Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 


Hatitauriba Seanhu eNyika Ino

China, 19 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Hino isu zvatine mweya umwe basi iwoyu. Weruwimbo. Sezvazvakanyorwa zvichizi, Ndakazvigamuchira. Ndiko kusaka ndakazozvitaura. Isu takazvigamuchirawo. Ndiko kusaka tichitaura kudai (2 Vakorinde 4 v 13).

Pauro ane masoko aakambotaura. Akanga ari kutaura kune amwe Vakristu. Vakristu aya akanga ari epaKorinde. Pauro aiti Vakristu aya airarama seanhu enyika ino. Izvi ndizvo zvatinoona muna 1 Vakorinde 3 v 1 kusvika 3. Vakristu aya aitaura seanhu enyika ino. Ndiko kusaka Pauro akati airarama seanhu enyika ino. Iwe ungaa mwana waMwari. Une pfuma yawakapuwa naMwari. Pfuma iyi iri muRuponeso. Saka unofanire kutaura semunhu ane pfuma iyi. Unofanire kuwa netsika yenyika yedu. Iyo nyika iya iri kudenga.

Asi kune anhu enyika ino. anhu aya anotaura zviro zvenyika ino. anotaura seanhu anotya. anotaura seanhu asingatembi naMwari. Asi isu hatitauriba nenzira iyi. Tinotaura seanhu anotemba naMwari. Takagamuchira Soko raMwari. Ndiko kusaka tichiritaura. Mwari ngaakudzwe saMwari. Soko raMwari ndiro chokwadi. Ndiro rinotaura zviripo chaizvo. Saka iwe ungataura Soko raMwari. Soko iri ringaa riri kutaura pamusoro pechimweni chiro. Zvarinotaura izvi ndizvo chaizvo zvinenge zviri chiro ichi.

Musoro wako ungaa uri kutema. Kana kuti ungaa uri kurwadziwa mumwiri mako. Usataura uchiti, Ndine musoro unotema. Kana kuti, Ndine chirwere cheropa. Usataura uchidaro. Dzinge marwadzo aya. Wotaura uchiti, Ini ndiri munhu weropa reVamwari. Saka ndinogara ndiri mutano. Ndakasimba. Mweya Mutsvene awa kugara mumwiri wangu. Saka hapana chirwere chingagara mumwiri wangu.

Unenge uri kutotaura shuwa kana uchidai. Unenge uri kutaura zvaunazvo chaizvo. Izvo zviya zvawakaona muna Muponesi. Mwari haana kukupa zvirwere. Haana kukupa marwadzo. Haana kukupa hurombo. Haana kukupa hurwereba. Haana kukupa rufu. Saka usataura semunhu ane zviro izvi. Taura zvawakapuwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinopangidzwa muna 1 Vakorinde 2 v 12 kusvika 13. Vhesi iyi inoti, Hino isu hatina kupuwa mweya wenyika ino. Asi mweya waMwari. Kuti tikone kuziya zviro zviya. Zvatakapuwa naMwari. achitipa pasina mubhadharo. Zviro izvi ndizvo zvatinotaura. Tisingashandisi masoko anobva panjere dzeanhu. Asi atinotifundisa naMweya Mutsvene. Tichishandisa mweya yedu kuzwisisa zviro zvemweya.

Isu takapuwa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene aya anotibatsira. Ndiwo anoita kuti tiziye zvatakapuwa naMwari. Ndiwo anoita kuti tizwisise zviro izvi. Mwari akandotipa zviro izvi. Haana kutibhadharisa. Zviro izvi ndizvo zvaunofanira kutaura. Saka zvawakapuwa naMwari zvacho ndezvipi? Wakaitwa weropa raMwari. Izvi ndizvo zvatinoona muna 1 Johane 5 v 11 kusvika 12. Wakapuwa mazano awo. Wakapuwa kururama kwavo. Wakapiwa Humwari hwavo. Wakapiwa rudzikinuro rwavo. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Vakorinde 1 v 30. Mwari akakupa zvinodiwa pahupenyu huno. Nezvinodikanwa mumweya. akakupa zviro izvi ZVESE. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna 2 Pita 1 v 3.

Zviro izvi ndizvo zvaunofanira kutaura. Wawa muna Muponesi. Wakashanduka rudzi. Saka gara uchitaura rudzi rwako. Gara uchitaura pfuma yawawa nayo. Gara uchitaura zvawawa kukona kuita. Taura semunhu anotemba naMwari. Taura semunhu ane simba. Hareruya!

Pupura Uchiti
Mweya Mutsvene akarowedzera rurimi rwangu. Ndaa kukona kutaura mutauro wenyika yaMwari. Ndinotaura zvinowirirana neSoko raMwari. Ndinotaura semunhu ane masimba ese. Ndinotaura zvandakapuwa naMuponesi basi. Zviro izvi zviri muRuponeso. Ndezvemunyika yedu yekudenga. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
1 VaKorinte 3 ndima 1 kusvika 3
VaRoma 8 ndima 6
1 VaKorinte 2 ndima 12 kusvika 13 NKJV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church