7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Uchagara Uchingokunda

Chitatu, 25 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose" (Mapisarema 34 ndima 19).

Tinombosangana nemiyedzo muhupenyu. Tinosangana nezvakawoma. Dzimwe nguva tinotambudzwa. Dzimwe nguva zvinhu zvinonetsa. Dzimwe nguva njodzi dzinokaruka dzatiwira. Asi tinokunda zvinhu izvi zvose. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yesere ndima yemakumi matatu nenomwe. Inoti, "Asi kwete! ... takatokurira zvinhu zvose izvi". Wakakunda nhamo dzacho dzisati dzauya. Saka usavhunduka. Rarama semunhu anovimba naMwari. Ita semunhu akakunda.

Ishe Jesu vane mashoko avakambotaura. Tinoaverenga muna Johane yegumi netanhatu ndima yemakumi matatu nenhatu. Vakati, "... panyika muchatambudzwa. Asi musatya henyu. Nokuti ini ndakakunda nyika". Ishe Jesu vakakunda nyika ino. Iwe wakanga uri mavari pavakaikunda kudai. Kureva kuti iwe wakakunda nyika ino. Wakakunda njodzi dziri mairi. Wakatokunda muvengi wacho. Saka zvinhu zvingauya hazvo nhasi. Zvinhu izvi zvingatsvaka kukukanganisa. Asi iwe wakazvikunda kare. Zvichapfuura hazvo.

Ishe Jesu vane mashoko avakambotaura. Apa vakanga vari kusungwa. Tinoverenga mashoko acho muna Ruka yemakumi maviri nembiri ndima yemakumi mashanu nenhatu. Vakati, "Ino ndiyo nguva yenyu. Uye simba rerima ndiro riri kushanda pano". Nguva yacho yakatopfuura hayo. Yakanga isina kureba. Mwanakomana waMwari akazobuda muguva. Ndiye ava kutonga ikozvino. Achatonga nekusingaperi. Achitikundisa zvinhu zvose zvatinosangana nazvo. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chechipiri ndima yegumi nena. Inoti, "Asi Mwari ngavatendwe. Ivo vanogara vachitikundisa. ...". Hareruya!

Zvinhu zvingawoma hazvo. Asi iwe usazvibvunza uchiti, "Asi ndine zvandakanganisa kanhi? Sei ndiri kutambudzwa kudai?" Muhupenyu mune zvinhu zvinotsvaka kutikanganisa. Asi iwe wakazvikurira kare. Saka haufaniri kunetseka nazvo. Iwe wava muna Muponesi. Zvinhu izvi hazvigoni kukubvisa pana Mwari. Hazvifaniri kushandura zvauri. Tsamba yechipiri kuna Timoti chitsauko chetatu ndima yegumi nembiri inoti, "Uye vanhu vaya vose. Vachararama hupenyu hweVamwari. Vari muna Muponesi Jesu. Vachatambudzwavo".

Jemusi yekutanga ndima yechipiri inotizivisa zvatinofanira kuita. Inoti, "Hama dzangu. Pamunenge muri kusangana nemiedzo yakasiyana siyana. Farai". Sei uchifanira kufara? Nokuti hapana muyedzo ungakukurira. Hapana dambudziko ringakukurira. Wakazvarwa kechipiri. Apa ndipo pawakazvarwa wava mukundi. Isaya yemakumi mana nenhatu ndima yechipiri inoti, "Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi".

Saka zvinhu zvingaitika hazvo. Zvose zvinenge zviri kutokubatsira. Mukuru wacho ndiye ari mauri. Akakura kudarika ari munyika. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yaJohane yekutanga chitsauko chechina ndima yechina. Nzwisisa kuti unokunda chete. Hazvina basa kuti chii chawasangana nacho.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Shoko renyu. Shoko iri rinondisimbisa. Rinondichengetedza. Zvinhu zvingaitika hazvo. Asi ini ndinomira ndakasimba. Ndichivimba naMwari. Ndichiziva kuti makandiita mukundi. Shoko renyu ndiro randinovimba naro. Shoko iri harikundikani. Imi munondifarira. Uye simba raMweya Mutsvene riri kushanda mandiri. Ndinofara nguva dzose. Ndiri muna Muponesi. Saka ndinoziva kuti ndinokunda nguva dzose. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 4 ndima 17 kusvika 18
1 Johane 4 ndima 4
Mapisarema 91 ndima 7

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church