7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Kurarama Murudo Ndiko Kudokosha

Chishanu, 27 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Asi itani wayiti wesoko, hayikona wanzwi basiba, muyizvipfunzira pachanu mega.” (Jemusi 1 ndima 22).

Pane munhu adombondinyorera tsamba aruda kuziwa kuti angokurira senyi hushwindi ayibatsirwa ndiMwari. Aizikanwa tsemunhu angozvikudza ngehushwindi. Wadopangidza kuti adonga atuda ngemwoyo wetse kuti zvibve paupenyu ngeunhu hwashe. Ndidobva ndafunga mumwoyo ndikati ane shitsuwo shidonaka uyu. Kuda kutsanduka hidanho rashe rekutanga rekuti akurire.

Asi izvi ndizvo ungofanira kuyita kana urutsuwira tsanduko panganyi hapo muupenyu hwako, ita zvingotawura Soko raMwari. Ita muyiti weSoko tsekuwerenga tayita mundima iyo tawamba ndiyo. Dayira kuSoko raMwari uyibva wararama tsezvo. Saka pakugadzirisa hushwindi, tsemuwenzaniso, ungoyita zviri muSoko. WaEfeso 5 ndima 1-2: "Itani wateeri waMwari, tsewapwere wangodiwa, mufambe murudo…." Shikuru shingodiwa kukurira hushwindi kana kuzvikudza, kufamba murudo.

Bhayibheri muna WaGaratiya 5 ndima 22-23 ringoti, "Asi shibarwa shemwiya rudo, mufaro, runyararo, kutsungirira, hunyoro, kunaka, kutenda, kuzvidukupitsa, kuzvidzora; pamutsoro pezviro izvi hakuna mutemoba." Kuti shibarwa sheMwiya kutawura zvibarwa zvingobuda zvega mumwiya wemunhu adobarwa patsva, mwiya udobarwa patsva. Izvi ndizvo zvikuru zvingotarisirwa pahunhu hwako. Rudo ngeshina shacho.
WaGaratiya 5 ndima 19-21 ingotipa mabasa wenyama. Kuzvikudza kana kuti hushwindwi ngerina racho. Tsarudza kufamba mukuzvidukupisa, mumufaro, murunyararo, kutsungirira, hunyoro, kunaka, kutendeka ngekuzvibata. Hunhu uhwu hwatitori mukati memwiya wako kara. Hugadzirise ngekuhukudza kuburikidza ngekufamba murudo. Nguwa ngenguwa, dzika kuti, “Ndingofamba murudo.” Ita tsarudzo iyeyo, uwone mbiri yaMwari muupenyu ngenzira ingoshamisa, ngekuti rudo ndihwo hunhu hwawo ngenzira yekukurira ndiyo.

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngeSoko ranu iro ringotsvenengera ngekutsandura mwoyo wangu. Rudo rwanu rungopangidzwa zvidozara munene. Ndingofamba mukuzvidukupisa, kuzvibata ngerudo kune wena. Hushwindwi hawuna pahwoba mumwiya mangu, ngekuti runako rwaKristo rungowonekwa ngekunzwikwa numasoko angu, munzero ngemuzviyito zvangu. MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzruidzo Shenyamusi:

WaGaratiya 5 ndima 22–23
WaEfeso 4 ndima 2
1 WaKorinde 13 ndima 4–5 MSG

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church