7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Kunamata Mumwiya

Chitatu, 11 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Ngekusharo Mwiya angotibatsirawo muhutera hwasu: ngekuti hatiziwi izvo tingofanira kunamatiraba ngemanamatiro acho. Asi Mwiya pashashe, angotinamatira ngekutsinda ngekukakama kudodzama kusingatawuriki ngemanzwiba” (WaRoma 8 ndima 26).

Kunamata mumwiya hinzira ingosenza maningi yekunamata ndiyo tsemaKristo. Asi kunamata mumwiya kwacho kuri pairi. Nzira yekutanga ngeapo mwiya wako ungonamata uyikurudzirwa ndiMwiya Mutsvene. Mwiya Mutsvene wangonga warukupa manzwi mumwiya uyinamata ngedzina ndimi. Apo ungonga urunamata ngendimi idzi, mwiya wako ungopiwa simba, uyiwakwa tseshiwakwa shingokwira mudenga. Judhi 1 ndima 20-21, “Asi imwemwe wadikani wangu muzviwake pakutenda kwanu kutsvene, muyinamata muMwiya Mutsvene.”

1 WaKorinde 14 ndima 4 ingoti, “Uyo angotawura ngendimi angozviwaka iye pashashe....” Ndiyo ndawa tiyitawurira wanhu waMwari kuti watawure ngendimi kadowanda. Zvingoyita kuti mwiya wako, mwoyo ngemwiri wako zvikare zviyipisa ngesimba raMwari. Ungogwinyiswa, ungowakiridzwa ngekushingiswa mumunhu wako wemukati ngesimba raMwari. Hareruya!

Asi kunewo shina shidanho sheshipiri shekunamata mumwiya shingobatsira maningi. Apa mwiya wako tsandiwo ungonga urunamataba, asi Mwiya Mutsvene pachashe ndiye angonamata kuburikidza ndiwe. Ndizvo tawerenga mundima yasu iyo tawamba ndiyo.

Pakutanga tati Mwiya Mutsvene wangokupa manzwi uyitawura ngedzina ndimi. Asi apa manje, hapana shingonga shisharutawurikiba. Hawutawuri ngendimiba kana mutawuro ungozikanwa kana usingazikanwiba. Mukati mako kwako, mungobuda kufemera pamutsoro ngekutsinda kwaMwiya Mutsvene. Padanho irero, Mwiya Mutsvene wangonga watukutonga iwewe wetse, wayinamata kuburikidza ndiwe zvingowirirana ngekuda kwaBaba.

Ukabvumira Mwiya Mutsvene kuti wanamate kuburikidza ndiwe kusharezvi, zvingobuda zvidonakitsa nguwa dzetse. Muna WaRoma 8 ndima 27, magwaro angoti, “Uyo angonzvera mwoyo angoziwa zvingofungwa ndiMwiya." Tsandi nzero dzako kana kunzwisisa kwakoba, ngezvaMwiya Mutsvene zvirupangidzwa kuburikidza ndiwe.

Ndima 28 yacho ingotiburitsira zvina zvingobuda apa, "...zviro zvetse zvirusenza pamwepo zvidonaka kune awo wangoda Mwari awo wadodayidzwa mayererano ngeshinangwa shawo." Kuzvipira kuna Mwiya Mutsvene kuti wanamate kuburikidza ndiwe kusharezvi kungoyita kuti zviro zvetse zvifambirane ngekukubatsira, kusanganisira zveupenyu zvingonetsa ngematambudziko. Ndiro simba rekunamata mumwiya irero pakati peena makomborero adowanda. Hareruya!
Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngeshipo shidonakitsa shaMwiya Mutsvene awo wangondibatsira kuti ndinamate zvingoyenderana ngekuda kwanu kudonaka. Kana zvinozvi, apo ndirunamata muMwiya, ndidozazwa ngesimba ranu, upenyu hwangu huruyenderana ngeshinangwa shanu, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

WaRoma 8 ndima 26–28 AMPC
WaEfeso 6 ndima 18
Mabasa 1 ndima 8

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church