7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Kufarira Vanhu Ndiko Kwakakosha

Chishanu, 27 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Muve Shoko raMwari. Musangogumira pakurinzwa chete. Nokuti mukadero munenge muri kuzvinyengera" (Jemusi 1 ndima 22).

Mumwe munhu akambondinyorera tsamba. Vanhu vaimuti aidada. Saka aida kuziva kuti obvisa kudada uku sei. Aida kuti Mwari vamubatsire. Chishuvo chemunhu uyu chakanga chakanaka chose. Aiva neshungu dzekushandura hupenyu hwake. Izvozvo zvoga zvinokudzwa zvikuru. Zvaitogona kumubatsira kubvisa kudada uku.

Iwe ungava nezvaunodavo kushandura muhupenyu hwako. Unofanira kuva Shoko raMwari. Shoko raMwari rinotsanangura zvawava. Tsvaka kuva zvinotaurwa neShoko raMwari izvi. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo. Ndizvovo zvinodiwa kuti ubvise kudada mauri. Vaefeso yeshanu ndima yekutanga kusvika yechipiri inoti, "Mava vana vaMwari vavanofarira. Saka tevedzerai zvinoita Mwari. Farirai vanhu. ...". Saka unofanira kufarira vanhu. Izvozvo ndizvo zvinobvisa kudada.

Vagaratiya yeshanu ndima yemakumi maviri nembiri kusvika makumi maviri nenhatu inozoti, "Asi mweya wemunhu akazvarwa patsva une rudo. Mufaro. Rugare. Moyo murefu. Hunyoro. Nerunako. Unogona kuvimba naMwari. Une mutsa. Unozvidzora. Zvino, hapana mutemo unorambidza zvinhu izvi". Zvinhu izvi ndizvo zvava mauri. Kureva kuti wava kugona kufarira vanhu.

Mweya yevanhu venyika ino ine zvayovo. Chimwe chacho kudada. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vagaratiya yeshanu ndima yegumi nepfumbamwe kusvika makumi maviri neimwe. Iwe sarudza kuzvininipisa. Sarudza kugara wakafara. Sarudza rugare. Sarudza kuva nemoyo murefu. Sarudza kuva munyoro. Sarudza kuva munhu akanaka. Sarudza kuva munhu akatendeka. Sarudza kugona kuzvidzora. Simba rekuita zvinhu izvi rinotova mumweya mako. Zvijaidze kufarira vanhu. Unenge uri kutozvijaidza kushandisa simba iri. Gara uchitaura uchiti, "Ini ndinofarira vanhu". Sarudza kurarama nenzira iyi. Mwari vanozovonekwa muhupenyu hwako. Vanovonekwamo nokuti Mwari vanofarira vanhu. Uye kufarira vanhu kunokundisa.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rinochenesa moyo wangu. Rinouvandudza. Rudo rwenyu runovonekwa pandiri. Ndinozvininipisa. Ndiri munyoro. Ndinofarira vanhu. Runako rwaMuponesi runovonekwa mumashoko angu. Runonzwikwa mumashoko angu. Runovonekwa mumafungiro angu. Runovonekwa muzvinhu zvandinoita. Saka mweya wangu haudadi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vagaratiya 5 ndima 22 kusvika 23
Vaefeso 4 ndima 2
1 Vakorinde 13 ndima 4 kusvika 5 MSG

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church