7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Iwe Ndiwe Nzira Yacho
Svondo, 22 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Jesu akabva amupindura. Akati, "Ndini gwanzi racho. Ndini chokwadi chacho. Ndini hupenyu hwacho. Munhu angada kuuya kuna Baba. Anotofanire kupfuura nepandiri" (Johane 14 v 6).
Kune anoti, "Pangaita hapo sekuti hapanaba gwanza. Asi Mwari achabeura gwanza". Masoko aya anokurudzira hawo. Asi haawiriraniba nezvinotaura Magwaro. Isu taa muna Muponesi. Saka takashanduka rudzi. Taa muSungano nyowani. Mwari haachisiriba kutibeurira gwanza. Akatotiita nzira yacho.
Ishe Jesu ndiwo akataura masoko atabeura nawo. Akati, "Ndini gwanza racho. Ndini chokwadi chacho. Ndini hupenyu hwacho". Iwo akanga ari nzira yedu. Ndiro gwanza rakatisvitsa kuna Mwari. Ndiro gwanzi rakatisvitsa kumaropafadzo enyika yaMwari. Iwayo anoti kudzikinurwa. Hutano hweVamwari. Nemaropafadzo ese atakaona pakufa. Kukotswa. Nekumuka kuakafa kwaMuponesi Jesu. Ndiwo akatiunza kuna Mwari Baba. Akatiunzako paya patakabarwa kechipiri. Asi hino taa muna Muponesi ava. Tisu taa kuunze atadzi kuna Mwari. Tisu taa gwanzi racho.
Ndiko kusaka Sangano reVatsvene raidaidzwa richizi gwanzi. Izvi ndizvo zvatinoona mubhuku reMabasa. Isu tisu taa gwanzi yacho. Saka hauchafaniriba kutsvaka rimwe gwanza. Ishe Jesu ane masoko aakataurahe. Tinoaerenga muna Johane 8 v 12. Inoti, "Ndini chiedza chenyika ino. Munhu anonditeera haangatongofambiba murima. Asi achaona chiedza. Chichamutungamirira muhupenyu hwake". Isu tichiri panyika pano hedu. Asi takafanana naJesu pazvese. Saka matiri ndimo mune gwanza rekubuda mumatambudziko. Matiri ndimo mune gwanza rinovheneka mudima.
Hatifambiba mudima zvachose. Hatinaba chingativhiringa. Hazvikoni kuti tibude mugwanzi. Asi kuda ungasaziya zvekuita. Namata mumweya. Madziso ako anozobeurwa. Uchibva wazotungamirirwa. Varoma 8 v 14 inoti, "Ngekuti awo ese. Anotungamirirwa ngeMweya Mutsvene pakurarama kwawo. Ndiwo anakomana aMwari". Saka usandotora maropafadzo eSungano yeKare. Tanga wazwa kuti Sungano nyowani inoti kudini pamusoro pawo. Isu taa muSungano nyowani. Sungano iyi yakatsiya yekare. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vahebheru 8 v 13. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandiita werudzi rwaMuponesi. Iwo Muponesi aya anowa gwanzi racho. Anowa Chokwadi chacho. Anowa Hupenyu hwacho. Soko renyu ndiro randinoshandisa pakurarama kwangu. Ndinoshandisawo mazano aMweya Mutsvene pakurarama kwangu. Hazvichakoniba kuti ndikoneswe kuona zvandinoda. Muponesi akugara mandiri. Ini ndaa kugara maari. Saka ndaa mupenyu mumweya. Mwari ngaakudzwe saMwari!
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 14 v 6
Mabasa 9 v 2
Varoma 8 v 14
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church