Chigarwe
English
Ndau
Ndebele
Shona
Jesu Ndiwo Soko Ratakatumirwa NaMwari
Chishanu, 9 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Soko raMwari rakagara ririko. Raiwapo kubva pakutanga. Rakanga riri kuna Mwari. Soko iri rakanga richitowa Mwari pachawo (Johane 1 v 1).
Muvhesi yatabeura nayo mune soko rinoti, soko. Soko iri rinoturikirwa kubva kusoko reChigiriki. Soko reChigiriki racho nderinoti, Logos. Soko iri rinorewa soko. Iri ringaa soko rataurwa nemunhu. Kana soko riri mufungwa dzemunhu. Kana soko ratumirwa munhu. Asi rinonyanya kurewa soko ratumirwa munhu.
erenga Johane 1 vhesi 1-14. Inokuziyisa kuti Jesu ndiwo Soko raMwari. Kurewa kuti muna Jesu ndimo mune pfungwa dzaMwari dzese. Ndimo mune mazano awo ese. Pana Jesu ndipo patinoonera pfungwa dzaMwari. Ndipo patinoonera moyo waMwari Baba. Saka ungada kuziya zvinofungwa naMwari. Tarisa pana Jesu. Hareruya!
Johane 1 v 9 kusvika 11 ine zvainotitaurira. Zviro izvi zvinoshamisa maningi. Inoti, Ichi ndicho chaiwa chiedza chaicho. Ndicho chinovhenekera munhu wese. Chinomuvhenekera paanouya panyika pano. Soko iri rakanga riri panyika. Ndiro rakasika nyika. Asi nyika haina kuriziya. Rakauya kuanhu varo. Asi anhu aya haana kurigamuchira. Saka Soko raMwari rakauya panyika. Rakauya kuanhu aro. Asi anhu acho haana kurigamuchira. Soko iri rakauya sei?
Rakauya nevavoni ekare. umwe muoni wacho akanga ari Mosesi. umwe Samueri. umwe ndiJeremiya. umwe ndiIsaya. umwe ndiEzekieri. Neamwe akawanda wanda. Asi anhu haana kugamuchira Soko iri. Asi Johane 1 v 14 inozoti, Soko iri rakazoshanduka. Rikaa munhu wenyama. Akagara pakati pedu. Tikamuona nemadziso. Akanga ari werudzi rweVamwari. Achitaridza kuti akabarwa naMwari Baba. Ndiye ega akanga akabarwa kudai. Akanga akazare nyasha. Nechokwadi. Chiona zvakazoitwa naMwari. Soko riya rakazoshanduka. Rikawa munhu wenyama. Ndiye munhu uya anozi Muponesi Jesu.
Asi kune aisigamuchira soko raitumwa naMwari iri. anhu ava akagamuchira kuti akanga achazomuka kuakafa. achiwana hupenyu husingaperi. Abhurahama ndeumwe weanhu aya. Dhavhidhi ndemumwehe. Vavoni ekare akataurawo nezvekumuka uku. aiziya kuti anhu achamuka kuakafa. Futi akazvigamuchira. Pane ngirosi yakatomboziyisa Dhaniyeri zviro izvi. Yakamuudza pamusoro peanhu akanga achazomuka kuakafa. amwe achiwana maropafadzo. amwe achiraswa. Tinoona izvi muna Dhaniyeri yegumi nembiri.
Soko iri rakazoshanduka. Rikaa munhu wenyama. Rikagara pakati pedu. Izvi zvinoshamisa maningi. Zvinorewa kuti izwi riya rakazwikwa naMosesi. Iroro raakazwa richitaura riri mugwenzi. Iro gwenzi riya raibeka. Nemasoko ese aya aakapuwa naMwari. Iwayo aakanyorera ana aIsiraeri. Pamwe nemasoko eaoni ekare. Masoko ese aya akazoungana. Akashanduka. Akawa munhu wenyama. Munhu wacho ndiye anozi Jesu. Mwari ngaakudzwe saMwari nekusingaperi.
Pupura Uchiti
Ishe Jesu akaropafadzwa. Muri akuru sei. Makakodzera kurumbidzwa. Ndimi Soko raMwari. Iro soko riya rakashanduka. Rikava munhu wenyama. Humwari hwese hunowanikwa mamuri. Pamuri ndipo panoonekwa pfungwa dzaMwari. Ndipo panoonekwa mazano awo. Ndimi hupenyu husingaperi. Pamuri ndipo panoonekwa moyo waMwari. Ndipo panoonekwa kururama kwawo. Ndipo panoonekwa rudo rwawo. Nenyasha dzawo. Nerunako rwawo. Netsitsi dzawo. Ndimi Soko raMwari. Iro soko riya rinogara nekusingaperi. Ndinokudai nekusingaperi. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 1 ndima 9 kusvika 14
1 Johane 1 ndima 1 kusvika 3
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church