7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Soko ReNyasha DzaMwari

Chitatu, 3 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“... Ndinoda kuripedza ndiine mufaro. Iroro ibasa rekuziyisa anhu ruponeso ruya. Rwakaunzwa nenyasha dzaMwari” (Mabasa 20 v 24).

Mwari ngaakudzwe! Muponesi Jesu ane soko raakatiunzira. Iri isoko reRuponeso. Soko iri haringotiziyisiba pamusoro peimweni nzira yekunamata nayo. Rinotiziyisa nezvenyasha dzaMwari. Rinotiziyisa kuti Mwari anofarira anhu. Futi akaaitira tsitsi. Pauro akambotsanangura shumiro yake. Akati shumiro iyi yakanga ichingowa yekuziyisa anhu nezvenyasha dzaMwari.

Abhurahama ndiye akatanga kuparidzirwa soko iri. Izvi ndizvo zvatinoona muna Vagaratiya 3 v 8. Inoti, “hino magwaro aya. … Akabva afanotaura kuna Abhurahama. Achimuziyisa nezve ruponeso rwaMuponesi. Achiti, “Ndichashandisa iwe kuropafadza marudzi ese”. Vhesi iyi inotaure ngezve maropafadzo. Maropafadzo acho haasiba epfuma yenyika ino basi ba. Akanga ari kuunzawo Mweya Mutsvene panyika. Akanga ari kudururawo pfuma yaMwari paanhu. Maropafadzo aya akanga ari kutaura nezve nyasha dzaMwari.

Soko rekuti “nyasha” iri rinoturikirwa kubva kusoko reChihebheru. Soko reChihebheru racho nderinoti, “hesed”. Soko iri rinotsanangura rudo rwaMwari. Rudo rwacho rune hunyoro. Rune tsitsi. Rudo rwemunhu anofarira anhu. Ndirwo rwatinoona pana Dhavhidhi. Runotsanangurwa mubhuku yechipiri yaSamueri 9 v 1. Apa Dhavhidhi akati, “Kuchino umwe ere wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena pamusana paJonatani?”. Ndidzo nyasha dzatiri kutaura idzi. Inyasha dzinomanikidza munhu kuitira umwe moyochena. Ndidzo nyasha dzakaitirwa anhu pasi rese. Dzakaunzwa naMuponesi Jesu. Asi dzinongoshandira aya anenge agamuchira Jesu basi.

Vaefeso 2 v 8 inoti, “Nekuti nekuda kwenyasha makawana ruponeso. Urwo rwamakagamuchira. Muchishandisa ruvimbo rwenyu”. Soko iri rakaunza Ruponeso. Rakaunza hutano hwakanaka. Rinorapa anhu. Rinoasungunura. Richiaita akarurama. Anhu haawani izvi nekuti akakodzera. Anozviona nekuti Mwari akanaka. Iwo anofarira anhu. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti anhu atendeuke. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Varoma 2 v 4. Mwari akafarira anhu ese. Akabva aapa Mwanakomana wawo. Anoda kuti anhu agamuchire Mwanakomana uyu. Ndiko kuti aone hupenyu husingaperiba.

Soko iri ndere nyasha. Harisiba rekuziyisa anhu ndaa dzawo. Isoko rinoaziyisa kuti iwo akachenurwa. Isoko rinosimudza akadonha. Isoko rekutore akarasika. Achipuwa pfuma yaMwari. Ndiko kusaka Mabasa 20 v 32 ichiti, “hino hama dzangu. Ndinokuisai mumaoko aShe. NeeSoko renyasha dzawo. Iro rine simba rekukuakai. Nekukugamuchidzai pfuma iya. Yakagadzirirwa akasanangurwa”.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandiziyisa nezvenyasha dzenyu. Mukandipavo basa rekuziyisa anhu nyasha idzi. Ndinoparidza ndakashinga. Ndichishingaira kusvitse tsitsi dzenyu kuanhu ese. Ndichipupurira ruponeso rwenyu. Ndinorarama semunhu akaitirwa nyasha nemi. Ndinorarama semunhu akapuwa maropafadzo eRuponeso. Ndichiziyisa amwe nezvemaropafadzo aya. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 1:16-17; VaGaratia 3:8; VaEfeso 2:8-9 NIV


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)