Chigarwe
English
Ndau
Ndebele
Shona
Jesu Ndivo Shoko Ratakatumirwa NaMwari
Chishanu, 9 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Shoko raMwari rakagara ririko. Raivapo kubva pakutanga. Rakanga riri kuna Mwari. Shoko iri rakanga richitova Mwari pachavo (Johane 1 ndima 1).
Mundima yatavhura nayo mune shoko rinoti, shoko. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, Logos. Shoko iri rinoreva shoko. Iri ringava shoko rataurwa nemunhu. Kana shoko riri mufungwa dzemunhu. Kana shoko ratumirwa munhu. Asi rinonyanya kureva shoko ratumirwa munhu.
Verenga Johane yekutanga ndima yekutanga kusvika yegumi nena. Inokuzivisa kuti Jesu ndivo Shoko raMwari. Kureva kuti muna Jesu ndimo mune pfungwa dzaMwari dzose. Ndimo mune mazano avo ose. Pana Jesu ndipo patinovonera pfungwa dzaMwari. Ndipo patinovonera moyo waMwari Baba. Saka ungada kuziva zvinofungwa naMwari. Tarisa pana Jesu. Hareruya!
Johane 1 ndima 9 kusvika 11 ine zvainotitaurira. Zvinhu izvi zvinoshamisa chose. Inoti, Ichi ndicho chaiva chiedza chaicho. Ndicho chinovhenekera munhu wose. Chinomuvhenekera paanouya panyika pano. Shoko iri rakanga riri panyika. Ndiro rakasika nyika. Asi nyika haina kuriziva. Rakauya kuvanhu varo. Asi vanhu ava havana kurigamuchira. Saka Shoko raMwari rakauya panyika. Rakauya kuvanhu varo. Asi vanhu vacho havana kurigamuchira. Shoko iri rakauya sei?
Rakauya nevavoni vekare. Mumwe muvoni wacho akanga ari Mosesi. Mumwe Samueri. Mumwe ndiJeremiya. Mumwe ndiIsaya. Mumwe ndiEzekieri. Nevamwe vakawanda wanda. Asi vanhu havana kugamuchira Shoko iri. Asi Johane yekutanga ndima yegumi nena inozoti, Shoko iri rakazoshanduka. Rikava munhu wenyama. Akagara pakati pedu. Tikamuvona nemeso. Akanga ari werudzi rweVamwari. Achitaridza kuti akazvarwa naMwari Baba. Ndiye oga akanga akazvarwa kudai. Akanga azere nyasha. Nechokwadi. Chivona zvakazoitwa naMwari. Shoko riya rakazoshanduka. Rikava munhu wenyama. Ndiye munhu uya anonzi Muponesi Jesu.
Asi kune vaisigamuchira shoko raitumwa naMwari iri. Vanhu ava vakagamuchira kuti vakanga vachazomuka kuvakafa. Vachiwana hupenyu husingaperi. Abhurahama ndemumwe wevanhu ava. Dhavhidhi ndemumwe zvekare. Vavoni vekare vakatauravo nezvekumuka uku. Vaiziva kuti vanhu vachamuka kuvakafa. Uye vakazvigamuchira. Pane ngirozi yakatombozivisa Dhaniyeri zvinhu izvi. Yakamuudza pamusoro pevanhu vakanga vachazomuka kuvakafa. Vamwe vachiwana maropafadzo. Vamwe vachiraswa. Tinovona izvi muna Dhaniyeri yegumi nembiri.
Shoko iri rakazoshanduka. Rikava munhu wenyama. Rikagara pakati pedu. Izvi zvinoshamisa chose. Zvinoreva kuti inzwi riya rakanzwikwa naMosesi. Iroro raakanzwa richitaura riri mugwenzi. Iro gwenzi riya raipfuta. Nemashoko ose aya aakapiwa naMwari. Iwayo aakanyorera vana vaIsiraeri. Pamwe nemashoko evavoni vekare. Mashoko ose aya akazoungana. Akashanduka. Akava munhu wenyama. Munhu wacho ndiye anonzi Jesu. Mwari ngavakudzwe saMwari nekusingaperi.
Pupura Uchiti
Ishe Jesu vakaropafadzwa. Muri vakuru sei. Makakodzera kurumbidzwa. Ndimi Shoko raMwari. Iro shoko riya rakashanduka. Rikava munhu wenyama. Humwari hwose hunowanikwa mamuri. Pamuri ndipo panovonekwa pfungwa dzaMwari. Ndipo panovonekwa mazano avo. Ndimi hupenyu husingaperi. Pamuri ndipo panovonekwa moyo waMwari. Ndipo panovonekwa kururama kwavo. Ndipo panovonekwa rudo rwavo. Nenyasha dzavo. Nerunako rwavo. Netsitsi dzavo. Ndimi Shoko raMwari. Iro shoko riya rinogara nekusingaperi. Ndinokudai nekusingaperi. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 1 ndima 9 kusvika 14
1 Johane 1 ndima 1 kusvika 3
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church