Chigarwe
English
Ndau
Shona
Nzvimbo Yako Iri Muna Muponesi
Mugovera, 22 Kukadzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Saka varume. Hama dzangu. Zivai chinhu ichi. Kuti munhu uyu ndiye akaunza kanganwiro yezvivi. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramiswa pazvose. Murairo waMosesi waisagona kururamisa vanhu zvakadai (Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39).
Jesu vakatifira. Nokudero vakatidzikinura. Saka takaruramiswa. Asi hatina chatakafanira kubhadhara kuti tiruramiswe kudai. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma 3 ndima 24. Ndima yatavhura nayo inotirangaridzavo izvi. Isu takafanira kuuya muna Muponesi Jesu. Imomo ndimo makasukwa zvivi zvedu. Ndimo mazvakabviswa. Ndimo matakaruramiswa pazvinhu zvose. Murairo waMosesi waisagona kutiruramisa nenzira yakadai.
Isu tava muna Muponesi Jesu. Imomo ndimo matakaruramiswa. Kureva kuti takashambadzwa sevanhu vasina mhosva yavakapara. Hatina chatingapomerwa. Tinokudza Mwari nokuda kwaizvozvo. Jesu ndivo vakaita kuti zvigoneke. Ivo vakatora nzvimbo yedu. Vachida kuti isu titore nzvimbo yavo ivo. Saka iwe unofanira kutora nzvimbo yako. Ndiko kuti ugone kurarama hupenyu hweVamwari. Nzvimbo yacho iri muna Muponesi.
Tora zvawakapiwa naMuponesi. Tora nzvimbo yavakakupa. Nzvimbo iyi iri mavari ivo. 2 Vakorinde 5 ndima 21 inoti, Muponesi ava vakanga vasina chivi. Vachitozviziva kuti vakanga vasina chivi. Asi Mwari vakavaita chipiriso chechivi. Kuti isu tive kururama kwavo kuya. Kuri muna Muponesi. Chirarama semunhu akarurama. Ndiko kuti zvinodiwa naMwari zvivonekwe pauri. Ndiko kuti Mwari vavonekwe pauri. 2 Vakorinde 8 ndima 9 inoti, Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu. Jesu Muponesi. Kuti kunyangwe vakanga vakafuma. Asi vakava varombo pachinhambo chenyu. Kuti imi muve vafumi vacho. Iyi ndiyo nzvimbo yawava kufanira kutora iyi. Iyo nzvimbo ine fuma yakawanda.
Verengavo Vaefeso 2 ndima 4 kusvika 5. Ndima iyi inotsanangura nzvimbo yako zvekare. Inoti, Asi Mwari. Ivo vane tsitsi dzakawanda. Nekutida kwavanoita nerudo rukuru. Patakanga tichakafa kudero. Tiri muzvivi. Vakatiraramisa paya pavakamutsa Muponesi. Nokuti takaponeswa nenyasha. Saka iwe wakanga uri muna Muponesi. Kureva kuti wakamutswa pamwe navo. Ukabva wagariswa pamwe naMuponesi ava. Nzvimbo yamugere iri kumatenga. Nzvimbo yacho ndiyo inogara vanhu vane masimba ose. Saka iwe wava munhu ane masimba ose. Ndiwo mavonerwe awava kuitwa nezvisikwa zviri mumweya. Mwari ngavakudzwe.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mune nzvimbo yamakandigadzirira. Nzvimbo iyi iri muna Muponesi. Inzvimbo yeVamwari. Inzvimbo inogara vanhu vane masimba ose. Inzvimbo ine fuma zhinji. Ndinorarama semunhu agere panzvimbo iyi. Ndichiita zvinokufadzai. Imi muchivonekwa pandiri. Ndichitonga pahupenyu huno. Ndichitonga zvinhu zvenyika ino. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 5 ndima 21
Varoma 5 ndima 17
Vaefeso 2 ndima 6
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church