7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Unokona Kugara Uchitutsirwa Nyasha

Chipiri, 24 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Asi nyasha ngadziwande mamuri. Mututsire kuziya Ishe wedu. NaMuponesi Jesu. Iwo akakodzera kupuwa kudzo yese yeVamwari. Achiipuwa izvozvi. Nekusingaperi. Ndapedza" (2 Pita 3 v 18).

Nyasha dzinofanira kuwanda matiri. Izvi ndizvo zvatinopangirwa ngeBhaibheri. Rinotipangiravo kuti tishandise nyasha idzi. Idzo nyasha dziya dziri muna Muponesi Jesu. Iwe une nyasha dzawaiwa nadzo gore rapera. Nyasha idzi dzakakubatsira hadzo. Asi chirekera kuramba wakangomira panyasha idzodzo. Tutsirwe dzimweni. Mwari anoda kuti nyasha dzako dzitutsire. Nyasha idzi dzinokona kugara dzichitutsirwa. Asi kuda ungabvunza uchiti, "Chii chandinofanira kuita kuti nditutsirwe nyasha?" Soko raMwari rinotiziyisa kuti dzingatutsirwa sei.

Tsamba yaPita yechi 2 chapta 1 v 1 kusvika 2 inoti, "... Tutsirai kuziya Mwari. Tutsirai kuziya Jesu Ishe wedu. Ndiko kuti muwe nenyasha dzakawanda. Nerugare rwakawanda". Saka iwe unofanire kuwedzere kuzwisisa Mwari. Unofanirawo kututsire kuzwisisa Jesu Ishe wedu. Nyasha dzinobva dzatutsirawo. Soko raMwari ndiro rinokubatsira kuzwisisa Mwari.

Soko rekuti kuzwisisa iri rinoturikirwa kubva kusoko reChigiriki. Soko reChigiriki racho ngerinoti, "epignosis". Soko iri rinorewa kuzwisisa chiro. Unenge uri kuchizwisisa kusvika chaa muropa rako. Ndiwo mazwisisiro aunofanire kuita Mwari. Zvisizvoba nyasha dzako hadzingatutsiriba. Saka unofanire kugara uchifunda Soko raMwari. Uchigara pfungwa dzako dziri paSoko iri. Shoko racho richigara riri mupfungwa dzako. Uchigara uchiridzeya mumoyo mako. Unozogara uchitutsira kuzwisisa Ishe. Nyasha dzichitutsirawo muhupenyu hwako.

Hushasha hwako hunozotutsirawo. Masimba ako achitutsirawohe. Pfuma yako ichitutsirawohe. Uchizikanwa kwese kwese. Ndiko kusaka tichipangirwa kuti tigare pfungwa dzedu dziri paSoko raMwari. Tinoona izvi mutsamba yekutanga kuna Timoti chapta 4 v 15. Inoti, "Fungisisa pamusoro pemasoko iwayo. Agare ari mupfungwa dzako. Nepfungwa dzako dzigarewo dziri paari. Ndiko kuti ubudirire muhupenyu hwako. Kubudirira kwako uku kunozobuda pamhene. Kuchionekwa neanhu ese".

Muvhesi iyi muna masoko anoti, "kubuda pamhene". Masoko aya anoturikirwa kubva kusoko reChigiriki. Soko reChigiriki racho ngerinoti, "phaneros". Soko iri rinorewa kupararira. Rinorewa kuita mukurumbira. Kana kuzikanwa ngeanhu ese. Ndizvo zvinoitikawo kana uchinge watutsirwa nyasha dzaMwari. Hushasha hwako hunozotutsira. Unozotanga kukona kuita mabasa akawanda. PFuma yako inozotutsirawo. Ichizoonekwa neanhu ese. Anhu anozokuremekedza. Mukurumbira wako unozokura. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Mandipangidza kuti ndingatutsira sei. Nyasha dzangu dzinotutsira. Ndinogara ndichitutsira kuzwisisa Ishe Jesu. Mweya wangu unotutsira kuzwisisa Soko raMwari. Saka hushasha hwangu hunotutsira. Ndinofarirwa ngedenga. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Jemusi 4 v 6
2 Pita 1 v 2
Vakorose 1 v 9 kusvika 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church