7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Shoko ReNyasha DzaMwari

Chitatu, 3 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“... Ndinoda kuripedza ndiine mufaro. Iroro ibasa rekuzivisa vanhu ruponeso ruya. Rwakaunzwa nenyasha dzaMwari” (Mabasa 20 ndima 24).

Mwari ngavakudzwe! Muponesi Jesu vane shoko ravakatiunzira. Iri ishoko reRuponeso. Shoko iri haringotizivisi pamusoro peimwe nzira yekunamata nayo. Rinotizivisa nezvenyasha dzaMwari. Rinotizivisa kuti Mwari vanofarira vanhu. Uye vakavaitira tsitsi. Pauro akambotsanangura shumiro yake. Akati shumiro iyi yakanga ichingova yekuzivisa vanhu nezvenyasha dzaMwari.

Abhurahama ndiye akatanga kuparidzirwa shoko iri. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vagaratiya yetatu ndima yesere. Inoti, “Zvino magwaro aya. … Akabva afanotaura kuna Abhurahama. Achimuzivisa nezve ruponeso rwaMuponesi. Achiti, “Ndichashandisa iwe kuropafadza marudzi ose”. Ndima iyi inotaura nezve maropafadzo. Maropafadzo acho haasi efuma yenyika ino chete. Akanga ari kuunzawo Mweya Mutsvene panyika. Akanga ari kudururavo fuma yaMwari pavanhu. Maropafadzo aya akanga ari kutaura nezve nyasha dzaMwari.

Shoko rekuti “nyasha” iri rinoturikirwa kubva kushoko reChihebheru. Shoko reChihebheru racho nderinoti, “hesed”. Shoko iri rinotsanangura rudo rwaMwari. Rudo rwacho rune hunyoro. Rune tsitsi. Rudo rwemunhu anofarira vanhu. Ndirwo rwatinovona pana Dhavhidhi. Runotsanangurwa mubhuku yechipiri yaSamueri chitsauko chepfumbamwe ndima yekutanga. Apa Dhavhidhi akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena pamusana paJonatani?”. Ndidzo nyasha dzatiri kutaura idzi. Inyasha dzinomanikidza munhu kuitira mumwe moyochena. Ndidzo nyasha dzakaitirwa vanhu pasi rose. Dzakaunzwa naMuponesi Jesu. Asi dzinongoshandira vaya vanenge vagamuchira Jesu chete.

Vaefeso yepiri ndima yesere inoti, “Nokuti nokuda kwenyasha makawana ruponeso. Urwo rwamakagamuchira. Muchishandisa ruvimbo rwenyu”. Shoko iri rakaunza Ruponeso. Rakaunza hutano hwakanaka. Rinorapa vanhu. Rinovasungunura. Richivaita vakarurama. Vanhu havawani izvi nokuti vakakodzera. Vanozviwana nokuti Mwari vakanaka. Ivo vanofarira vanhu. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti vanhu vatendeuke. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yepiri ndima yechina. Mwari vakafarira vanhu vose. Vakabva vavapa Mwanakomana wavo. Vanoda kuti vanhu vagamuchire Mwanakomana uyu. Ndiko kuti vawane hupenyu husingaperi.

Shoko iri ndere nyasha. Harisi rekuzivisa vanhu mhosva dzavo. Ishoko rinovazivisa kuti ivo vakachenurwa. Ishoko rinosimudza vakadonha. Ishoko rekutora vakarasika. Vachipiwa fuma yaMwari. Ndiko kusaka Mabasa yemakumi maviri ndima yemakumi matatu nembiri ichiti, “Zvino hama dzangu. Ndinokuisai mumavoko aShe. NeeShoko renyasha dzavo. Iro rine simba rekukuvakai. Nekukugamuchidzai fuma iya. Yakagadzirirwa vakasanangurwa”.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandizivisa nezvenyasha dzenyu. Mukandipavo basa rekuzivisa vanhu nyasha idzi. Ndinoparidza ndakashinga. Ndichishingaira kusvitsa tsitsi dzenyu kuvanhu vose. Ndichipupurira ruponeso rwenyu. Ndinorarama semunhu akaitirwa nyasha nemi. Ndinorarama semunhu akapiwa maropafadzo eRuponeso. Ndichizivisa vamwe nezvemaropafadzo aya. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 1:16-17; VaGaratia 3:8; VaEfeso 2:8-9 NIV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)