Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 

Rekete Masoko AMwari

Muvhuro, 16 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi Jesu akapindura. akati, Kwakanyorwa kuchizi, Munhu haangararami ngechingwa basi ba. Asi ngemasoko ese anobude mumuromo maMwari (Matiyo 4 v 4).

Muvhesi iyi mune soko rinoti, masoko. Soko iri rinoturikirwa kubva kusoko reChigiriki. Soko reChigiriki racho ngerinoti, Rhema. Soko iri rinoreketa masoko. Aya masoko aMwari hawo. Asi Mwari haasiwoba anenge ari kurekete masoko aya. Munhu ndiye anenge ari kuataura. Asi anenge aapuwa naMwari. Izvi ndizvo zvaunofanire kuita. Une masoko aunofanira kutaura. Asi masoko acho anofanira kunga abva kuna Mwari. Unofanire kunga waapuwa naMwari.

Ini ndakakasire kuzwisisa chiro ichi. Ndakaziya kuti ndinofanira kutaura masoko aMwari. Ndiko kuti ndikone kugadzirisa zviro zvangu. Saka Mwari angataura hawo masoko. Izvozvo zvega hazvina zvazvinogadzirisa panyika. Ini ndinofanira kutora masoko awo aya. Ndoataura ndemene. Ndiko kuti zviro zvigadzirisike panyika pano. Saka kuda pangaite zviro. Zviro zvacho zvingaa zviri kutsvaka kushaishira. Tanga wazwa zvinotaura Mweya Mutsvene. Wobva wataura masoko aMweya Mutsvene aya. Masoko aya ndiwo anozogadzirisa zviro zvako.

Saka namata nendzimwe ndimi. Mweya wako unobva wamuka. Uchitanga kunatse kuzwa zvinotaurwa naMwari. Ramba wakateerera kudaro. Uchazozwa masoko chaiwo aunofanira kutaura. Iwe wobva wataura masoko aya. Mataure wakashinga. Uchiziya kuti Mwari ndiwo anenge ari kutotaura.

Rangarira zvakambotaurwa naMwari. akanga ari kutaura izvi kuna Mosesi. akamutaurira paakanga ari kumupa Aroni. aimupa Aroni uyu kuti amubatsire. Tinoerenga masoko acho muna Ekisodho 4 v 15 kusvika 16. Inoti, Ndiye wauchataura naye iyeye. Uchamupa masoko ekutaura. Saka ini ndichawa nemuromo wako. Ndichawazve nemuromo wake iye. Ndichikufundisa zvaunofanira kuita. Ndiye achataura kuanhu. Achitaura akakumiririra. Ndiye achaa muromo wako. Iwe uchawa saMwari kwaari. Saka munhu angagamuchira masoko kubva kuna Mwari. Munhu uyu ndiye anenge aine Soko raMwari. Saka anenge akaita saMwari. Anenge akamira pachinzvimbo chaMwari. Asi pangazoita umwe anozotaura soko iri kuanhu. Munhu uyu ndiye anenge achiita semuoni. Ndiye anenge akamira pachinzvimbo chemuoni.

Asi munhu wacho anokona kunge achindonga umwe basi. Oite iye anogamuchira Soko raMwari. Achizoritaura ari iye. Mwari ndizvo zvaaida kuti Mosesi aite. Ndiye aifanire kugamuchira Soko raMwari. Ndiye aifanira kuzoritaura kuanhu. Kureketa kuti ndiye aifanira kutaura masoko aMwari. Izvi ndizvo zvaunofanire kuitawo iwe. Taure masoko aMwari. Ndiko kuti ukurire zviro zvenyika ino. Ndiko kuti ukurire muwengi. Ndiko kuti ukurire zvese zvaungasangana nazvo.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Munondipa soko renguwa imwe neimwe. Iroro soko rinobata zvinenge zviri kuitika panguwa ipi neipi. Nekudaro ndinokunda saMwari. Ndinokunda kudai zuwa rimwe nerimwe. Ndinonamata ngendimi. Ndinobva ndaona zviri mumweya. Ndichiona Soko renyu. Ndichizotaura Soko iri ndakashinga. Ndichiziya kuti rinoshanda. Ndichiziya kuti Soko iri rine simba. Rinokona kugadzirisa zviro. Richiita kuti zviro izvi zviwirirane nezvamakaronga imi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Varoma 10 ndima 8
VaEfeso 6 ndima 17
Isaya 55 ndima 11
Vahebheru 4 ndima 12

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church