7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Kunamata MuMweya
Chitatu, 11 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Saka Mweya Mutsvene anobatsirana nesu. achibatsirana nesu pane zvatisingakoniba. Sezvo tisingaziyi zvatinofanira kunyengeterera. Futi hatiziyi nzira yekuzvinyengeterera nayo. Asi Mweya Mutsvene emene anotinyengeterera. Anonyengetera kudai ari mukati medu. Achiite zvekugomera. Asinaba masoko akajeka aanenge achibudisa" (Varoma 8 v 26).
Atsvene anofanire kunamata mumweya. Kunamata kwakadayi ndiko kunonyanye kushanda. Asihe kunamata mumweya kuri pairi. Mweya wako ndiwo unokona kunga uri kunamata. Apa mweya wako unenge uri kutumwa ngeMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene aya achiupa masoko ekureketa. Iwe uchibva wanamata nedzimweni ndimi. Mweya wako unobva wagwinyiswa. Uchiakwahe. Uchikurawohe sechiakwa chikuru. Izvi ndizvo zvatinoona muna Judhi 1 v 20 kusvika 21. Inoti, "Asi imi. Hama dzangu. Garayi muchinamata. Makagarwa ngeMweya Mutsvene. Ndiko kuti mweya yenyu itutsire kukona kuwimba naMwari".
Tsamba yekutanga kuVakorinde chapta 14 v 4 inoti, "Anorekete nedzimweni ndimi anenge ari kuzvisimbisa iye. Nekuzviaka. ...". Saka anhu aMwari anofanira kureketa ngendimi zvakanyanya. Izvi ndizvo zvatinoakurudzira kuita. Zvinoita kuti mweya wako ugare wakasimba. Zvinoite kuti moyo wako ugare wakasimba. Zvichiitawo kuti mwiri wako wenyama ugare wakasimba. Zvichisimbiswahe kudai ngesimba raMwari. Mweya Mutsvene anozoita kuti ugare wakagwinya. Wakadziyirirwa. Wakasimbiswahe. Hareruya!
Asi pane imweni nzira yekunamata mumweyahe. Apa mweya wako hausiwoba unenge uri kunamata. Mweya Mutsvene pachawo ndiwo anenge ari kunamata. Anenge achinamata ari mukati mako. Izvi ndizvo zvataerenga muvhesi yatabeura nayo.
Apa mweya wako unenge usiri kupuwa masoko ekureketa. Iwe unenge usiriba kureketa ngedzimweni ndimiba. Unenge uri kungofemereka. Mweya Mutsvene achigomera ari mweuri. Mweya Mutsvene aya ndiwo anenge aakunamata emene. Achinamata kudayi ari mukati mako. Munamato wawo uyu uri iwo unobva pamoyo paMwari chaipo.
Iwe ungatendera Mweya Mutsvene kunamata ngenzira iyi. Achinamata kudayi ari mukati mako. Minana inozoitika. Varoma 8 v 27 yacho inoti, "Hino uyo anoziya zvese zviri mumoyo yedu. Ndiyehe anoziya zviri mupfungwa dzaMweya Mutsvene". Munamato uyu unenge usiriba kubuda mupfungwa dzako. Unenge uri kubude mupfungwa dzeMweya Mutsvene.
Vhesi inoteera yacho inotiziyisa zvinozoitika. Inoti, "Saka tinoziya kuti zviro zvese zvinobata pamwepo. Zvichibatsirana. Kuti zviro zveaya anoda Mwari zvifambe zvakanaka. Iwo aya anoafarira. Ane basa raakadanirwa ndiMwari". Saka iwe ungatendera Mweya Mutsvene kuti anamate ari mauri. Zviro zvako zvese zvinozongofamba zvakanaka. Ungazosangana hako nezvinotsvake kukukanganisa. Asi zviro zvese izvi zvinozongokubatsira. Ichi ndicho chimweni chezviropafadzo zvekunamata mumweya. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene aya anondibatsira pakunamata. Anoita kuti ndinamate ngenzira inofadza Mwari. Ndinonamata mumweya izvozvi. Nekudaro simba renyu rinozara mandiri. Hupenyu hwangu hunopinzwe mugwara ramakandigadzirira. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Varoma 8 v 26 kusvika 28 AMPC
Vaefeso 6 v 18
Mabasa 1 v 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church