7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Ndiwe Nzira Yacho

Soto, 22 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Yeso wadoti iyo ari, Ndini nzira, diko ngeupenyu. Hakuna munhu angowuya kuna Bababa asi ngepanene.” (Yohane 14 ndima 6).

Wanhu wadowanda wangoti Mwari wangogadzira nzira apo pangonga paruyita tsepasina nziraba. Hikurudziro idonaka maningi asi matawuriro adoshare haadonakaba kana taturinga magwaro, kunyanyanyanya kana uyinzwisisa kuti Kristo wadokuyita wani. MuTestamenti Itsva, Mwari "hawarukugadzirira nziraba", wadotokuyita nzira yacho iwewe.
Tenzi Yeso wadoti, "Ndini nzira, diko ngeupenyu" (Yohane 14 ndima 6). Yeso wadonga wari nzira yasu yekusvika kuna Mwari ngemakomborero emuhuMambo etse: kusunungurwa, utano hwaMwari ngemakomborero etse adowunzwa ngekuda kwekupfa, kuwigwa ngekumuka kuwapfi kwaYeso Kristo. Wadotisvitsa kuna Mwari apo tidotambira ruponiso. Zvinozvi izvo tati umo wari, tati nzira ingosvitsa mutadzi wetse kuna Mwari.

Ndiyo ndawa uyiwona mubhuku raMabasa kuti chechi yainzi "Nzira". Ifefe tati nzira. Ungotsvakirenyi nzira iwewe uriwe nzira yacho? Pamutsoro pezvo, Tenzi Yeso muna Yohane 8 ndima 12 wadoti, “…Ndiri shiyedza shenyika,uyo angonditeera haambofambi mushidimaba, asi angonga atine shiyedza sheupenyu" Izvo wari, ndizvo uriwo munyika munomu. Mukati masu mune nzira yekubuda mutsekwende, nzira ingovheneka nushidima. Hatimbofambi mushidimaba kana mukusaziwaba, hatimbozviwoni tatsawuka kubva munziraba. Kana usingaziwi zvekuyitaba, namata muMwiya Mutsvene madziso ako avhurike uyibva watungamirirwa. Bhayibheri ringoti muna WaRoma 8 ndima 14, "Ngekuti wetse wangotungamirirwa ngeMwiya waMwari, ndiwo wapwere waMwari." Saka utsatore makomborero emuTestament yeKara usingawanzwisisi kuburikidza ngeshiyedza sheTestament Itsvaba. Testament Itsva idotsiwa yeKara (WaHebheru 8 ndima 13). Hareruya!
Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundiwunza mukubatana naKristo, Nzira, Diko ngeUpenyu. Ndingorarama mushiyedza sheSoko ranu ngekufamba muungwaru hwaMwiya Mutsvene. Handimboratsikiba, handivhiringikiba, kana kuwomerwa ngekuti Kristo wari munene, ndiri mupenyu umo wari. Mwari ngawakudzwe!

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

Yohane 14 ndima 6
Mabasa 9 ndima 2
WaRoma 8 ndima 14

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church