7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Kufarire anhu Ndiko Kwakakosha

Chishanu, 27 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Muwe Soko raMwari. Musandogumira pakurizwa basiba. Ngekuti mukadaro munenge muri kuzvinyengedza" (Jemusi 1 v 22).

Umweni munhu akambondinyorera tsamba. Anhu aimuti aidada. Saka aide kuziya kuti obvisa kudada uku sei. Aide kuti Mwari amubatsire. Chishuwo chemunhu uyu chakanga chakanaka maningi. Aiwa neshungu dzekushandura hupenyu hwake. Izvozvo zvega zvinokudzwa maningi. Zvaitokona kumubatsira kubvisa kudada uku.

Iwe ungaa nezvaunodawo kushandura muhupenyu hwako. Unofanire kuwa Soko raMwari. Soko raMwari rinotsanangura zvawawa. Tsvake kuwa zvinotaurwa ngeSoko raMwari izvi. Izvi ndizvo zvataerenga muvhesi yataeura nayo. Ndizvovo zvinodiwa kuti ubvise kudada mauri. Vaefeso 5 v 1 kusvika 2 inoti, "Mava vana aMwari aanofarira. Saka teedzerai zvinoita Mwari. Farirai anhu. ...". Saka unofanire kufarire anhu. Izvozvo ndizvo zvinobvisa kudada.

Vagaratiya 5 v 22 kusvika 23 inozoti, "Asi mweya wemunhu akabarwa panyowani une rudo. Mufaro. Rugare. Moyo murefu. Hunyoro. Nerunako. Unokona kuwimba naMwari. Une mutsa. Unozvidzora. Hino, hapanaba mutemo unorambidza zviro izvi". Zviro izvi ndizvo zvaa mauri. Kurewa kuti waa kukona kufarire anhu.

Mweya yeanhu enyika ino ine zvayowo. Chimweni chacho kudada. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vagaratiya 5 v 19 kusvika 21. Iwe chuza kuzvininipisa. Chuza kugara wakafara. Chuzahe rugare. Chuzahe kuwa nemoyo murefu. Chuza kuwa munyoro. Chuzahe kuwa munhu akanaka. Chuzahe kuwa munhu akatendeka. Chuze kukona kuzvidzora. Simba rekuita zviro izvi rinotowa mumweya mako. Zvijaidze kufarire anhu. Unenge uri kutozvijaidza kushandisa simba iri. Gare uchitaura uchiti, "Ini ndinofarire anhu". Chuze kurarama ngenzira iyi. Mwari anozoonekwa muhupenyu hwako. Anoonekwamo nekuti Mwari anofarira anhu. Futi kufarira anhu kunokundisa.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Soko renyu rinochenesa moyo wangu. Rinouwandudza. Rudo rwenyu runoonekwa pandiri. Ndinozvininipisa. Ndiri munyoro. Ndinofarira anhu. Runako rwaMuponesi runoonekwa mumasoko angu. Runozwikwa mumasoko angu. Runoonekwa mumafungiro angu. Runoonekwa muzviro zvandinoita. Saka mweya wangu haudadiba. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Vagaratiya 5 v 22 kusvika 23
Vaefeso 4 v 2
1 Vakorinde 13 v 4 kusvika 5 MSG

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church