7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Ndiwe Uripo Kugadzirise Zviro Zvacho

Muvhuro, 9 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Saka tinoziya kuti zviro zvese zvinobata pamwepo. Zvichibatsirana. Kuti zviro zveaya anoda Mwari zvifambe zvakanaka. Iwo aya anoafarira. Ane basa ravakadanirwa naMwari" (Varoma 8 v 28).

Hapana dambudziko rinondowapoba. Chinorigadzirise chacho ndicho chinotanga chauya. Chinouya dambudziko racho risati rawapoba. Iwe unofanire kurangarira izvi. Matambudziko anondouya anokwanisa kuagadzirisa. Izvi ndizvo zvandinogara ndichiziyisa anhu. Iwe ungaa nesimba rekugadzirisa dambudziko. Dambudziko racho rinobva rauya kwauri iwe. Rinotouya richikutsvaka. Ndiko kusaka paine amweni matambudziko anondouye kweuri iwe wega. Indaa yekuti ndiwe une simba rekuagadzirisa.

Saka pangaa nematambudziko awakambosangana nawo. Mwari ndiwo akaronga kuti usangane nawo. Akaronga kuti uanyise. Masimba ako achizowedzerwawo. Saka usatyaba matambudziko. Usatyabahe miyedzo. Ndiyo inokusimudzira. Ichikuwedzera masimba. Izvi ndizvo zvatinoona muna Jemusi 1 v 2. Inoti, "Hama dzangu. Pamunenge muri kusangana nemiedzo yakasiyana siyana. Farayi". Sei uchifanira kufara kudai? Nekuti unonyisa basi.

Saka ungasangana nezvinotsvake kukukanganisa. Iwe ingotaura uchiti, "Ishe angu. Ndinokutendai. Izvi ndizvo zvandakabarirwa izvi". Varoma 8 v 28 inoti, "Saka tinoziya kuti zviro zvese zvinobata pamwepo. Zvichibatsirana. Kuti zviro zveaya anoda Mwari zvifambe zvakanaka. Iwo aya anoafarira. Ane basa raakadanirwa ndiMwari". Saka iwe haukoniba kukoneswa kuita zvaunoda. Haukoniba kukoneswa kuona zvaunoda. Ichi ndicho chokwadi. Tsamba yaJohane 1 chapta 5 v 4 inoti, "Ngekuti chiro chinobarwa naMwari. Chese zvacho. Chinonyisa nyika ino. Futi ruvimbo rwedu muna Mwari ndiro simba rinonyisa nyika ino".

Chiro chakabarwa naMwari chinonyisa nyika ino. Chiro chacho angaa iwe. Angaa masoko ako. Zvingaa zvishuwo zvako. Angaa mazano ako. Zvese zvinonyisa nyika ino. Tsamba yaJohane 1 chapta 4 v 4 inoti, "ana adoko. Imi makabarwa naMwari. Saka makanyisa mweya yese iyi. Nekuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarike uya. Ari munyika ino". Izvi zvinoreketa kuti wakabarwa ndiMwari. Kunyisa kunotowa muropa rako. Kubudirira kunotowa muropa rako. Hazvikoniba kuti ubatirirwe. Uri mukundi.

Nyika yakamirire iwewe. Ndiwe uripo kugadzirisa matambudziko ayo. Wakabarwa kuti unyise. Wakabarwa kuti utonge. Uripo kuti simba raMwari rionekwe pauri. Varoma 8 v 19 inoti, "Nekuti zvisikwa zvese zvinogara zvichinangisira. Zvakarindira. Zvichitsvake kuti anakomana aMwari auye. Aonekwe". Iwe ndiwe umweni weanakomana aMwari aya.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Simba renyu rinoonekwa pandiri. Kururama kwenyu kunoonekwa pandiri. Soko renyu riri kushanda mandiri. Muponesi Jesu akanyisa Satani. Akamunyisa akandimiririra. Saka ndini ndaa kutorwa sekuti ndakanyisa Satani uyu. Ndinorarama semunhu anozwisisa izvi. Ndinonyisa zviro zvenyika ino. Ndinozwisisa kuti zviro zvese zviripo kundibatsira. Ndakabarwa nemi. Saka ndakanyisa nyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Vafiripi 4 v 13
Joshua 1 v 9
Isaya 41 v 10
Varoma 8 v 37

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church