7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Usape Satani Mukana WeKushanda Mauri

Chishanu, 13 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Satani akabva apinde muna Judhasi. Ndiye uya aizi Isikarioti. Akanga ari umweni weadzidzi vaJesu. Aiwa mugurupu reaya ane twerofu" (Ruka 22 v 3).

Judhasi Isikarioti akanga ari mudzidzi waIshe Jesu. Akanga achitonga umwe weadzidzi aJesu. Iwo aya twerofu. Saka akafambawo naTenzi. Akazwa dzidziso dzaJesu. Akaona minana yaJesu. Asi Judhasi aide zvekutore zviro zveamweni. Ndiyo yainga tsika yake. Izvi ndizvo zvakaite kuti Satani apinde maari. Akabata moyo wake.

Judhasi uyu ndiye aichengeteswa mare naIshe Jesu. Asi aipota achibe mare yacho. Iyi yaitowa tsika yake. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Johane 12 v 6. Hino Satani anoshandisa tsika dzeanhu. Ndidzo dzaanoshandisa kuaparadza. Judhasi aisaziya izvi. Aindofunge kuti akanga akangwara. Asi akanga ari kutoteyiwa netsika yake iyi.

Judhasi uyu akazoenda kuakuru veVajudha. Akanotengesa Jesu kwaari. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa neMagwaro. Akazopuwa masoja. Ndokunoapangidza kwainga naJesu. Jesu aiya ari mugurupu reanhu. Judhasi akasvike akamupe kisi. Aide kuti masoja aziye kuti Jesu ainga api. Jesu akamunangisa. Akabva areketa. Masoko awo tinoaerenga muna Ruka 22 v 48. Akati, "Nhai Judhasi! Usaite seunondidaba. Uchindikisa! Iwe uri kutonditengesa". Asi Judhasi haanaba kuvhunduka.

Ishe Jesu akazosungwa. Akatongerwe kufa. Apa Judhasi ndipo paakazovhunduka. Akanga aakuzwisisa kushata kwezvaakanga aita. Akabva anozvisungirira. Ndokutoparara zvachose. Ndiwo mashandiro anoita Satani iwayo. Anopofomadza anhu. Achianyengedza. Achiite kuti ashuwire zviro zvisina kunakaba. Achizopedzisira asisazwisisiba zvaari chaizvo. Anoaitisa zviro zvaasingatokoni kutsanangura pachawo. Achizopedzisira awire munjodzi huru. Njodzi yacho inenge isingabudikiba.

Judhasi aisamboshuwa kuwa bhinyaba. Asi akarere tsika yakashata. Kwakuzvijaidze kutadza. Zviwi hazvisiba zvekujairira kuita. Zvinokuparadza basi. Kunyangwe zviri zvidoko sei. Kune anhu akaita saJudhasi namasi. Anhu aya anokare zveamwe. Ane hasha. Ane ruchiya. Kune mabhinya ariko namasi. Mabhinya aya anotowawo nemhuri. Dzinotowawo neabereki. Anotowawo neana. Futi anotofarirawo ana awo aya. Asi anoita zviro zvisingaitwiba ngeanhu. Achizongopedzisira ozvidemba.

Munhu haafaniriba kushuwira zviro zvakashata. Haafaniriba kuwa netsika yakashata. Angazopedzisira awa kushandiswa naSatani. Ndiko kusaka uchifanira kugara wakachengeta moyo wako. Usarekera makaro achikupinda. Usarere hasha. Zadza moyo wako neSoko raMwari. Rekera Mweya Mutsvene akone kushanda mauri. Rarama mukururama. Shandise Soko raMwari pakurarama kwako. Ndiko kuti Satani agarire kure newe. Ndiko kuti asakona kukushandisa.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Chiedza cheSoko renyu chinondifambisa mukururama. Mweya Mutsvene ari kushanda mandiri. Ari kuita kuti ndifambewo mukururama. Moyo wangu wakazare rudo. Pfungwa dzangu dzinoshuwira zvinokufadzai imi. Ndinoramba kushandiswa naSatani. Ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Ndinoshandisa simba raMweya Mutsvene pakurarama kwangu. Saka ndinorarama hupenyu hwakachena. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 13 v 2
Jemusi 1 v 14 kusvika 15
Vaefeso 4 v 27

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church