7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Shingayira Kushumira Mwari Wudofara

Svondo, 7 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Saka hama dzangu dzandinofarira. Mirayi mudosimba. Pasinayi chinokuzungunutsayi. Mabasa yamunoyitira Ishe yagare yasiyingidzira. Musiziya kuti mabasa yose aya yamunoyita muna Ishe hayazi pasina” (1 aKorinde 15 ndima 58).

Isu taa kurarama hupenyu hweAmwari. Hupenyu uhu hahuzi dambe. Hune basa. Tinohurarama tisiseyenzesa mirayiro yepamweya. Hunotova hupenyu chaihwo. Asi tinohurarama mumweya. Atsvene ava pejo kuvhutiwa. Saka unofanira kugara nzeru dzako dzidomuka. Usizviwongorora. Usingwarira kurarama hupenyu hweAmwari uhu. Usihurarama zvinowirirana noShoko raMwari.

Gara nzeru dzako dziri paShoko raMwari. Izvi ndizvo zvinokurudzihwa noBhaibheri. Tinoyerenga mashoko yarene muna Joshuwa yekutanga ndima yechinomwe. Ineti, “… hayikona kutsawukira kuruji kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwawuneyenda”. Regera Shoko raMwari ritonge nzeru dzako. Riregere ritonge mweya wako. Rirege ritungamirire mafungiro yako yose. Shoko raMwari ndiwo mwenje wetsoka dzako. Ndicho chiyedza munzira yako. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna Mapisarema yezana negumi nepfumbamwe ndima yezana nechishanu. Iweiwe ungava uri kutekayira murima. Unozoseyenzesa mwenje. Unouseyenzesa kunangara nzira. Ndizvo zvawunoyitawo neShoko raMwari. Unorishandisa semwenje. Ndiro rinokurayikidza nzira yehupenyu. Ndiro rinokurayikidza nzira yekururama.

Tsamba yechipiri kuAtesaronika chitsauko chechipiri ndima yechitatu ine zvainotiyambira. Ineti, “… Nekuti zuva iri harizi kuzongowuya. Pasatanga payita anhu adowanda asatsawuka. Vasibva pana Muponesi. …”. Tenzi vane mashoko yavadozonyayirawo. Tinoyawana muna Matiyo yemakumi mayiri neina ndima yegumi nembiri. Ineti, “Zvitadzo zvisawanda panyika. Anhu asange vava nemoyo yidonyangara. Saka rudo hweadowanda husatonhora. Vanhu vasange vasisina rudo”. Saka gara usida Ishe. Ngapasave nechinoyita kuti muregere kuvimba naMwari. Ngapasava nechinokutadzisa kushingayirira zvinhu zvemweya.

Kune vanhu vanoshingayira kushumira Ishe. Vasida Ishe nemoyo yose. Vanhu vadodayi vanofanira kugona kunangahwa pachena. Vanofanira kusiyana nevasingadi Ishe. Saka unofanira kugara wakazvingwarira. Ngwarira moyo wako. Dziyirira mweya wako. Rarama semunhu anofarihwa naMwari. Ivo vadonyayira muna Johwane yegumi nenhatu ndima yemakumi matatu neshanu vasiti, “Ivai nerudo. Dananai. Fariranayi. Ndiko kuti vanhu vazive kuti muri vadzidzi vangu”.

Hupenyu hweAmwari hudoyita sehwendo. Hwakayita sehwendo hwemazuva yadowanda. Une mikana yawunosangana nayo muhwendo uhwu. Unosangana nayo zuva ribodzi noribodzi. Iyi mikana yekurarama semunhu anofarihwa naMwari. Mikana yekushumira Ishe. Usiashumira wudofara. Mikana yekurarama muchiyedza chavo. Usirarama kudayi sekurarama kwavanoita ivo. Izvi ndizvo zvatinokurudzihwa mutsamba yekutanga yaJohwani chitsauko chekutanga ndima yechinomwe. Unowanawo mikana yekubereka zvibereko zvekururama. Usiyiitawo mabasa yekururama. Saka hapanayi zuva rawunofanira kuregera risingoyenda. Shumira Ishe zuva ribodzi,uye wudofara. Uvashumire wakafara.

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makayita kuti ndikuziyei. Makayita kuti ndikushumireyi. Iyi ikudzo huru. Makaitawo kuti ndiziyikamwe nezita renyu. Ichi chiropafadzo chikuru. Ndinogara ndisishingayira kukushumirayi. Hapanayi chingandibvisa pamuri. Ndinogara ndisiyingidzira kukuseyenzerayi. Rudo hwangu kwamuri hunogara rusiyingidzira. Ndisikushumirayi nemoyo wudofara. Taa mumazuva yekupedzisira. Saka ndinoyingidzira kupenya. Simba renyu risinangahwa pandiri. Kururama kwenyu kusinangahwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chizidzo ChaNhasi
Zvidozarurwa 2 ndima 26
aHebheru 6 ndima 10
aGaratiya 6 ndima 9

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)