7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Kunamata MuMweya
Chitatu, 11 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Saka Mweya Mutsvene vanobatsirana nesu. Vachibatsirana nesu pane zvatingasagona. Sezvo tisingazivi zvatinofanira kunyengeterera. Uye hatizivi nzira yekuzvinyengeterera nayo. Asi Mweya Mutsvene vamene vanotinyengeterera. Vanonyengetera kudai vari mukati medu. Vachiita zvekugomera. Vasina mashoko akajeka avanenge vachibudisa" (Varoma 8 ndima 26).
Vatsvene vanofanira kunamata mumweya. Kunamata kwakadai ndiko kunonyanya kushanda. Asi kunamata mumweya kuri paviri. Mweya wako ndiwo unogona kunge uri kunamata. Apa mweya wako unenge uri kutunzwa naMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava vachiupa mashoko ekutaura. Iwe uchibva wanamata nedzimwe ndimi. Mweya wako unobva wagwinyiswa. Uchivakwa. Uchikura sechivakwa chikuru. Izvi ndizvo zvatinovona muna Judhi yekutanga ndima yemakumi maviri kusvika makumi maviri neimwe. Inoti, "Asi imi. Hama dzangu. Garai muchinamata. Makagarwa naMweya Mutsvene. Ndiko kuti mweya yenyu iwedzere kugona kuvimba naMwari".
Tsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chegumi nena ndima yechina inoti, "Anotaura nedzimwe ndimi anenge ari kuzvisimbisa iye. Nekuzvivaka. ...". Saka vanhu vaMwari vanofanira kutaura nendimi zvakanyanya. Izvi ndizvo zvatinovakurudzira kuita. Zvinoita kuti mweya wako ugare wakasimba. Zvinoita kuti moyo wako ugare wakasimba. Zvichiitavo kuti muviri wako wenyama ugare wakasimba. Zvichisimbiswa kudai nesimba raMwari. Mweya Mutsvene vanozoita kuti ugare wakagwinya. Wakadzivirirwa. Wakasimbiswa. Hareruya!
Asi pane imwe nzira yekunamata mumweya zvekare. Apa mweya wako hausi iwo unenge uri kunamata. Mweya Mutsvene pachavo ndivo vanenge vari kunamata. Vanenge vachinamata vari mukati mako. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo.
Apa mweya wako unenge usiri kupiwa mashoko ekutaura. Iwe unenge usiri kutaura nedzimwe ndimi. Unenge uri kungofemereka. Mweya Mutsvene vachigomera vari mauri. Mweya Mutsvene ava ndivo vanenge vava kunamata vomene. Vachinamata kudai vari mukati mako. Munamato wavo uyu uri iwo unobva pamoyo paMwari chaipo.
Iwe ungatendera Mweya Mutsvene kunamata nenzira iyi. Vachinamata kudai vari mukati mako. Minana inozoitika. Varoma yesere ndima yemakumi maviri nenomwe yacho inoti, "Zvino uyo anoziva zvose zviri mumoyo yedu. Ndiye zvekare anoziva zviri mupfungwa dzaMweya Mutsvene". Munamato uyu unenge usiri kubuda mupfungwa dzako. Unenge uri kubuda mupfungwa dzaMweya Mutsvene.
Ndima inotevera yacho inotizivisa zvinozoitika. Inoti, "Saka tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe chete. Zvichibatsirana. Kuti zvinhu zvevaya vanoda Mwari zvifambe zvakanaka. Ivo vaya vanovafarira. Vane basa ravakadanirwa naMwari". Saka iwe ungatendera Mweya Mutsvene kuti vanamate vari mauri. Zvinhu zvako zvose zvinozongofamba zvakanaka. Ungazosangana hako nezvinotsvaka kukukanganisa. Asi zvinhu zvose izvi zvinozongokubatsira. Ichi ndicho chimwe chezviropafadzo zvekunamata mumweya. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava vanondibatsira pakunamata. Vanoita kuti ndinamate nenzira inofadza Mwari. Ndinonamata mumweya ikozvino. Nokudero simba renyu rinozara mandiri. Hupenyu hwangu hunopinzwa mugwara ramakandigadzirira. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 26 kusvika 28 AMPC
Vaefeso 6 ndima 18
Mabasa 1 ndima 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church