7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Shingirire Kushumire Mwari Wakafara

Svondo, 7 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Saka hama dzangu dzendinofarira. Mirai makagwinya. Pasinaba chinokukutukusaiba. Mabasa amunoitire Ishe agare achiutsira. Muchiziya kuti mabasa ese aya. Amunoita muna Ishe. Haasi maharaba” (1 Vakorinde 15 v 58).

Isu taa kurarama hupenyu hweVamwari. Hupenyu uhu hahusiba dambe. Hune basa. Tinohurarama tichishandise mirairo yepamweya. Hunotowa hupenyu chaihwo. Asi tinohurarama mumweya. Vatsvene apadhuze kubvutwa. Saka unofanire kugara pfungwa dzako dzakamuka. Uchizviongorora. Uchingwarire kurarama hupenyu hweVamwari uhu. Uchihurarama zvinowirirane neSoko raMwari.

Gare pfungwa dzako dziri paSoko raMwari. Izvi ndizvo zvinokurudzirwa neBhaibheri. Tinoerenga masoko aro muna Joshua 1 v 7. Inoti, “… usapaukaba kurundyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwese kwese kwaunoenda”. Rekera Soko raMwari ritonge pfungwa dzako. Rirekere ritonge mweya wako. Rirekere ritungamirire mafungiro ako ese. Soko raMwari ndiwo mwenje wetsoka dzako. Ndicho chiedza munzira yako. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Mapisarema 119 v 105. Iwe ungaa uri kufamba murima. Unozoshandisa mwenje. Unoushandisa kuona nzira. Ndizvo zvaunoitawo neSoko raMwari. Unorishandisa semwenje. Ndiro rinokupangidza nzira yehupenyu. Ndiro rinokupangidza nzira yekururama.

Tsamba yechipiri kuVatesaronika chapta 2 v 3 ine zvainotiyambira. Inoti, “… Ngekuti zuwa iri harisi kuzongouya. Pachatanga paita anhu akawanda achatsauka. Achibve pana Muponesi. …”. Tenzi ane masoko avakazotaurawo. Tinoawana muna Matiyo 24 v 12. Inoti, “Zviwi zvichawanda panyika. Anhu achanga aanemoyo yakashata. Saka rudo rweazhinji ruchatonhora. Anhu achanga asisina rudoba”. Saka gara uchida Ishe. Ngapasawa nechinoita kuti usawimba naMwari. Ngapasawa nechinokukonesa kushingairira zviro zvemweya.

Kune anhu anoshingaira kushumira Ishe. Achide Ishe nemoyo yese. Anhu akadai anofanira kukona kuonekwa pamhene. Anofanire kusiyana neasingadi Isheba. Saka unofanire kugara wakazvingwarira. Ngwarire moyo wako. Dziyirira mweya wako. Rarame semunhu anofarirwa ndiMwari. Iwo akataura muna Johane 13 v 35 achiti, “Iwai nerudo. Dananai. Fariranai. Ndiko kuti anhu aziye kuti muri adzidzi angu”.

Hupenyu hweVamwari hwakaita serwendo. Rwakaita serwendo rwemazuwa akawanda. Une chazi yeunosangana nayo murwendo urwu. Unosangana nayo zuwa rimwe nerimwe. Iyi mikana yekurarama semunhu anofarirwa naMwari. Mikana yekushumira Ishe. Uchiashumira wakafara. Mikana yekurarama muchiedza chawo. Uchirarama kudai sekurarama kwaanoita iwo. Izvi ndizvo zvatinokurudzirwa mutsamba yekutanga yaJohane chitsauko 1 v 7. Unowanawo mikana yekubereka zvibereko zvekururama. Uchiitawo mabasa ekururama. Saka hapanaba zuwa raunofanira kurekera richingoenda. Shumira Ishe zuwa rimwe nerimwe. Uashumire wakafara.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndikuziyei. Makaita kuti ndikushumirei. Iyi ikudzo huru. Makaitawo kuti ndizikanwe ngezita renyu. Ichi chiropafadzo maningi. Ndinogara ndichishingaira kukushumirai. Hapanaba chingandibvisa pamuri. Ndinogara ndichiwedzera kukushandirai. Rudo rwangu kwamuri runogara ruchiwedzera. Ndichikushumirai nemoyo wakafara. Taa mumazuwa ekupedzisira. Saka ndinowedzera kupenya. Simba renyu richionekwa pandiri. Kururama kwenyu kuchionekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaHeberu 12:1-2; VaHeberu 6:10-12; VaGaratia 6:9


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)