7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Kurarama Pamutsoro Pehupfunziri HwaSatani
Chishanu, 13 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
Satani adobva apinda muna Judhasi uyo ayinzi Isikariyoti, adonga ari una wewadzidzi gumi ngewayiri. (Ruka 22 ndima 3).
Judhasi Isikariyoti adonga ari una wewadzidzi gumi ngewayiri waTenzi Yeso. Ayifambawo naTenzi, ayinzwa fundiso dzawo ngekuwona zvishamiso izvo wayiyita. Asi Judhasi uyu adonga ane dambudziko rekutora zviro zvisiri zvasheba. Izvi ndizvo zvidovhurira Satani musuwo wekupinda ngekutonga mwoyo washe.
Bhayibheri ringotitawurira kuti Judhasi adonga ari sahomwe webasa raYeso, ayipota ayiba mare muhomwe iyi(Yohane 12 ndima 6). Haadoziwaba kuti Satani angosenzesa hunyangari hwemunhu, zvitadzo izvo angoda zvacho, kumutonga ngekumuparadza. Judhasi ayifunga kuti adonga arungwara asi adonga arutoyendeswa kumagumo kwashe. Magwaro angopangidza kuti Judhasi adoyenda kuwakuru wewaJudha ayibva azvipira kutengesa Tenzi. Apo adosvitsa warwi kuna Yeso ngekutsvoda kuwatengesa, Yeso wadoti, Judhasi, urutengesa Murumbwana weMunhu ngekutsvoda?" (Ruka 22 ndima 48). Kana panguwa iyeyo, Judhasi haadombozvitsumbaba.
Zvidozomusvikira awona Yeso atongerwa rufu, ndipo adowona kunyangara kweizvo adonga ayita. Adopererwa kwatubva ayenda kowozvisungirira. Adobva aratsika ngekusingaperiba. Ndiwo masenzero angoyita Satani. Angopofomadza wanhu ngekuwapfunzira kusvika wasishaziwi kana kunzwisisa wegaba. Angoyita kuti wayite zviro izvo wasingakwanisi kutsanangura ngetsarudzo idzo wasingazokwanisi kutsanduraba.
Judhasi haadomboronga kuyita mhondiba, asi rutadzo hinzira isina pekusvika pangonzi padonaka. Funga kuti nyamusi hwanhu wangani wadoyita tsaJudhasi, waruratsika ngekuda kwemakaro, hasha kana ruchiwa! Mhondi dzidowanda, mbavha ngewamuna wane hasha, watorinewo mhuri, wabereki kana wapwere awo wangoda. Asi wangoyita zvisingambofungidzirwi kuti wangoyitaba, wayizopedza wayizvibvunza futi kuti, "Ngenyi ndidosharo?"
Wanhu wangokwanisa kutungamirirwa ngezviro zvisingawonekwiba apo wangosvika pakuda zviro zvisirizvoba. Ndiyo ndawa uyifanira kurindira mwoyo wako. Utsarekere makaro, kukonziwa mumwoyo, ruchiwa kana kutsamwa kuyipinda muneweba. Zaza mwoyo wako ngeSoko raMwari uyizvipa wetse kuna Mwiya Mutsvene. Ndiko kuti Satani akare ari kunza uyirarama pamutsoro pekupfunzira kwashe. Rarama mukururama ngemuidi.
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngeshiyedza sheSoko ranu ngebasa raMwiya Mutsvene zvingoyita kuti ndifambe mukururama ngemuidi. Mwoyo wangu wazara ngerudo rwanu, nzero dzangu dziruyenderana ngekuda kwanu. Ndingoramba kupfunzira kwetse kwaSatani ndiyifamba muhungwaru, hutsvene ngesimba raMwiya Mutsvene, muZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Yohane 13 ndima 2
Jemusi 1 ndima 1415
WaEfeso 4 ndima 27
(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church