7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Wakabarwa Wawa Mumwari
China, 26 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Saka kana munhu awa muna Muponesi. Yava imwewo mhuka. nyowani. Zvaakanga ari kare hazvichisipoba. Nangisa uone. Zvawapo zvese zvaa zvinyowani" (2 Vakorinde 5 v 17).
Kuda iwe wakabarwa kechipiri. Izvi zvinorewa kuti wakanyikwa muna Muponesi. Muna Muponesi ndimo mawawa. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa ngeBhaibheri. Tinoerenga masoko aro muna Varoma 6 v 3. Inoti, "Hamuzviziyi ere? Kuti isu aya. Akanyikwa muna Muponesi Jesu. Akaputirwa maari. Takafa pamwepo nawo?". Vagaratiya 3 v 27 inoti, "Ngekuti mapfeka Muponesi. Iyemi enyu akanyikwa muna Muponesi".
Kureketa kuti iwe wakabarirwa muna Mwari. Wakabarwa wawa Mumwari. Izvi ndizvo zvakaitika pawakabarwa kechipiri. Ipapo pawakabarwa naMweya Mutsvene. Achishandisa Soko raMwari. Wakatobude uri muna Muponesi. Ndiko kusaka tsamba yechipiri kuVakorinde chapta 5 v 17 ichiti, "Saka kana munhu awa muna Muponesi. Yaa imwewo mhuka. Nyowani".munhu uyu anenge abarwa kechipiri. Saka anenge ashanduka rudzi. Anenge aa werudzi rwaMwari. Anenge aa weropa raMwari.
Saka abereki ako ndiwo akatanga kukubara. Apa ndipo pawakauya uri weropa renyika ino. Asi wakazobarwa kechipiri. Mwari ndiwo akanga ari kukubara apa. Ndipo pawakauya wawa weropa reVamwari. Kurewa kuti hauchisiriba weropa renyika ino. Wawa weropa reVamwari. Izvi ndizvo zvatinofundiswa ngeBhaibheri. Unofanirawo kuzvizwisisa. Zvisizvoba hauzokoniba kurarama hupenyu hweVamwari. Ndiko kusaka tsamba yaJohane yekutanga chapta 5 v 13 ichiti, "Ndakakunyorerai zviro izvi. Iyemi akagamuchira zita reMwanakomana waMwari. Kuti muziye kuti maa nehupenyu husingaperiba. Maa veropa raMuponesi". Mweya Mutsvene ndiwo akataura masoko aya. Akashandisa Johane kuanyora.
Iwe wawa weropa raMwari. Mwari anoda kuti uzwisise izvi. Zvirwere hazvikoniba kugara muanhu eropa iri. Ropa iri rinouraya zvirwere. Anhu eropa iri haakoniba kuparadzwa. Haabati zvirwere. Haafiba. Asi iwe ungasaziya izvi. Unozongorarama semunhu wenyika ino. Unozongotambudzwa nezviro zvinotambudza asina Muponesi.
Ndiko kusaka uchifanire kuzwisisa zvinoreketa kubarwa kechipiri. Munhu angaa akabarwa kechipiri. Munhu uyu anenge atoshanduka rudzi. Anenge aa weropa raMuponesi. Anenge asisafiba. Anenge asisiriba munhu wenyika ino. Anenge awa Mumwari. Mwari ngaaropafadzwe!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Mandibatsire kuzwisisa hupenyu husingaperiba. Ihwohwo hune anhu eropa reVamwari. Iwo anhu aya ari muna Muponesi Jesu. Ndaa kuzwisisa kuti mweya wangu waa weropa reVamwari. Waa werudzi rwaMwari. Saka zvirwere hazvichakoniba kundibata. Rima harichakoniba kundikurira. Ndinokurira zvese zvandinosangana nazvo. Ndichirarama hupenyu hweVamwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 3 v 6
1 Johane 5 v 11 kusvika 12
Varoma 6 v 4
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church