7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Shoko ReNyasha DzaMwari
Chitatu, 3 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“... Ndinoda kuripedza ndiine mufaro. Iroro ibasa rekuziyisa anhu ruponeso huya r. Hwakaunziwa nenyasha dzaMwari” (Mabasa Yaapositori 20 ndima 24).
Mwari ngavakudziwe! Muponesi Jesu vane shoko ravakatiwunzira. Iri ishoko reRuponeso. Shoko iri haringotiziyise pamusoro peimwe nzira yekunamata nayo. Rinotiziyisa nezvenyasha dzaMwari. Rinotiziyisa kuti Mwari vanofarira anhu. Kamupekare vakavayitira tsitsi. Pauro akambotsanangura shumiro yake. Akati shumiro iyi yakanga isingowa yekuziyisa anhu nezvenyasha dzaMwari.
Abhurahama ndiye adotanga kuparidzihwa shoko iri. Izvi ndizvo zvatinonangara munaaGaratiya yechitatu ndima yechisere. Ineti, “Zvino magwaro aya. … Akabva afanonyayira kuna Abhurahama. Asimuziyisa nezve ruponeso hwaMuponesi. Asiti, “Ndisaseyenzesa iweiwe kuropafadza marudzi yose”. Ndima iyi inonyayira nezve maropafadzo. Maropafadzo yacho haazi yepfuma yenyika yino chete.Yakanga yari kuunzawo Mweya Uneyera panyika.Yakanga yari kudururawo pfuma yaMwari paanhu. Maropafadzo aya yakanga yari kunyayira nezve nyasha dzaMwari.
Shoko rekuti “nyasha” iri rinoturikihwa kubva kushoko reChihebheru. Shoko reChihebheru racho nderinoti, “hesed”. Shoko iri rinotsanangura rudo hwaMwari. Rudo hwacho hune hunyoro. Hune tsitsi. Rudo hwemunhu anofarira anhu. Ndihwo hwatinonangara pana Dhavhidhi. Runotsananguhwa mubhuku yechipiri yaSamueri chitsauko chepfumbamwe ndima yekutanga. Apa Dhavhidhi akati, “Kuchino mumwe here weyimba yokwaSauro asiripo wandingaitire mwoyochena pamusana paJonatani?”. Ndidzo nyasha dzatiri kunyayira idzi. Inyasha dzinomanikidza munhu kuyitira mumwe moyochena. Ndidzo nyasha dzakaitihwa anhu pasi rose. Dzakaunziwa naMuponesi Jesu. Asi dzinongoseyenzera vaya vanenge vagamuchira Jesu chete.
aEfeso yechipiri ndima yechisere inoti, “Nokuti nokuda kwenyasha makawana ruponeso. Uho hwamakagamuchira. Musiseyenzesa ruvimbo hwenyu”. Shoko iri rakaunza Ruponeso. Rakaunza hutano hudonaka. Rinorapa anhu. Rinovasungunura. Rusivayita vadorurama. Vanhu havawani izvi nokuti vadokodzera. Vanozviwana nokuti Mwari vakanaka. Ivo vanofarira anhu. Izvozvo ndizvo zvinoyita kuti anhu vatendeuke. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna aRoma yechipiri ndima yechina. Mwari vakafarira anhu vose. Vakabva vavapasa Mwanakomana wavo. Vaneda kuti anhu vagamuchire Mwanakomana uyu. Ndiko kuti vawane hupenyu husingaperi.
Shoko iri ndere nyasha. Harizi rekuziyisa anhu mhosva dzavo. Ishoko rinovaziyisa kuti ivo vakachenuhwa. Ishoko rinosimudza vakadonha. Ishoko rekutora vakatayika. Vasipihwa pfuma yaMwari. Ndiko kusaka Mabasa Yaapositori yemakumi mayiri ndima yemakumi matatu nembiri isiti, “Zvino hama dzangu. Ndinokuyisai mumanja aShe. NeeShoko renyasha dzavo. Iro rine simba rekukuvakayi. Nekukugamuchidzayi pfuma iya. Yakagadzirihwa vakasananguhwa”.
Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makandiziyisa nezvenyasha dzenyu. Mukandipawo basa rekuziyisa anhu nyasha idzi. Ndinoparidzira ndidoshinga. Ndisishingayira kusvitsa tsitsi dzenyu kuanhu vose. Ndisipupurira ruponeso hwenyu. Ndinorarama semunhu akayitihwa nyasha nemi. Ndinorarama semunhu akapihwa maropafadzo eRuponeso. Ndisiziyisa amwe nezvemaropafadzo aya. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa Yaapositori 20 ndima 24
aGaratiya 3 ndima 8
aEfeso 2 ndima 8–9
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)