7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Ndiwe Uripo Kugadzirisa Zvinhu Zvacho

Muvhuro, 9 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Saka tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe chete. Zvichibatsirana. Kuti zvinhu zvevaya vanoda Mwari zvifambe zvakanaka. Ivo vaya vanovafarira. Vane basa ravakadanirwa naMwari" (Varoma 8 ndima 28).

Hapana dambudziko rinongovapo. Chinorigadzirisa chacho ndicho chinotanga chauya. Chinouya dambudziko racho risati ravapo. Iwe unofanira kurangarira izvi. Matambudziko anongovinga vanokwanisa kuagadzirisa. Izvi ndizvo zvandinogara ndichizivisa vanhu. Iwe ungava nesimba rekugadzirisa dambudziko. Dambudziko racho rinobva rauya kwauri iwe. Rinotouya richikutsvaka. Ndiko kusaka paine mamwe matambudziko anongovinga iwe woga. Imhaka yekuti ndiwe une simba rekuagadzirisa.

Saka pangava nematambudziko awakambosangana nawo. Mwari ndivo vakaronga kuti usangane nawo. Vakaronga kuti uakurire. Masimba ako achizowedzerwawo. Saka usatya matambudziko. Usatya miyedzo. Ndiyo inokusimudzira. Ichikuwedzera masimba. Izvi ndizvo zvatinovona muna Jemusi yekutanga ndima yepiri. Inoti, "Hama dzangu. Pamunenge muri kusangana nemiedzo yakasiyana siyana. Farai". Sei uchifanira kufara kudai? Nokuti unokunda chete.

Saka ungasangana nezvinotsvaka kukukanganisa. Iwe ingotaura uchiti, "Ishe vangu. Ndinokutendai. Izvi ndizvo zvandakazvarirwa izvi". Varoma yesere ndima yemakumi maviri nesere inoti, "Saka tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe chete. Zvichibatsirana. Kuti zvinhu zvevaya vanoda Mwari zvifambe zvakanaka. Ivo vaya vanovafarira. Vane basa ravakadanirwa naMwari". Saka iwe haugoni kukoneswa kuita zvaunoda. Haugoni kukoneswa kuwana zvaunoda. Ichi ndicho chokwadi. Tsamba yaJohane yekutanga chitsauko cheshanu ndima yechina inoti, "Nokuti chinhu chinozvarwa naMwari. Chose zvacho. Chinokunda nyika ino. Uye ruvimbo rwedu muna Mwari ndiro simba rinokunda nyika ino".

Chinhu chakazvarwa naMwari chinokunda nyika ino. Chinhu chacho angava iwe. Angava mashoko ako. Zvingava zvishuvo zvako. Angava mazano ako. Zvose zvinokunda nyika ino. Tsamba yaJohane yekutanga chitsauko chechina ndima yechina inoti, "Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino". Izvi zvinoreva kuti wakazvarwa naMwari. Kukunda kunotova muropa rako. Kubudirira kunotova muropa rako. Hazvigoni kuti ubatirirwe. Uri mukundi.

Nyika yakamirira iwe. Ndiwe uripo kugadzirisa matambudziko ayo. Wakazvarwa kuti ukunde. Wakazvarwa kuti utonge. Uripo kuti simba raMwari rivonekwe pauri. Varoma yesere ndima yegumi nepfumbamwe inoti, "Nokuti zvisikwa zvose zvinogara zvichitarisira. Zvakarindira. Zvichitsvaka kuti vanakomana vaMwari vauye. Vavonekwe". Iwe ndiwe mumwe wevanakomana vaMwari ava.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Simba renyu rinovonekwa pandiri. Kururama kwenyu kunovonekwa pandiri. Shoko renyu riri kushanda mandiri. Muponesi Jesu vakakurira Satani. Vakamukurira vakandimiririra. Saka ndini ndava kutorwa sekuti ndakakunda Satani uyu. Ndinorarama semunhu anonzwisisa izvi. Ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Ndinonzwisisa kuti zvinhu zvose zviripo kundibatsira. Ndakazvarwa nemi. Saka ndakakunda nyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vafiripi 4 ndima 13
Joshua 1 ndima 9
Isaya 41 ndima 10
Varoma 8 ndima 37

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church