7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Usapa Satani Mukana WeKushanda Mauri

Chishanu, 13 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Satani akabva apinda muna Judhasi. Ndiye uya ainzi Isikarioti. Akanga ari mumwe wevadzidzi vaJesu. Aiva muboka revaya vane gumi nevaviri" (Ruka 22 ndima 3).

Judhasi Isikarioti akanga ari mudzidzi waIshe Jesu. Akanga achitova mumwe wevadzidzi vaJesu. Ivo vaya gumi nevaviri. Saka akafambavo naTenzi. Akanzwa dzidziso dzaJesu. Akavona minana yaJesu. Asi Judhasi aida zvekutora zvinhu zvevamwe. Ndiyo yaiva tsika yake. Izvi ndizvo zvakaita kuti Satani apinde maari. Akabata moyo wake.

Judhasi uyu ndiye aichengeteswa mari naIshe Jesu. Asi aipota achiba mari yacho. Iyi yaitova tsika yake. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane yegumi nembiri ndima yetanhatu. Zvino Satani anoshandisa tsika dzevanhu. Ndidzo dzaanoshandisa kuvaparadza. Judhasi aisaziva izvi. Aingofunga kuti akanga akangwara. Asi akanga ari kutoteiwa netsika yake iyi.

Judhasi uyu akazoenda kuvakuru veVajudha. Akanotengesa Jesu kwavari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neMagwaro. Akazopiwa mavuto. Ndokunoataridza kwaiva naJesu. Jesu vaiva vari muboka revanhu. Judhasi akasvika akavatsvoda. Aida kuti mavuto azive kuti Jesu vaiva vapi. Jesu vakamutarisa. Vakabva vataura. Mashoko avo tinoaverenga muna Ruka yemakumi maviri nembiri ndima yemakumi mana nesere. Vakati, "Nhai Judhasi! Usaita seunondida. Uchinditsvoda! Iwe uri kutonditengesa". Asi Judhasi haana kuvhunduka.

Ishe Jesu vakazosungwa. Vakatongerwa kufa. Apa Judhasi ndipo paakazovhunduka. Akanga ava kunzwisisa kushata kwezvaakanga aita. Akabva anozvisungirira. Ndokutoparara zvachose. Ndiwo mashandiro anoita Satani iwayo. Anopofumadza vanhu. Achivanyengera. Achiita kuti vashuvire zvinhu zvisina kunaka. Vachizopedzisira vasisanzwisisi zvavari chaizvo. Anovaitisa zvinhu zvavasingatogoni kutsanangura pachavo. Vachizopedzisira vawira munjodzi huru. Njodzi yacho inenge isingabudiki.

Judhasi aisamboshuva kuva mhondi. Asi akarera tsika yakashata. Ndokuzvijaidza kutadza. Zvivi hazvisi zvekujairira kuita. Zvinokuparadza chete. Kunyangwe zviri zvidoko sei. Kune vanhu vakaita saJudhasi nhasi. Vanhu ava vanokara zvevamwe. Vane hasha. Vane ruchiva. Kune mhondi dziriko nhasi. Mhondi idzi dzinotovavo nemhuri. Dzinotovavo nevabereki. Dzinotovavo nevana. Uye dzinotofariravo vana vadzo ava. Asi dzinoita zvinhu zvisingaitwi nevanhu. Dzichizongopedzisira dzozvidemba.

Munhu haafaniri kushuvira zvinhu zvakashata. Haafaniri kuva netsika yakashata. Angazopedzisira ava kushandiswa naSatani. Ndiko kusaka uchifanira kugara wakachengeta moyo wako. Usarega makaro achikupinda. Usarera hasha. Zadza moyo wako neShoko raMwari. Rega Mweya Mutsvene vagone kushanda mauri. Rarama mukururama. Shandisa Shoko raMwari pakurarama kwako. Ndiko kuti Satani agarire kure newe. Ndiko kuti asagona kukushandisa.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Chiedza cheShoko renyu chinondifambisa mukururama. Mweya Mutsvene vari kushanda mandiri. Vari kuita kuti ndifambevo mukururama. Moyo wangu uzere rudo. Pfungwa dzangu dzinoshuvira zvinokufadzai imi. Ndinoramba kushandiswa naSatani. Ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Ndinoshandisa simba raMweya Mutsvene pakurarama kwangu. Saka ndinorarama hupenyu hwakachena. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 13 ndima 2
Jemusi 1 ndima 14 kusvika 15
Vaefeso 4 ndima 27

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church