Chigarwe English Ndau Shona 

Nzvimbo Yako Iri Muna Muponesi

Mugovera, 22 Kukadzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Saka arume. Hama dzangu. Ziyai chiro ichi. Kuti munhu uyu ndiye akaunza kanganwiro yezviwi. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramiswa pazvese. Murairo waMosesi waisakona kururamisa anhu zvakadai (Mabasa 13 v 38 kusvika 39).

Jesu akatifira. Nekudaro akatidzikinura. Saka takaruramiswa. Asi hatina chatakafanira kubhadhara kuti tiruramiswe kudai. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Varoma 3 v 24. Vhesi yatabeura nayo inotirangaridzawo izvi. Isu takafanira kuuya muna Muponesi Jesu. Imomo ndimo makasukwa zviwi zvedu. Ndimo mazvakabviswa. Ndimo matakaruramiswa pazviro zvese. Murairo waMosesi waisakona kutiruramisa ngenzira yakadai.

Isu taa muna Muponesi Jesu. Imomo ndimo matakaruramiswa. Kurewa kuti takashambadzwa seanhu asina ndaa yaakapara. Hatina chatingapomerwaba. Tinokudza Mwari nokuda kwaizvozvo. Jesu ndiwo akaita kuti zvigoneke. Iwo akatora nzvimbo yedu. achida kuti isu titore nzvimbo yawo ivo. Saka iwe unofanira kutora nzvimbo yako. Ndiko kuti ukone kurarama hupenyu hweVamwari. Nzvimbo yacho iri muna Muponesi.

Tora zvawakapuwa naMuponesi. Tora nzvimbo yaakakupa. Nzvimbo iyi iri maari iwo. 2 Vakorinde 5 v 21 inoti, Muponesi aya akanga asina chiwi. achitozviziya kuti akanga asina chiwi. Asi Mwari akavaita chipiriso chechiwi. Kuti isu tiwe kururama kwawo kuya. Kuri muna Muponesi. Chirarama semunhu akarurama. Ndiko kuti zvinodiwa naMwari zvionekwe pauri. Ndiko kuti Mwari aonekwe pauri. 2 Vakorinde 8 v 9 inoti, Nekuti munoziya nyasha dzaIshe wedu. Jesu Muponesi. Kuti kunyangwe akanga akapfuma. Asi akawa arombo pachinhambo chenyu. Kuti imi muwe apfumi vacho. Iyi ndiyo nzvimbo yawawa kufanira kutora iyi. Iyo nzvimbo ine pfuma yakawanda.

erengawo Vaefeso 2 v 4 kusvika 5. vhesi iyi inotsanangura nzvimbo yako he. Inoti, Asi Mwari. Iwo ane tsitsi dzakawanda. Nekutida kwaanoita nerudo rukuru. Patakanga tichakafa kudaro. Tiri muzviwi. akatiraramisa paya paakamutsa Muponesi. Nekuti takaponeswa nenyasha. Saka iwe wakanga uri muna Muponesi. Kurewa kuti wakamutswa pamwe nawo. Ukabva wagariswa pamwe naMuponesi aya. Nzvimbo yamakagara iri kumatenga. Nzvimbo yacho ndiyo inogare anhu ane masimba ese. Saka iwe wawa munhu ane masimba ese. Ndiwo maonerwe awawa kuitwa nezvisikwa zviri mumweya. Mwari ngaakudzwe.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Mune nzvimbo yamakandigadzirira. Nzvimbo iyi iri muna Muponesi. Inzvimbo yeVamwari. Inzvimbo inogara anhu ane masimba ese. Inzvimbo ine pfuma zhinji. Ndinorarama semunhu akagare panzvimbo iyi. Ndichiita zvinokufadzai. Imi muchionekwa pandiri. Ndichitonga pahupenyu huno. Ndichitonga zviro zvenyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 Vakorinde 5 ndima 21
Varoma 5 ndima 17
Vaefeso 2 ndima 6

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church