7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Uchagara Uchindonyisa
Chitatu, 25 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Akarurama angaa namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ese" (Mapisarema 34 v 19).
Tinombosangana nemiyedzo muhupenyu. Tinosangana nezvakawoma. Dzimweni nguwa tinotambudzwa. Dzimweni nguwa zviro zvinonetsa. Dzimweni nguwahe njodzi dzinokaruka dzatiwira. Asi tinonyisa zviro izvi zvese. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Varoma 8 v 37. Inoti, "Asi kwete! ... takatonyisa zviro zvese izvi". Wakanyisa nhamo dzacho dzisati dzauyaba. Saka usavhundukaba. Rarama semunhu anotemba naMwari. Ita semunhu akanyisa.
Ishe Jesu ane masoko aakambotaura. Tinoaerenga muna Johane 16 v 33. Akati, "... panyika muchatambudzwa. Asi musatyaba henyu. Ngekuti ini ndakanyisa nyika". Ishe Jesu akanyisa nyika ino. Iwe wakanga uri maari paakainyisa kudai. Kurewa kuti iwe wakanyisa nyika ino. Wakanyisa njodzi dziri mairihe. Wakatonyisa muwengi wacho. Saka zviro zvingauya hazvo namasi. Zviro izvi zvingatsvake kukukanganisa. Asi iwe wakazvinyisa kare. Zvichapfuura hazvo.
Ishe Jesu ane masoko aakambotaura. Apa akanga ari kusungwa. Tinoerenga masoko acho muna Ruka 22 v 53. Akati, "Ino ndiyo nguwa yenyu. Futi simba rerima ndiro riri kushanda pano". Nguwa yacho yakatopfuura hayo. Yakanga isina kurebaba. Mwanakomana waMwari akazobuda muguwa. Ndiye awa kutonga izvozvi. Achatonga nekusingaperiba. Achitikundisa zviro zvese zvatinosangana nazvo. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chapta 2 v 14. Inoti, "Asi Mwari ngaatendwe. Iwo anogara achitikundisa. ...". Hareruya!
Zvinhu zvingawoma hazvo. Asi iwe usazvibvunza uchiti, "Asi ndine zvandakanganisa kani? Sei ndiri kutambudzwa kudai?" Muhupenyu mune zviro zvinotsvaka kutikanganisa. Asi iwe wakazvinyisa kare. Saka haufaniriba kunetseka nazvo. Iwe waa muna Muponesi. Zviro izvi hazvikoniba kukubvisa pana Mwari. Hazvifaniriba kushandura zvauri. Tsamba yechipiri kuna Timoti chapta 3 v 12 inoti, "Futi anhu aya ese. Achararama hupenyu hweVamwari. Ari muna Muponesi Jesu. Achatambudzwawo".
Jemusi 1 v 2 inotiziyisa zvatinofanira kuita. Inoti, "Hama dzangu. Pamunenge muri kusangana nemiedzo yakasiyana siyana. Farai". Sei uchifanira kufara? Ngekuti hapanaba muyedzo ungakukurira. Hapanaba dambudziko ringakukurira. Wakabarwa kechipiri. Apa ndipo pawakabarwa wawa mukundi. Isaya 43 v 2 inoti, "Paunopfuura ngemumvura zhinji ini ndichawa newe; uye paunopinde ngemurwizi, hadzizokukukuriba. Paunofamba nemumoto, haungazotsviba; murazvo haungazokupisiba".
Saka zviro zvingaitika hazvo. Zvese zvinenge zviri kutokubatsira. Mukuru wacho ndiye ari mauri. Akakura kudarike ari munyika. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yaJohane 1 chapta 4 v 4. Zwisisa kuti unonyisa basi. Hazvina basaba kuti chii chawasangana nacho.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa Soko renyu. Soko iri rinondisimbisa. Rinondichengetedza. Zviro zvingaitika hazvo. Asi ini ndinomira ndakasimba. Ndichiwimba naMwari. Ndichiziya kuti makandiita mukundi. Soko renyu ndiro randinowimba naro. Soko iri harikundikani. Imi munondifarira. Futi simba raMweya Mutsvene riri kushanda mandiri. Ndinofara nguwa dzese. Ndiri muna Muponesi. Saka ndinoziya kuti ndinokunda nguwa dzese. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 Vakorinde 4 v 17 kusvika 18
1 Johane 4 v 4
Mapisarema 91 v 7
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church