7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Murairo WeMigowe Miiri
China, 12 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Anofanire kugamuchira mwanakomana wemukadzi wake waasingadiba sedangwe nekumupa mugowe wakapetwa kairi wezvese zvaanazvo. Mwanakomana iyeye ndiye chiratidzo chekutanga chesimba rababa ake. Kodzero yemwana wedangwe ndeyake" (Dheuteronomio 21 v 17).
Bhaibheri rinoreketa pamusoro pemigowe miiri. Asi akawanda haazwisisiba zvarinenge riri kureketa. Iyi itsika yatinoona muSungano yeKare. Munhu aikona kunge aine ana 6. Achifanire kugowera nhaka yake kuana aya. Aifanire kuise nhaka iyi muzvikamu 7. Zvikamu zvacho zvaifanire kunge zvakaenzana. Aibva ape mwana umwe neumwe chikamu hwani basi. Aifanire kuzopa dangwe rake chikamu chechinomwe chacho. Achichiwedzera pane chimweni chaambomupa.
Saka amweni ana ese aiona chikamu hwani basi. Asi dangwe raiona zvikamu zviiri. Izvi zvainga zvikamu zviiri tichienzanise nezvapuwa amweni ana. Kwete zvikamu zviiri zvepfuma yababa ake yeseba. Zvikamu zviiri izvi ndizvo zvaibva zvapangidza kuti mwana uyu ndiye dangwe. Ndiye aisiiwa awa baba emhuri. Ndiye aisiirwa zita rababa.
Genesi 48 v 5 kusvika 6 inoreketa ngezvaRubheni. Iri ndiro rainga dangwe raJakobho. Ndiye aifanire kupuwa migowe miiri. Asi ane misikanzwa yaakanga amboita. Saka haanaba kuzopuwa migowe iyi. Yakazopuwa kuna Josefa. Ndiko kusaka Jakobho akatora ana aJosefa seake. Ana aya akapuwa nhaka pamwepo neamwe ana ese aJakobho. akanga ari tuu. Umweni wacho akanga ari Efureimu. Umweni akanga ari Manase.
Tinoonawo izvi pana Erisha. Iye akarekete kuna Eriya achiti, "Ndipeyi migowe miiri yemweya wenyu". Tinoerenga masoko aya mubhuku rechipiri reMadzimambo chapta 2 v 9. Erisha akanga asiri kukumbire migowe miiri yeMweya wainga muna Eriya. Izvozvo zvaisakoneka. Aindoda kusare aa iye muoni mukuru. Paiwa neamweni maporofiti. Maporofiti aya akanga akawanda. Iye aide kusara ari dangwe rawo ese.
Eriya akazobvutwa. Akaenda ngengoro yemoto. Erisha akaona izvi zvichiitika. Bhachi raEriya rakabva yawire pana Erisha. Erisha akaritora. Akapetuke kunobire rwizi rweJorodhani. Akasvike parwizi apa. Akabvunze achiti, "Ko, Mwari waEriya aripiko?" Akabva atore bhachi riya. Kwakurishandisa kurowa mvura. Mvura iya ikatsemuka nepakati. Akaitsemura sezvakanga zvaitwawo naEriya. Amwe anakomana emaporofiti akaona izvi. Akabva amupfugamira. Tinoerenga masoko awo mubhuku yechipiri yeMadzimambo chapta 2 v 14 kusvike 15. Vakati, "Mweya waEriya wawa pana Erisha". Kurewa kuti Erisha ndiye akanga atora chinzvimbo chaEriya.
Saka munhu angape umwe migowe miiri. Anenge amupa masimba ake. Anenge amugadza pachinzvimbo chake. Anenge asinaba kumupa masimba anodarika aanawo iye. Izvi ndizvo zvawakaitwa iwe. Wakapuwa Mweya Mutsvene. Wakapuwa Mweya Mutsvene aya akakwana. Akutogara mauri. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Soko renyu randibatsira kuzwisisa. Ndaa kuzwisisa pfuma yangu. Iyo pfuma iya iri muna Muponesi. Ndini muridzi wepfuma yenyu. Soko renyu rinovhenekera nzira yangu. Richiita kuti ndikone kushandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 3 v 34
Vaefeso 3 v 17 kusvika 19
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church