Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 


Mutawuro Wasu Udosiyana Ngewemunyika

China, 19 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Ifefewo zvatine mwiya umwewo werutendo,tsekunyorwa zvidoyitwa, ndidotendera, saka ndingotawura, tingotenderawo saka tiyitawura." (2 WaKorinde 4 ndima 13).

Apo Pauro adotawura kuwaKristo wepaKorinde muna 1 WaKorinde 3 ndima 1 kusvika 3, ayiwati wadonga warurarama tsewanhu wemunyika,idonga iri nyaya yematawuriro awo. Wayindotawura tsewanhuwo nhando saka wayirarama hupenyu huri patsi pehwawayitarisirwa kurarama. Tsemupwere waMwari, matawuriro ako angofanira kuburitsa zvingotawurwa ngeSoko kuyipindirana ngemakariro ngehupenyu hwehumambo hwasu hwedenga.

Munhu wenyika kana mwamuna kana mukadzi nhando, angotawura zvingobva panzero dzashe dzepanyama. Wangotawura kusha ngekutsatendaba. Asi ifefe mutawuro wasu hawudosharoba,tingotawura rutendo, tingogatendera ngekubva tatawura. Tingotenderenyi? Tingotendera muSoko,ndiro tingotawura. Mwari ngawakudzwe! Soko raMwari ndiro diko, diko ringotawura zviripo chayizvo. Saka petse pawungotawura Soko pashiro shinganyi hasho, ungonga urutawura idi pamutsoro peshiro ishesho.

Tsemuyenzaniso,kana ukanzwa mutsoro kukonzwa, kana kukonza mumagodo ako kana panganyi hapo pamwiri wako,utsatiba, " Ndine mutsoro urukonza,kana kuti ndine hosha yemagodo." Zvituke kwako uyiti, "Ndine hupenyu hwaMwari mandiri saka ndidogwinya ndine hutano hudonaka kusvika narini. Hapana hosha ingokwanisa kurarama mumwiri manguba, ngekuti mwiri wangu hitemberi yaMwiya Mutsvene.

Kana watawura kusharo, ungonga watawura idi, ungonga urutawura zvawunazvo muna Kristo. Kukonzwa, hosha, matenda, hurombo,hutera kana rufu tsandizvo udopiwa ndiMwariba,saka utsambozvitawureba. 1 WaKorinde 2 ndima 12 kusvika 13 ingoti, "Zvino ifefe hatidogashira mwiya wenyikaba, asi Mwiya ungobva kuna Mwari,kuti tiziwe zviro zvatidopiwa mahara ndiMwari. Izvo zviro zvatingotawura, hayikona ngemanzwi ehungwaru angofundiswa ngewanhuba, asi angofundiswa ndiMwiya Mutsvene."

Tidogashira Mwiya Mutsvene kuti watibatsire kuziwa ngekunzwisisa izvo tidopiwa ndiMwari pasina shatabhadharaba. Ndizvo zviro zvawungofanira kutawura izvezvo. Saka Mwari wadokupenyi? Wadokupa hupenyu husingaperiba (1 Yohane 5 ndima 11 kusvika 12); Wadokupa hungwaru hwawo, kururama kwawo,huMwari hwawo ngekuchena kwawo(1 WaKorinde 1 ndima 30). Wadokupa zviro ZVETSE zvawungoda pahupenyu ngepakururama. (2 Pita 1 ndima 3).

Izvi ngezvina zvidowanda ndizvo ungofanira kutawura. Nguwa ngenguwa, tawura udoshinga kuti uri wani ,zvinyi zvawunazvo ngezvawungokwanisa kuyita muna Kristo. Tawura mutawuro werutendo ngesimba. Hareruya!

Pupura Uyiti

Mwiya Mutsvene wadofundisa rurimi rwangu kutawura mutawuro wemuhumambo. Ndingotawura masoko erutendo, ekutonga ngeesimba basi basi. Masoko angondoyenderana ngezvidowunzwa ndiKristo musoko rawo, ngemakariro ngezvingowonekwa muhumambo hwasu hwedenga. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :
1 VaKorinte 3 ndima 1 kusvika 3
VaRoma 8 ndima 6
1 VaKorinte 2 ndima 12 kusvika 13 NKJV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church