwa. Akachenurwa. Izvozvo ndizvo zvinotaura Shoko reRuponeso. Ndiro shoko ravakatituma kunozivisa vanhu. Mwari havachisiri kuverengera vanhu zvivi zvavo. Ndizvo zvatinofanira kuudza vanhu izvozvo. Tsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko cheshanu ndima yegumi nepfumbamwe inoti, "Kureva kuti Mwari vakanga vari muna Muponesi. Vachidzosa vanhu kwavari. Vasingavaverengeri zvivi zvavo. Vakabva vaisa shoko mumavoko edu. Shoko iri ndiro ratinoshandisa kudzosa vanhu kwavari".
Mwari vakatobhadhara muripo waidiwa. Havachisiri kukuvona semunhu ane mhosva yaakapara. Munhu angagamuchira Jesu. Munhu uyu anenge ava kugona kurarama mukururama kwaMwari. Anenge ava kugona kurarama murugare rwaMwari. Anenge ava kugona kurarama mumufaro waMwari. Varoma yeshanu ndima yesere kusvika yegumi inoti, "Asi Mwari vakataridza kuti vanotifarira. Pakuti Muponesi vakatifira. Vakatifira tichiri vatadzi. ... Nokuti takadzoswa. Tava pana Mwari. Rufu rwaMuponesi ndirwo rwakatidzosa. Rwakatidzosa patakanga tichiri vavengi vaMwari. Kureva kuti kumuka kwavo ndiko kunotiraramisa. Ndiko kunotipa hupenyu". Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rinotaura chokwadi. Ishe Jesu vakatora zvivi zvangu. Saka ndinofara chose. Handichanzwi semunhu ane mhosva yaakapara. Ndava Mumwari. Handichina chitema. Imi hamuchandivoni semutadzi. Ndava kugara nemi. Ndakachenurwa. Ndakasanangurwa. Ndava Mumwari. Nyasha dzenyu dzakandisungunura. Saka ndinofara chose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Isaya 43:25; VaEfeso 1:7; VaHeberu 10:14
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church