7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Kukunda Nguwa Dzetse

Chitatu, 25 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

Matambudziko ewadorurama adowanda: asi Jehovha wangowasunungura kubva umo ari etse.” (Mapisarema 34 ndima 19).

Dzina nguwa muupenyu, mungowuya miyedzo, zviyedzwa ngemazuwa adowoma. Pangokwanisa kuwa ngekutambudzwa, kuwoma kwezviro ngetsekwende dzingondowuya dzisingatarisirwiba, Asi Bhayibheri ringoti muna WaRoma 8 ndima 37,“Asi muzviro zvetse izvi tingodarika wakundi..." Udotokunda kara dambudziko risati rawuyaba, saka ramba udotiwa, utsapatikeba. Ramba udomira ngerutendo rwako ngehunhu hwekutonga ihwoihwo.

Tenzi Yeso muna Yohane 16 ndima 33 wadoti, "...Munyika mushatambudzika, asi farani hanu, ndidokurira nyika inoyi.” Apo wadokurira nyika, udonga uri umo wari, kutawura kuti udokurirawo nyika ngematambudziko arimo, ngemuwengi wacho pachashe. Saka dambudziko retse iro ungosongana naro ridotodarika.
Tenzi Yeso wadotawura apo wadosungwa kuti, "Iyi ndiyo nguwa yanu, yekutonga kweshidima" (Ruka 22 ndima 53). Asi nguwa iyeyo idonga iri nyayi, idodarika. Mumasure mezvo, Murumbwana waMwari adonga anererwa pashipiyaniso, adonga abuda muguwa, zvinozvi atutonga ngekusingaperiba ayititungamirira murufambo rwekukunda. 2 WaKorinde 2 ndima 14 MSG, "Muna Muponisi, muna Kristo, Mwari wangotitungamirira kubva panzvimbo kuenda pane ina murufambo rumwe rwekukunda.…” Hareruya!

Mazuwa adowoma apo angowuya, utsazvibvunze kana kubvunza uyitiba, "Ndidonyangadza yere? Ngenyi izvi zviruyitika kunene?" Matambudziko shikamu shigosonganikwa nasho muupenyu asi tsandiwo angokutsananguraba, ungokurira nguwa dzetse. Mamiriro eupenyu hwako tsandiwo angotsanangura hunhu hwako chayiwo kana izvo uri muna Kristoba. Muna 2 Timoti 3 ndima 12, Bhayibheri ringoti, “Yee, wetse wangoda kurarama upenyu hwekunamata muna Yeso Kristo washatambudzwa."

Asi muna Jemusi 1 ndima 2, Mwari wangotitawurira madayiriro tingofanira kuyita. Wangoti, “Hama dzangu, zvitoreni tsemufaro mukuru kana muyisongana ngemiyedzo idowanda.” Ngenyi? Hindawa yekuti hakuna kutambudzwa, miyedzo kana zviyedzwa zvingokukuriraba. Udobarwa uri mukundi. Bhayibheri ringoti, "Kana ukadarika ngemumvura, ndingonga ndinewe; kana mumaruzi, haakuweredziba. Kana ukafamba ngemumoto, hawukupisiba, kana murazvo wawo hawukubatiba. (Izaya 43 ndima 2).

Saka ramba uyiwimba kuti zvisinenyi ngezvingoyitika, zviro zvetse zvingosenza pamwepo kuti zvikunakire. Ari munewe mhukuru kudarika uyo ari munyika (1 Yohane 4 ndima 4). Iwa ngediko kuti pazviro zvetse hazvo, kukurira ngekwako nguwa dzetse.

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngeSoko ranu ringondigwinyisa ngekundichengeta. Ndingomira murutendo ndiyiziwa kuti, zvisinenyi ngezvingoyitika, mudondiyita mukundi muna Kristo. Ndingowimba ngeSoko ranu iro risingakundikaniba, rudo ngesimba raMwiya Mutsvene zvirusenza munene. Ndingofara nguwa dzetse ndiyiziwa kuti muna Kristo ndingokara ndiyikurira, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

2 WaKorinde 4 ndima 17–18
1 Yohane 4 ndima 4
Mapisarema 91 ndima 7

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church